< Jeremias 46 >

1 Dette er Herrens ord som kom til profeten Jeremias om hedningefolkene.
Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kuna Jeremia muprofita pamusoro pendudzi:
2 Om Egypten. Om egypterkongen Farao Nekos hær, som stod ved elven Eufrat, ved Karkemis, og som Babels konge Nebukadnesar slo i Judas konge Jojakims, Josias' sønns fjerde år:
Pamusoro peIjipiti: Iri ndiro shoko pamusoro pehondo yaFaro Neko mambo weIjipiti, yakakundwa paKarikemishi, paRwizi Yufuratesi naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi mugore rechina raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha:
3 Sett skjoldene i stand, de små og de store, og rykk frem til striden!
“Gadzirai nhoo dzenyu, dzose huru neduku, mubude kundorwa!
4 Spenn hestene for og sitt op, I ryttere, og still eder op med hjelmer på! Gjør spydene blanke, ta brynene på!
Sungai mabhiza, sungirirai zvigaro! Mirai panzvimbo yenyu makapfeka nguwani! Rodzai mapfumo enyu, pfekai nguo dzenyu dzokurwa!
5 Hvorfor ser jeg dem forferdet vike tilbake? Og deres kjemper blir slått og tar flukten uten å vende sig om; redsel er det rundt omkring, sier Herren.
Ndinooneiko? Vavhundutswa, vari kudzokera shure, mhare dzavo dzakundwa. Vari kutiza nokukurumidza vasingacheuki, uye pano kutya kumativi ose,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
6 Den lette skal ikke undfly, og kjempen ikke undslippe; mot nord, ved bredden av elven Eufrat, snubler de og faller.
Vanogona kumhanya havangatizi, uye vakasimba havangapunyuki. Nechokumusoro paRwizi Yufuratesi vanogumburwa vagowa.
7 Hvem er det som stiger op lik Nilen, hvis vann bølger som strømmene?
Ndianiko uyu anozara serwizi Nairi, senzizi dzamapopopo emvura?
8 Egypten stiger op som Nilen, og dets vann bølger som strømmene; det sier: Jeg vil stige op og dekke landene, jeg vil ødelegge byer og dem som bor i dem.
Ijipiti yazara seNairi, senzizi dzamapopopo. Inoti, “Ndichazara ndigofukidza nyika; ndichaparadza maguta navanhu vawo.”
9 Far frem, I hester, og ras avsted, I vogner! Kjempene skal rykke ut, etiopere og puteere, som fører skjold, og menn fra Lud, som fører og spenner bue.
Virimai, imi mabhiza! Chairai nehasha, imi vatasvi vengoro! Fambirai mberi, imi mhare, varume veEtiopia nePuti vanoitakura nhoo, varume veRidhia vanowembura uta.
10 Men den dag er for Herren, Israels Gud, hærskarenes Gud, en hevnens dag, til hevn over hans fiender, og sverdet skal fortære og mettes og bli drukkent av deres blod; for en offerslakting holder Herren, Israels Gud, hærskarenes Gud, i landet i nord ved elven Eufrat.
Asi zuva iro nderaShe, iye Jehovha Wamasimba Ose, iro zuva rokutsiva, rokutsiva vavengi vake. Munondo uchadya kusvikira waguta, kusvikira wapodza nyota yawo neropa. Nokuti Ishe, iye Jehovha Wamasimba Ose, achabayira chibayiro kunyika yokumusoro paRwizi Yufuratesi.
11 Dra op til Gilead og hent balsam, du jomfru, Egyptens datter! Forgjeves bruker du mange slags lægedom; det finnes ikke plaster for dig.
“Kwidza kuGireadhi undotora bharimu, iwe Mwanasikana Mhandara yeIjipiti. Asi unongowanza mishonga pasina; kuporeswa kwako hapana.
12 Folkeslag hører om din skam, og jorden er full av ditt skrik; for den ene stridsmann snubler over den andre, de faller begge to.
Ndudzi dzichanzwa nezvokunyadziswa kwako; kuchema kwako kuchazadza nyika. Mhare ichabondera pane imwe mhare; vachawira pasi pamwe chete.”
13 Dette er det ord Herren talte til profeten Jeremias om at Babels konge Nebukadnesar skulde komme og slå Egyptens land:
Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha kuna Jeremia muprofita, pamusoro pokuuya kwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi kuzorwa neIjipiti achiti:
14 Kunngjør det i Egypten, la det høres i Migdol og la det høres i Memfis og Tahpanhes! Si: Still dig frem og gjør dig ferdig! For sverdet har fortært alt rundt omkring dig.
“Zivisai izvi muIjipiti, mugozviparidza paMigidhori; zviparidzeiwo paNofi neTapanesi muchiti: ‘Torai nzvimbo yenyu uye muzvigadzirire, nokuti munondo unodya vakakupoteredzai.’
15 Hvorfor er din sterke styrtet til jorden? Han holdt ikke stand; for Herren støtte ham ned.
Ko, mhare dzenyu dzingadzikisirwei? Havangagoni kumira, nokuti Jehovha achavadzikisa pasi.
