< کارهای رسولان 2 >

و چون روز پنطیکاست رسید، به یک دل در یکجا بودند. ۱ 1
Zvino zuva rePendekosita rakati razadzisika, vese vakange vari pamwe nemoyo umwe.
که ناگاه آوازی چون صدای وزیدن باد شدید از آسمان آمد و تمام آن خانه را که در آنجا نشسته بودند پر ساخت. ۲ 2
Pakarepo kwakauya mutinhiro kubva kudenga sewemhepo inovhuvhuta nesimba, ndokuzadza imba yese mavakange vagere.
وزبانه های منقسم شده، مثل زبانه های آتش بدیشان ظاهر گشته، بر هر یکی از ایشان قرار گرفت. ۳ 3
Zvino kwakaonekwa kwavari ndimi dzakaparadzaniswa sedzemoto, ndokugara pamusoro peumwe neumwe wavo.
و همه از روح‌القدس پر گشته، به زبانهای مختلف، به نوعی که روح بدیشان قدرت تلفظ بخشید، به سخن‌گفتن شروع کردند. ۴ 4
Zvino vese vakazadzwa neMweya Mutsvene, ndokutanga kutaura nedzimwe ndimi, Mweya sezvaakavapa kududza.
و مردم یهود دین دار از هر طایفه زیر فلک دراورشلیم منزل می‌داشتند. ۵ 5
Zvino kwaigara paJerusarema VaJudha, varume vaitya Mwari, vaibva kurudzi rwese rwevari pasi pedenga.
پس چون این صدابلند شد گروهی فراهم شده در حیرت افتادندزیرا هر کس لغت خود را از ایشان شنید. ۶ 6
Zvino mutinhiro uyu wakati waitika, chaunga chikaungana chikavhiringidzwa, nokuti umwe neumwe wakavanzwa vachitaura nerurimi rwekwake.
و همه مبهوت و متعجب شده به یکدیگر می‌گفتند: «مگر همه اینها که حرف می‌زنند جلیلی نیستند؟ ۷ 7
Zvino vakakatyamara vese vakashamisika vakataurirana vachiti: Tarirai, ava vese vanotaura havasi VaGarirea here?
پس چون است که هر یکی از ما لغت خود را که در آن تولد یافته‌ایم می‌شنویم؟ ۸ 8
Zvino isu tinonzwa sei umwe neumwe nerurimi rwekwedu, rwatakaberekwa narwo?
پارتیان و مادیان و عیلامیان و ساکنان جزیره و یهودیه و کپدکیا وپنطس و آسیا ۹ 9
VaPatia neVaMedhia neVaEramu, nevagari veMesopotamia, neveJudhiya neveKapadhokiasi, vePonto neveAsia,
و فریجیه و پمفلیه و مصر ونواحی لبیا که متصل به قیروان است و غربا از روم یعنی یهودیان و جدیدان ۱۰ 10
neveFrigia nevePamufiriya, veEgipita nevemativi eRibhia pedo neKurini, nevaeni veRoma, vese VaJudha nevakatendeukira kuVaJudha,
و اهل کریت و عرب اینها را می‌شنویم که به زبانهای ما ذکر کبریایی خدا می‌کنند.» ۱۱ 11
VaKrete neVaArabhiya, tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa makuru aMwari.
پس همه در حیرت و شک افتاده، به یکدیگر گفتند: «این به کجا خواهدانجامید؟» ۱۲ 12
Zvino vakakatyamara vese, vakashamiswa vachiti umwe kune umwe: Ichi chingava chii?
اما بعضی استهزاکنان گفتند که «ازخمر تازه مست شده‌اند!» ۱۳ 13
Asi vamwe vakatsvinya vachiti: Vararadza waini inotapira.
پس پطرس با آن یازده برخاسته، آواز خودرا بلند کرده، بدیشان گفت: «ای مردان یهود وجمیع سکنه اورشلیم، این را بدانید و سخنان مرافرا‌گیرید. ۱۴ 14
Zvino Petro amire nevanegumi neumwe, wakasimudza inzwi rake, ndokuti kwavari: Varume VaJudha, nevese vagere muJerusarema, chinhu ichi ngachizikanwe kwamuri, uye muteerere kumashoko angu.
زیرا که اینها مست نیستند چنانکه شما گمان می‌برید، زیرا که ساعت سوم از روزاست. ۱۵ 15
Nokuti ava havana kuraradza sezvamunofunga imwi; nokuti iawa rechitatu rezuva;
بلکه این همان است که یوئیل نبی گفت ۱۶ 16
asi ichi ndicho chakataurwa nemuporofita Joweri achiti:
که “خدا می‌گوید در ایام آخر چنین خواهدبود که از روح خود بر تمام بشر خواهم ریخت وپسران و دختران شما نبوت کنند و جوانان شما رویاها و پیران شما خوابها خواهند دید؛ ۱۷ 17
Zvino zvichava mumazuva ekupedzisira, anodaro Mwari, ndichadurura zveMweya wangu pamusoro penyama yese; nevanakomana venyu nevanasikana venyu vachaporofita, uye majaya enyu achaona zviratidzo, nevatana venyu vacharota hope;
و برغلامان و کنیزان خود در آن ایام از روح خودخواهم ریخت و ایشان نبوت خواهند نمود. ۱۸ 18
uye nepamusoro pevaranda vangu nepamusoro pevarandakadzi vangu, nemazuva iwayo ndichadurura zveMweya wangu, uye vachaporofita.
