< Amanani 5 >

1 INkosi yasikhuluma kuMozisi isithi:
Jehovha akati kuna Mozisi,
2 Laya abantwana bakoIsrayeli ukuthi bakhuphe enkambeni wonke umlephero, laye wonke olokugobhoza, laye wonke ongcolileyo ngofileyo.
“Rayira vaIsraeri kuti vabudise mumusasa ani zvake ane chirwere cheganda romuviri kana kuerera kupi zvako, kana akasvibiswa nokuda kwechitunha.
3 Kusukela kowesilisa kusiya kowesifazana lizabakhupha, kuze kube ngaphandle kwenkamba lizabakhupha, ukuze bangangcolisi izinkamba zabo, engihlala phakathi kwazo.
Uvabudise vose varume navakadzi zvimwe chetezvo; uvabudise kunze kwomusasa kuitira kuti varege kusvibisa musasa wavo, wandigere pakati pavo.”
4 Abantwana bakoIsrayeli basebesenza njalo, babakhupha baze baba ngaphandle kwenkamba; njengokutsho kweNkosi kuMozisi, benza njalo abantwana bakoIsrayeli.
VaIsraeri vakaita saizvozvo, vakavabudisa kunze kwomusasa. Vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
5 INkosi yasikhuluma kuMozisi isithi:
Jehovha akati kuna Mozisi,
6 Tshono ebantwaneni bakoIsrayeli uthi: Indoda kumbe umfazi, uba besenza loba yisiphi isono somuntu, ngokuphambeka isiphambeko eNkosini, lowomuntu ulecala.
“Uti kuvaIsraeri: ‘Kana murume kana mukadzi akakanganisira mumwe nenzira ipi zvayo uye saizvozvo akasava akatendeka kuna Jehovha, munhu uyo ane mhosva,
7 Njalo bazavuma isono sabo abasenzileyo, abesehlawula icala lakhe ngokupheleleyo kwalo, engezelele phezu kwalo ingxenye yesihlanu yalo, anike lowo alecala kuye.
uye anofanira kureurura chivi chaakaita. Anofanira kuripira zvizere mhosva yake, achiwedzera chikamu chimwe chete muzvishanu chayo agozvipa zvose kumunhu waakatadzira.
8 Kodwa uba lowomuntu engelamhlengi oyisihlobo okungahlawulwa kuso icala, icala lizahlawulwa eNkosini kube ngokompristi, ngaphandle kwenqama yenhlawulo yokuthula, azamenzela inhlawulo yokuthula ngayo.
Asi kana munhu uyo asina hama yepedyo uyo angapiwa zviri kuripirwa mhosva, muripo uyu ndowaJehovha uye unofanira kupiwa kumuprista, pamwe chete negondobwe rokumuyananisira.
9 Lawo wonke umnikelo wazo zonke izinto ezingcwele zabantwana bakoIsrayeli, abaziletha kumpristi, uzakuba ngowakhe.
Zvinotsaurwa zvose zvinopiwa navaIsraeri kumuprista zvichava zvake.
10 Lezinto ezingcwele zawo wonke umuntu zizakuba ngezakhe; lokhu loba ngubani akunika umpristi kuzakuba ngokwakhe.
Zvipo zvakatsaurwa zvomunhu mumwe nomumwe ndezvake iye pachake, asi zvaanopa kumuprista zvichava zvomuprista.’”
