< Amahubo 75 >

1 Siyakubonga, Nkulunkulu, siyabonga, ukuthi ibizo lakho liseduze, iyalandisa imisebenzi yakho emangalisayo.
Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Regai kuparadza.” Pisarema raAsafi. Rwiyo. Tinokuvongai, imi Mwari, tinokuvongai, nokuti Zita renyu riri pedyo; vanhu vanotaura nezvamabasa enyu anoshamisa.
2 Lapho ngisemukela isikhathi esimisiweyo ngizakwahlulela ngokuqonda.
Imi munoti, “Ndinosarudza nguva yakatarwa; ndini ndinotonga zvakarurama.
3 Umhlaba labo bonke abakhileyo kuwo kuncibilikile; mina ngiqinisa insika zawo. (Sela)
Panozununguka nyika yose navanhu vayo, ini ndini ndinobata mbiru dzayo zvakasimba. Sera
4 Ngathi kwabayiziwula: Lingabi yiziwula. Lakwababi: Lingaphakamisi uphondo.
Kuna vanozvikudza ndinoti, ‘Regai kuzvikudzazve,’ uye kuna vakaipa, ndinoti, ‘Regai kusimudza nyanga dzenyu.
5 Lingaphakamiseli phezulu uphondo lwenu, lingakhulumi ngentamo elukhuni.
Regai kusimudzira nyanga dzenyu kudenga; regai kutaura nemitsipa mikukutu.’”
6 Ngoba ukuphakanyiswa kakuveli empumalanga kumbe entshonalanga njalo hatshi enkangala.
Hakuna munhu anobva kumabvazuva kana kumavirira, kana anobva kugwenga angasimudzira munhu.
7 Kodwa uNkulunkulu ungumahluleli, uyehlisa omunye, aphakamise omunye.
Asi Mwari ndiye anotonga: Anoderedza mumwe, achisimudzira mumwe.
8 Ngoba esandleni seNkosi kulenkezo; lewayini liphuphuma, ligcwele inhlanganiso; iyathulula okwalo; kodwa izibhidi zalo, ababi bonke bomhlaba bazazihluza bazinathe.
Muruoko rwaJehovha mune mukombe uzere newaini inopupuma, yakavhenganiswa nezvinonhuhwira; anoidururira pasi, uye vakaipa vose vapanyika vanoinwa kusvikira pamasese ayo.
9 Kodwa mina ngizatshumayela njalonjalo, ngihlabele indumiso kuNkulunkulu kaJakobe.
Kana ndirini, ndichaparidza izvi nokusingaperi; ndichaimbira Mwari waJakobho rwiyo rwokurumbidza.
10 Njalo zonke impondo zababi ngizaziquma; impondo zabalungileyo zizaphakanyiswa.
Ndichagura nyanga dzavakaipa vose, asi nyanga dzavakarurama dzichasimudzirwa kumusoro.

< Amahubo 75 >