واز بالا در افلاک، عجایب و از پایین در زمین، آیات را از خون و آتش و بخار دود به ظهور آورم. ۱۹ 19
Zvino ndichaita zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi, ropa, nemoto, nemhute yeutsi.
خورشید به ظلمت و ماه به خون مبدل گرددقبل از وقوع روز عظیم مشهور خداوند. ۲۰ 20
Zuva richashandurwa kuva rima, nemwedzi kuva ropa, risati rasvika zuva raIshe guru uye rinobwinya;
وچنین خواهد بود که هر‌که نام خداوند را بخواند، نجات یابد.” ۲۱ 21
zvino zvichava kuti ani nani anodana zita raIshe achaponeswa.
«ای مردان اسرائیلی این سخنان را بشنوید. عیسی ناصری مردی که نزد شما از جانب خدامبرهن گشت به قوات و عجایب و آیاتی که خدادر میان شما از او صادر گردانید، چنانکه خودمی دانید، ۲۲ 22
Varume VaIsraeri, inzwai mashoko awa: Jesu weNazareta, murume wakapupurirwa naMwari pakati penyu nemabasa esimba nezvishamiso nezviratidzo Mwari zvaakaita pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunozivawo imwi momene,
این شخص چون برحسب اراده مستحکم و پیشدانی خدا تسلیم شد، شما به‌دست گناهکاران بر صلیب کشیده، کشتید، ۲۳ 23
iye wakakumikidzwa nezano rakamiswa nekuziva zviri mberi kwaMwari, mukamutora, nemaoko evasina murairo mukaroverera pamuchinjikwa mukauraya;
که خدا دردهای موت را گسسته، او را برخیزانیدزیرا محال بود که موت او را در بند نگاه دارد، ۲۴ 24
iye Mwari waakamutsa, asunungura marwadzo erufu, nokuti zvakange zvisingagoneki kuti abatwe narwo.
زیرا که داود درباره وی می‌گوید: “خداوند راهمواره پیش روی خود دیده‌ام که به‌دست راست من است تا جنبش نخورم؛ ۲۵ 25
Nokuti Dhavhidhi wakataura maererano naye: Ndaiona Ishe pamberi pangu nguva dzese; nokuti ari kuruoko rwerudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa.
از این سبب دلم شادگردید و زبانم به وجد آمد بلکه جسدم نیز در امیدساکن خواهد بود؛ ۲۶ 26
Naizvozvo moyo wangu wakafara, nerurimi rwangu rwakafarisisa; uyezve nenyama yangu ichazorora mutariro.
زیرا که نفس مرا در عالم اموات نخواهی گذاشت و اجازت نخواهی داد که قدوس تو فساد را ببیند. (Hadēs g86) ۲۷ 27
Nokuti hamuzosii mweya wangu mugehena, kana kutendera Mutsvene wenyu kuti aone kuora. (Hadēs g86)
طریقهای حیات را به من آموختی و مرا از روی خود به خرمی سیرگردانیدی.” ۲۸ 28
Makandizivisa nzira dzeupenyu; muchandizadza nemufaro nechiso chenyu.
«ای برادران، می‌توانم درباره داود پطریارخ با شما بی‌محابا سخن گویم که او وفات نموده، دفن شد و مقبره او تا امروز در میان ماست. ۲۹ 29
Varume hama, regai nditaure kwamuri pachena zvateteguru Dhavhidhi, kuti zvese vakafa uye vakavigwa, neguva ravo riri pakati pedu kusvikira zuva rino.
پس چون نبی بود و دانست که خدا برای او قسم خوردکه از ذریت صلب او بحسب جسد، مسیح رابرانگیزاند تا بر تخت او بنشیند، ۳۰ 30
Naizvozvo ari muporofita, uye achiziva kuti Mwari wakapika nemhiko kwaari kuti kuchibereko chechiuno chake panyama achasimudza Kristu kuti agare pachigaro chake cheushe,
درباره قیامت مسیح پیش دیده، گفت که نفس او در عالم اموات گذاشته نشود و جسد او فساد را نبیند. (Hadēs g86) ۳۱ 31
aona zviri mberi, wakareva zvekumuka kwaKristu, kuti mweya wake hauna kusiiwa mugehena, kana nyama yake kuona kuora. (Hadēs g86)
پس همان عیسی را خدا برخیزانید و همه ما شاهد برآن هستیم. ۳۲ 32
Uyu Jesu Mwari wakamumutsa, watiri zvapupu zvazvo tese.
