< اول پادشاهان 14 >

در آن زمان ابیا پسر یربعام بیمار شد. ۱ 1
Panguva iyoyo Abhija, mwanakomana waJerobhoamu, akarwara,
و یربعام به زن خود گفت که «الان برخیز و صورت خود را تبدیل نما تا نشناسند که تو زن یربعام هستی، و به شیلوه برو. اینک اخیای نبی که درباره من گفت که براین قوم پادشاه خواهم شد در آنجاست. ۲ 2
Jerobhoamu akati kumukadzi wake, “Enda undozvivanza, kuti urege kuzivikanwa kuti ndiwe mukadzi waJerobhoamu. Ipapo ugoenda kuShiro. Ahija muprofita ariko ikoko, uya akandiudza kuti ndichava mambo wavanhu ava.
و در دست خود ده قرص نان وکلیچه‌ها و کوزه عسل گرفته، نزد وی برو و او تورا از آنچه بر طفل واقع می‌شود، خبر‌خواهدداد.» ۳ 3
Tora zvingwa gumi, makeke negaba rouchi ugoenda nazvo kwaari. Achakuudza zvichaitika kumukomana.”
پس زن یربعام چنین کرده، برخاست و به شیلوه رفته، به خانه اخیا رسید و اخیانمی توانست ببیند زیرا که چشمانش از پیری تارشده بود. ۴ 4
Naizvozvo mukadzi waJerobhoamu akaita sezvaakataura akaenda kumba kwaAhija muShiro. Zvino Ahija akanga asisaoni; meso ake akanga asisaoni nokuti akanga akwegura.
و خداوند به اخیا گفت: «اینک زن یربعام می‌آید تا درباره پسرش که بیمار است، چیزی از تو بپرسد. پس به او چنین و چنان بگو وچون داخل می‌شود به هیات، متنکره خواهدبود.» ۵ 5
Asi Jehovha akaudza Ahija kuti, “Mukadzi waJerobhoamu ari kuuya kuzokubvunza nezvomwanakomana wake, nokuti ari kurwara. Zvino iwe uchamupa mhinduro yokuti neyokuti. Paachasvika achazviita somumwe munhu.”
و هنگامی که اخیا صدای پایهای او را که به در داخل می‌شد شنید، گفت: «ای زن یربعام داخل شو. چرا هیات خود را متنکر ساخته‌ای؟ زیرا که من باخبر سخت نزد تو فرستاده شده‌ام. ۶ 6
Zvino Ahija paakanzwa mutsindo wetsoka dzake pamusuo, akati, “Pinda, mukadzi waJerobhoamu. Sei uchizviita somumwe munhu? Ndatumwa kwauri namashoko asina kunaka.
برو و به یربعام بگو: یهوه، خدای اسرائیل چنین می‌گوید: چونکه تو را از میان قوم ممتاز نمودم، وتو را بر قوم خود، اسرائیل رئیس ساختم، ۷ 7
Enda undoudza Jerobhoamu kuti izvi ndizvo zvinotaura Jehovha, Mwari waIsraeri: ‘Ndakakusimudza kubva pakati pavanhu ndikakuita mutungamiri wavanhu vangu Israeri.
وسلطنت را از خاندان داود دریده، آن را به تو دادم، و تو مثل بنده من، داود نبودی که اوامر مرا نگاه داشته، با تمامی دل خود مرا پیروی می‌نمود، وآنچه در نظر من راست است، معمول می‌داشت وبس. ۸ 8
Ndakabvarura umambo kubva muimba yaDhavhidhi ndikahupa kwauri, asi hauna kuva somuranda wangu Dhavhidhi, akachengeta mirayiro yangu uye akanditevera nomwoyo wake wose, akaita zvakanaka chete pamberi pangu.
اما تو از همه کسانی که قبل از تو بودندزیاده شرارت ورزیدی و رفته، خدایان غیر وبتهای ریخته شده به جهت خود ساختی و غضب مرا به هیجان آوردی و مرا پشت سر خودانداختی. ۹ 9
Iwe wakaita zvakaipa kupfuura vose vakararama iwe usati wavapo. Wakazviitira vamwe vamwari, zviumbwa zvakaitwa nesimbi; waita kuti nditsamwe uye ukandirasira shure kwako.