16 Han får mange til å snuble, ja, den ene faller ovenpå den andre, og de sier: Op, la oss vende tilbake til vårt folk og vårt fødeland for det herjende sverd!
Vacharamba vachingogumburwa; vachawa mumwe nomumwe pamusoro pomumwe. Vachati, ‘Simukai, ngatidzokerei kuvanhu vokwedu nokunyika yedu, kure nomunondo womumanikidzi wedu.’
17 Da roper de: Farao, Egyptens konge, er ødelagt! Han lot den rette tid gå forbi.
Ikoko vachadanidzira vachiti, ‘Faro mambo weIjipiti anongova ruzha chete; akatadza kushandisa mukana wake.’
18 Så sant jeg lever, sier kongen, han hvis navn er Herren, hærskarenes Gud: Som Tabor iblandt fjellene og som Karmel ved havet kommer han.
“Zvirokwazvo noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Mambo, ane zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose, “pano mumwe achauya akaita seTabhori pakati pamakomo, seKarimeri pagungwa.
19 Rust dig ut til å gå i landflyktighet, du Egyptens datter som bor i landet! For Memfis skal bli til en ørken og bli ødelagt, så ingen bor der.
Rongedzai zvinhu zvenyu, nokuti muchaenda kuutapwa, imi munogara muIjipiti, nokuti Nofi richaitwa dongo, uye richava dongo risina anogaramo.
20 En herlig kvige er Egypten - kleggen fra nord kommer, den kommer.
“Ijipiti itsiru rakaisvonaka, asi vuvo riri kuuya kuzorwisa richibva kumusoro.
21 Også de leide krigsmenn som det har i sin midte, de som er lik gjøkalver, ja, også de vender om, flyr alle sammen, de holder ikke stand; for deres ulykkesdag er kommet over dem, deres hjemsøkelses tid.
Varwi vanorwa kuti varipirwe mari chete vari mairi, vakaita semhuru dzakakodzwa. Naivowo vachatendeuka uye vachatiza pamwe chete, havangamiri panzvimbo yavo, nokuti zuva renjodzi riri kuuya pamusoro pavo, nguva yokurangwa kwavo.
22 Dets røst skal lyde som ormens; for med en hær drar de frem, og med økser kommer de mot det som tømmerhuggere.
Ijipiti ichashinyira senyoka inotiza pakuuya nechisimba kwomuvengi; vachauya kuzorwa nayo namatemo, savarume vanotema miti.
23 De hugger ned dets skog, sier Herren; for den er ugjennemtrengelig; de er flere enn gresshoppene, det er ikke tall på dem.
Vachatemera sango raro pasi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kunyange risingapindiki zvaro. Vakawanda kupfuura mhashu, havaverengeki.
24 Egyptens datter blir til skamme; hun blir gitt i hendene på et folk fra nord.
Mwanasikana weIjipiti achanyadziswa, achaiswa mumaoko avanhu vokumusoro.”
25 Herren, hærskarenes Gud, Israels Gud, sier: Se, jeg hjemsøker Amon fra No og Farao og Egypten og dets guder og dets konger, både Farao og dem som setter sin lit til ham,
Jehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, anoti, “Ndava pedyo nokuuyisa shamhu pamusoro paAmoni mwari weTebhesi, napamusoro paFaro, neIjipiti navamwari vayo namadzimambo ayo, napamusoro peavo vanovimba naFaro.
26 og jeg gir dem i deres hånd som står dem efter livet, i Babels konge Nebukadnesars hånd og i hans tjeneres hånd; men derefter skal det få leve i ro som i fordums dager, sier Herren.
Ndichavaisa mumaoko eavo vanotsvaka kuvauraya, nokuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi namachinda ake. Shure kwaizvozvo, Ijipiti ichagarwa sepamazuva akare,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
27 Men frykt ikke, du min tjener Jakob, og reddes ikke, Israel! For se, jeg frelser dig fra det fjerne land og din ætt fra deres fangenskaps land, og Jakob skal vende tilbake og ha ro og være trygg, og ingen skal forferde ham.
“Usatya, iwe Jakobho muranda wangu; usavhunduka, iwe Israeri. Zvirokwazvo ndichakuponesa uri kunzvimbo iri kure, nezvizvarwa zvako kubva kunyika youtapwa hwavo, Jakobho achavazve norugare nokuchengetedzeka, uye hakuna achamutyisa.
28 Frykt ikke, min tjener Jakob, sier Herren, for jeg er med dig; jeg vil gjøre ende på alle de folk som jeg har drevet dig bort til, men dig vil jeg ikke gjøre ende på; jeg vil tukte dig med måte; men helt ustraffet vil jeg ikke la dig være.
Usatya, iwe Jakobho muranda wangu, nokuti ndinewe,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kunyange ndikaparadza chose marudzi ose andakakuparadzirai pakati pawo, handizokuparadzei imi zvachose. Ndichakurangai, asi chete nokururamisira; handingakuregei musina kurangwa zvachose.”

< Jeremias 46 >