11 INkosi yasikhuluma kuMozisi isithi:
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
12 Tshono ebantwaneni bakoIsrayeli uthi kubo: Loba yiyiphi indoda, uba umkayo eduha, ngokungathembeki kuyo enze isenzo sokungathembeki,
“Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mukadzi womunhu akatsauka, akasava akatendeka kwaari,
13 lendoda ilala laye ngobudoda bokuhlangana, njalo kufihlakale emehlweni endoda yakhe, angabonwa, yena ungcolisiwe, njalo kungelamfakazi omelana laye, futhi yena engabanjwanga,
akavata nomumwe murume, uye izvi zvikavanzwa kumurume wake uye kusvibiswa kwake kusati kwabatwa (sezvo pasina chapupu pamusoro pake uye asati abatwa achiita izvozvo),
14 lomoya wobukhwele ufike phezu kwayo, futhi ibe lobukhwele ngomkayo, njalo yena engcolisiwe, loba umoya wobukhwele ufike phezu kwayo, futhi ibe lobukhwele ngomkayo, lanxa yena engangcolanga,
uye murume wake akava neshanje mukati make uye akafungira mukadzi wake, uye iye mukadzi achinge akasvibiswa, kana dai akava neshanje uye achimufungira kunyange zvake iye asina kusvibiswa,
15 indoda izaletha umkayo kumpristi, imlethele umnikelo wakhe, okwetshumi kwe-efa lempuphu yebhali; kayiyikuthela amafutha kuyo, ingabeki inhlaka phezu kwayo, ngoba kungumnikelo wokudla wobukhwele, umnikelo wokudla wesikhumbuzo, ukukhumbuza ububi.
ipapo anofanira kutora mukadzi wake agoenda naye kumuprista. Anofanira kuendawo nechipiriso chechegumi cheefa youpfu hwebhari pachinzvimbo chake. Haafaniri kudira mafuta pamusoro pacho kana zvinonhuhwira pachiri, nokuti chipiriso chezviyo cheshanje, chipiriso chechiyeuchidzo chokurangaridza mhosva.
16 Umpristi uzasondeza-ke owesifazana, ammise phambi kweNkosi.
“‘Muprista achamuuyisa agoita kuti amire pamberi paJehovha.
17 Umpristi athathe amanzi angcwele embizeni yebumba, lompristi athathe okothuli oluphansi ethabhanekeleni, akufake emanzini.
Ipapo anofanira kutora mvura tsvene mumudziyo wevhu agoisa guruva rinobva pauriri hwetabhenakeri mumvura.
18 Umpristi uzamisa owesifazana phambi kweNkosi, embule ikhanda lowesifazana, abeke ezandleni zakhe umnikelo wokudla wokukhumbuza, ongumnikelo wokudla wobukhwele. Lesandleni sompristi kuzakuba lamanzi ababayo aletha isiqalekiso.
Shure kwokunge muprista amisa mukadzi uyu pamberi paJehovha, achasunungura vhudzi rake agoisa mumaoko ake chipiriso chokuyeuchidza, chipiriso chezviyo cheshanje, muprista pachake akabata mvura inovava inouyisa chituko.
19 Umpristi uzamfungisa-ke, athi kowesifazana: Uba kungelandoda elele lawe, njalo uba ungaduhelanga ekungcoleni, uphansi kwendoda yakho, khululeka emanzini la ababayo aletha isiqalekiso.
Ipapo muprista anofanira kuita kuti mukadzi uyu apike uye agoti kwaari, “Kana kusina mumwe murume akavata newe uye usina kumbotsauka ukava wakasvibiswa panguva yokuwanikwa kwako nomurume wako, mvura inovava iyi, iyo inouyisa kutukwa, ngairege kukukuvadza.
20 Kodwa wena, uba uduhile, uphansi kwendoda yakho, futhi uba ungcolisiwe, lendoda yahlangana lawe, ngaphandle kwendoda yakho,
Asi kana wakatsauka iwe wakawanikwa nomurume wako uye ukazvisvibisa nokuvata nomumwe murume pachinzvimbo chomurume wako,”
21 umpristi amfungise owesifazana ngesifungo sesiqalekiso, umpristi athi kuye: INkosi kayikwenze ube yisiqalekiso lesifungo phakathi kwabantu bakini, lapho iNkosi isenza ithangazi lakho liwe, lesisu sakho sikhukhumale.
ipapo muprista anofanira kuisa mukadzi uyu pachituko ichi chemhiko achiti, “Jehovha ngaaite kuti vanhu vako vakutuke uye vakurambe paanoita kuti chidya chako chionde uye kuti dumbu rako rizvimbe.
