< تثنیه 34 >

و موسی از عربات موآب، به کوه نبو، برقله فسجه که در مقابل اریحاست برآمد، و خداوند تمامی زمین را، از جلعاد تا دان، به او نشان داد. ۱ 1
Ipapo Mozisi akakwira mugomo reNebho kubva pamapani aMoabhu kusvika pamusoro pePisiga, mhiri uchibva kuJeriko. Ipapo Jehovha akamuratidza nyika yose, kubva kuGireadhi kusvika kuDhani.
و تمامی نفتالی و زمین افرایم ومنسی و تمامی زمین یهودا را تا دریای مغربی. ۲ 2
Nafutari yose, nenyika yaEfuremu naManase, nenyika yose yaJudha zvichibva nechokugungwa rokumavirira,
وجنوب را و میدان دره اریحا را که شهر نخلستان است تا صوغر. ۳ 3
Negevhi uye dunhu rose zvichibvira kuMupata weJeriko. Neguta remichindwe, kusvika kuZoari.
و خداوند وی را گفت: «این است زمینی که برای ابراهیم و اسحاق و یعقوب قسم خورده، گفتم که این را به ذریت تو خواهم داد، تو را اجازت دادم که به چشم خود آن راببینی لیکن به آنجا عبور نخواهی کرد.» ۴ 4
Ipapo Jehovha akati kwaari, “Iyi ndiyo nyika yandakavimbisa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho pandakati, ‘Ndichaipa kuzvizvarwa zvako.’ Ndakuita kuti uione nameso ako, asi haungayambuki mhiri kuti upinde mairi.”
پس موسی بنده خداوند در آنجا به زمین موآب برحسب قول خداوند مرد. ۵ 5
Zvino Mozisi muranda waJehovha akafira ipapo munyika yaMoabhu, sezvakanga zvataurwa naJehovha.
و او را در زمین موآب در مقابل بیت فعور، در دره دفن کرد، واحدی قبر او را تا امروز ندانسته است. ۶ 6
Akamuviga muMoabhu, mumupata wakatarisana neBheti Peori, kusvikira nanhasi hapana anoziva pane guva rake.
و موسی چون وفات یافت، صد و بیست سال داشت، و نه چشمش تار، و نه قوتش کم شده بود. ۷ 7
Mozisi akanga ava namakore zana namakumi maviri panguva yaakafa, asi kunyange zvakadaro, meso ake akanga achigere kuonera madzerere uye simba rake rakanga richigere kuderera.
وبنی‌اسرائیل برای موسی در عربات موآب سی روز ماتم گرفتند. پس روزهای ماتم و نوحه گری برای موسی سپری گشت. ۸ 8
VaIsraeri vakachema Mozisi pamapani eMoabhu kwamazuva makumi matatu, kusvikira mazuva okuchema nokuungudza apera.
و یوشع بن نون از روح حکمت مملو بود، چونکه موسی دستهای خود را بر او نهاده بود، وبنی‌اسرائیل او را اطاعت نمودند، و برحسب آنچه خداوند به موسی‌امر فرموده بود، عمل کردند. ۹ 9
Zvino Joshua mwanakomana waNuni akanga azere nomweya wouchenjeri nokuti Mozisi akanga aisa maoko ake pamusoro pake. Saka naizvozvo vaIsraeri vakamuteerera uye vakaita zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
و نبی‌ای مثل موسی تا بحال در اسرائیل برنخاسته است که خداوند او را روبرو شناخته باشد. ۱۰ 10
Kubva ipapo hakuna kuzomukazve muprofita muIsraeri akafanana naMozisi, uyo akazivana naJehovha chiso nechiso,
در جمیع آیات و معجزاتی که خداونداو را فرستاد تا آنها را در زمین مصر به فرعون و جمیع بندگانش و تمامی زمینش بنماید. ۱۱ 11
uyo akaita zviratidzo nezvishamiso zvaakatumwa naJehovha kuti aite muIjipiti, kuna Faro nokumachinda ake nokunyika yake yose.
و درتمامی دست قوی، و جمیع آن هیبت عظیم که موسی در نظر همه اسرائیل نمود. ۱۲ 12
Nokuti hapanazve mumwe akaratidza simba guru kana akaitazve mabasa anotyisa seayo akaitwa naMozisi pamberi pavaIsraeri vose.

< تثنیه 34 >