بنابراین اینک من بر خاندان یربعام بلا عارض می‌گردانم و از یربعام هر مرد را و هر محبوس و آزاد را که در اسرائیل باشد، منقطع می‌سازم، و تمامی خاندان یربعام را دور می‌اندازم چنانکه سرگین را بالکل دور می‌اندازند. ۱۰ 10
“‘Nokuda kwezvinhu izvi ndichauyisa dambudziko paimba yaJerobhoamu. Ndichauraya varume vose vaJerobhoamu nhapwa, neakasununguka. Ndichapisa imba yaJerobhoamu sezvinoita munhu anopisa ndove, kusvikira pasisina chinhu.
هرکه از یربعام در شهر بمیرد، سگان بخورند و هرکه درصحرا بمیرد، مرغان هوا بخورند، زیرا خداونداین را گفته است. ۱۱ 11
Imbwa dzichadya vose vachafira muguta, uye shiri dzedenga dzichadya avo vachafira kusango. Jehovha ataura!’
پس تو برخاسته به خانه خودبرو و به مجرد رسیدن پایهایت به شهر، پسرخواهد مرد. ۱۲ 12
“Kana uriwe, dzokera kumba. Panotsika tsoka yako muguta rako, mwanakomana achafa.
و تمامی اسرائیل برای او نوحه نموده، او را دفن خواهند کرد زیرا که او تنها ازنسل یربعام به قبر داخل خواهد شد، به علت اینکه با او چیز نیکو نسبت به یهوه، خدای اسرائیل در خاندان یربعام یافت شده است. ۱۳ 13
Israeri yose ichamuchema igomuviga. Ndiye oga waJerobhoamu achavigwa, nokuti ndiye oga mumba maJerobhoamu aonekwa naJehovha, Mwari waIsraeri, kuti ane chakanaka maari.
وخداوند امروز پادشاهی بر اسرائیل خواهدبرانگیخت که خاندان یربعام را منقطع خواهدساخت و چه (بگویم ) الان نیز (واقع شده است ). ۱۴ 14
“Jehovha achazvimutsira mambo waIsraeri achaparadza mhuri yaJerobhoamu. Nhasi ndiro zuva racho! Hongu, kana iye zvino.
و خداوند اسرائیل را خواهد زد مثل نی‌ای که در آب متحرک شود، و ریشه اسرائیل را از این زمین نیکو که به پدران ایشان داده بود، خواهد کندو ایشان را به آن طرف نهر پراکنده خواهدساخت، زیرا که اشیریم خود را ساخته، خشم خداوند را به هیجان آوردند. ۱۵ 15
Zvino Jehovha acharova Israeri, zvokuti ichaita setsanga iri kuzungunuswa mumvura. Achadzura Israeri kubva munyika yakanaka iyi yaakapa kumadzitateguru avo agovaparadzira mhiri kwoRwizi, nokuti vakaita kuti Jehovha atsamwe nehasha pavakaitira Ashera mapango.
و اسرائیل را به‌سبب گناهانی که یربعام ورزیده، و اسرائیل را به آنها مرتکب گناه ساخته است، تسلیم خواهدنمود.» ۱۶ 16
Acharamwa Israeri nokuda kwezvivi zvakaitwa naJerobhoamu nezvaakaita kuti Israeri iite.”
پس زن یربعام برخاسته، و روانه شده، به ترصه آمد و به مجرد رسیدنش به آستانه خانه، پسر مرد. ۱۷ 17
Ipapo mukadzi waJerobhoamu akasimuka akaenda, akasvika kuTiza. Achingoti tsikei pachikumbaridzo cheimba, mwanakomana akabva afa.
و تمامی اسرائیل او را دفن کردند وبرایش ماتم گرفتند، موافق کلام خداوند که به واسطه بنده خود، اخیای نبی گفته بود. ۱۸ 18
Vakamuviga, uye Israeri yose yakamuchema, sezvazvakanga zvarehwa naJehovha kubudikidza nomuranda wake muprofita Ahija.
و بقیه وقایع یربعام که چگونه جنگ کرد و چگونه سلطنت نمود اینک در کتاب تواریخ ایام پادشاهان اسرائیل مکتوب است. ۱۹ 19
Zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaJerobhoamu, hondo dzake namatongero ake, zvakanyorwa mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri.
و ایامی که یربعام سلطنت نمود، بیست و دو سال بود. پس باپدران خود خوابید و پسرش ناداب به‌جایش پادشاه شد. ۲۰ 20
Akatonga kwamakore makumi maviri namaviri akazorora namadzibaba ake. Nadhabhi mwanakomana wake akamutevera paumambo.