پس چون به‌دست راست خدا بالابرده شد، روح‌القدس موعود را از پدر یافته، این را که شما حال می‌بینید و می‌شنوید ریخته است. ۳۳ 33
Naizvozvo asimudzirwa kuruoko rwerudyi rwaMwari, agamuchira kuna Baba chivimbiso cheMweya Mutsvene, wadurura izvi imwi zvamunoona nezvamunonzwa ikozvino.
زیرا که داود به آسمان صعود نکرد لیکن خودمی گوید “خداوند به خداوند من گفت بر دست راست من بنشین ۳۴ 34
Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kumatenga, asi anoti amene: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi,
تا دشمنانت را پای انداز توسازم.” ۳۵ 35
kusvikira ndichiita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.
پس جمیع خاندان اسرائیل یقین بدانندکه خدا همین عیسی را که شما مصلوب کردیدخداوند و مسیح ساخته است.» ۳۶ 36
Naizvozvo imba yese yaIsraeri ngaizive kwazvo, kuti Mwari wakamuita zvese Ishe naKristu, iyeyu Jesu wamakaroverera pamuchinjikwa imwi.
چون شنیدند دلریش گشته، به پطرس وسایر رسولان گفتند: «ای برادران چه کنیم؟» ۳۷ 37
Zvino vakati vachinzwa izvi vakabaiwa pamoyo, ndokuti kuna Petro nevamwe vaapositori: Varume hama, tichaitei?
پطرس بدیشان گفت: «توبه کنید و هر یک ازشما به اسم عیسی مسیح بجهت آمرزش گناهان تعمید گیرید و عطای روح‌القدس را خواهیدیافت. ۳۸ 38
Petro ndokuti kwavari: Tendeukai mubhabhatidzwe umwe neumwe wenyu muzita raJesu Kristu, kuitira kanganwiro yezvivi, uye muchagamuchira chipo cheMweya Mutsvene.
زیرا که این وعده است برای شما وفرزندان شما و همه آنانی که دورند یعنی هرکه خداوند خدای ما او را بخواند.» ۳۹ 39
Nokuti chivimbiso ndechenyu, nechevana venyu, nechevese vari kure, uwandu Ishe Mwari wedu sehwevaanodana.
و به سخنان بسیار دیگر، بدیشان شهادت داد و موعظه نموده، گفت که «خود را از این فرقه کجرو رستگارسازید.» ۴۰ 40
Uye nemamwe mashoko mazhinji, akapupura akakurudzira, achiti: Muzviponese pazera iri rakashonyoroka.
پس ایشان کلام او را پذیرفته، تعمیدگرفتند و در همان روز تخمین سه هزار نفر بدیشان پیوستند ۴۱ 41
Zvino avo vakagamuchira nemufaro shoko rake vakabhabhatidzwa; uye nezuva iro vakawedzerwa mweya inenge zvuru zvitatu.
و در تعلیم رسولان ومشارکت ایشان و شکستن نان و دعاها مواظبت می‌نمودند. ۴۲ 42
Vakarambira padzidziso yevaapositori nepakuwadzana, nepakumedura chingwa nepaminyengetero.
و همه خلق ترسیدند و معجزات وعلامات بسیار از دست رسولان صادر می‌گشت. ۴۳ 43
Uye kutya kukawira pamusoro pemweya wega-wega; uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvikaitwa nevaapositori.
و همه ایمانداران با هم می‌زیستند و درهمه‌چیز شریک می‌بودند ۴۴ 44
Nevaitenda vese vaiva pamwe, uye vakava nezvinhu zvese panhu pamwe,
و املاک و اموال خود را فروخته، آنها را به هر کس به قدراحتیاجش تقسیم می‌کردند. ۴۵ 45
ndokutengesa zvavaiva nazvo nenhumbi, vakazvigovana vese, umwe neumwe paaishaiwa napo.
و هر روزه درهیکل به یکدل پیوسته می‌بودند و در خانه‌ها نان را پاره می‌کردند و خوراک را به خوشی وساده دلی می‌خوردند. ۴۶ 46
Zuva rimwe nerimwe vakange vachitsungirira mutembere nemoyo umwe, uye vaimedura chingwa paimba neimba, vachidya kudya nemufaro nemoyo wakachena,
و خدا را حمد می‌گفتندو نزد تمامی خلق عزیز می‌گردیدند و خداوند هرروزه ناجیان را بر کلیسا می‌افزود. ۴۷ 47
vachirumbidza Mwari, vachifarirwa nevanhu vese. Ishe akawedzera kukereke zuva rimwe nerimwe avo vanoponeswa.

< کارهای رسولان 2 >