و رحبعام بن سلیمان در یهودا سلطنت می‌کرد، و رحبعام چون پادشاه شد چهل و یک ساله بود و در اورشلیم، شهری که خداوند از تمام اسباط اسرائیل برگزید تا اسم خود را در آن بگذارد، هفده سال پادشاهی کرد. و اسم مادرش نعمه عمونیه بود. ۲۱ 21
Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni akanga ari mambo munyika yeJudha. Akanga ana makore makumi mana nerimwe chete paakava mambo, uye akatonga kwamakore gumi namanomwe muJerusarema, guta rakanga rasarudzwa naJehovha kubva pamarudzi ose aIsraeri kuti aise Zita rake mariri. Zita ramai vake raiva Naama; vaiva muAmoni.
و یهودا در نظر خداوندشرارت ورزیدند، و به گناهانی که کردند، بیشتر ازهر‌آنچه پدران ایشان کرده بودند، غیرت او را به هیجان آوردند. ۲۲ 22
VaJudha vakaita zvakaipa pamberi paJehovha. Vakamutsa godo rake, kupfuura zvakaitwa namadzibaba avo, nezvivi zvavakaita.
و ایشان نیز مکانهای بلند وستونها و اشیریم بر هر تل بلند و زیر هر درخت سبز بنا نمودند. ۲۳ 23
Vakazvivakirawo nzvimbo dzakakwirira, matombo anoera namapango aAshera pazvikomo zvose zvakakwirira napasi pemiti yose mikuru.
و الواط نیز در زمین بودند وموافق رجاسات امتهایی که خداوند از حضوربنی‌اسرائیل اخراج نموده بود، عمل می‌نمودند. ۲۴ 24
Kwaivawo navarume vaizviita vakadzi vavamwe varume munyika, vanhu vakaita zvose zvinonyangadza zvaiitwa nendudzi idzo dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri.
و در سال پنجم رحبعام پادشاه واقع شد که شیشق پادشاه مصر به اورشلیم برآمد. ۲۵ 25
Mugore rechishanu raMambo Rehobhoamu, Shishaki, mambo weIjipiti, akarwisa Jerusarema.
وخزانه های خانه خداوند و خزانه های خانه پادشاه را گرفت و همه‌چیز را برداشت و جمیع سپرهای طلایی که سلیمان ساخته بود، برد. ۲۶ 26
Akatora pfuma yose yetemberi yaJehovha nepfuma yose yomuzinda wamambo. Akatora zvinhu zvose, kusanganisira nenhoo dzose dzegoridhe dzakanga dzagadzirwa naSoromoni.
و رحبعام پادشاه به عوض آنها سپرهای برنجین ساخت وآنها را به‌دست سرداران شاطرانی که در خانه پادشاه را نگاهبانی می‌کردند، سپرد. ۲۷ 27
Naizvozvo Mambo Rehobhoamu akagadzira nhoo dzendarira kuti dzitore nzvimbo yadzo uye akadzipa kuvatungamiri vavarindi vaichengeta suo romuzinda wamambo.
و هر وقتی که پادشاه به خانه خداوند داخل می‌شد، شاطران آنها را برمی داشتند و آنها را به حجره شاطران باز می آوردند. ۲۸ 28
Nguva dzose paienda mambo kutemberi yaJehovha, varindi vaitakura nhoo, mushure mezvo vachizodzidzosera kuimba yavarindi.
و بقیه وقایع رحبعام و هرچه کرد، آیا درکتاب تواریخ ایام پادشاهان یهودا مکتوب نیست؟ ۲۹ 29
Zvino mamwe amabasa okutonga kwaRehobhoamu nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eJudha?
و در میان رحبعام و یربعام درتمامی روزهای ایشان جنگ می‌بود. ۳۰ 30
Rehobhoamu naJerobhoamu vaingogara vachirwisana.
ورحبعام با پدران خویش خوابید و در شهر داود باپدران خود دفن شد، و اسم مادرش نعمه عمونیه بود و پسرش ابیام در جایش پادشاهی نمود. ۳۱ 31
Rehobhoamu akazorora namadzibaba ake uye akavigwa pavakanga vakavigwa muguta raDhavhidhi. Zita ramai vake raiva Naama; vaiva muAmoni. Abhija mwanakomana wake akamutevera paumambo.

< اول پادشاهان 14 >