22 Lamanzi la aletha isiqalekiso kawangene emibilini yakho, akwenze isisu sikhukhumale lokwenza ithangazi liwe. Owesifazana abesesithi: Ameni, Ameni.
Mvura iyi inouyisa kutuka ngaipinde mumuviri wako kuitira kuti dumbu rako rizvimbe uye chidya chako chionde.” “‘Ipapo mukadzi anofanira kuti, “Ameni. Ngazviite saizvozvo.”
23 Umpristi uzabhala-ke iziqalekiso lezi egwalweni, azesule ngamanzi ababayo,
“‘Muprista anofanira kunyora zvituko izvi papepa ipapo agozvisuka mumvura inovava.
24 anathise owesifazana amanzi ababayo aletha isiqalekiso, lamanzi aletha isiqalekiso azangena kuye, abe ngokubabayo.
Anofanira kunwisa mukadzi uyu mvura inovava, inouyisa kutukwa, uye mvura iyi ichapinda maari igouyisa kutambudzika nokuvaviwa.
25 Umpristi uzathatha-ke esandleni sowesifazana umnikelo wokudla wobukhwele, awuzunguze umnikelo wokudla phambi kweNkosi, awusondeze elathini,
Muprista anofanira kutora kubva mumaoko omukadzi chipiriso chezviyo cheshanje, agochininira pamberi paJehovha nokuchiuyisa kuaritari.
26 umpristi acuphe isandla esigcweleyo somnikelo wokudla, sibe yisikhumbuzo sawo, asitshise elathini, lemva kwalokho amnathise owesifazana amanzi.
Ipapo muprista anofanira kutora tsama yechipiriso chezviyo sechipiriso chokurangaridza agochipisa paaritari; shure kwaizvozvo, anofanira kunwisa mukadzi uyu mvura.
27 Esemnathisile amanzi, kuzakuthi uba engcolile, enze ngokungathembeki isenzo sokungathembeki endodeni yakhe, amanzi aletha isiqalekiso esengenile kuye abe ngokubabayo, isisu sakhe sizakhukhumala lethangazi lakhe liwe, lowesifazana uzakuba yisiqalekiso phakathi kwabantu bakibo.
Kana akazvisvibisa uye anga asina kutendeka kumurume wake, ipapo kana zvaitwa kuti anwe mvura inouyisa kutukwa, ichapinda maari igoita kuti arwadziwe zvikuru; dumbu rake richazvimba uye chidya chake chichaonda, uye achava akatukwa pakati pavanhu vokwake.
28 Kodwa uba owesifazana engangcolanga, kodwa ehlambulukile, uzakhululeka, uzakwemukela inhlanyelo.
Kunyange zvakadaro hazvo, kana mukadzi uyo asina kuzvisvibisa uye akachena achasunungurwa pamhosva iyo uye achagona kubereka vana.
29 Lo ngumlayo wobukhwele, lapho umfazi eduha, ephansi kwendoda yakhe, abesengcoliswa,
“‘Uyu, zvino ndiwo murayiro weshanje kana mukadzi atsauka, akazvisvibisa iye ari mukadzi womunhu,
30 kumbe indoda, uba umoya wobukhwele ufika phezu kwayo ibe lobukhwele ngomkayo; immise owesifazana phambi kweNkosi, lompristi enze kuye umlayo lo wonke.
uye kana murume akava neshanje nokuda kwokufungira mukadzi wake. Muprista anofanira kumumisa pamberi paJehovha agotevedza murayiro uyu wose kwaari.
31 Indoda izakhululeka-ke ecaleni, kodwa lowo owesifazana uzathwala icala lakhe.
Murume achange asina mhosva pakukanganisa kupi zvako, asi mukadzi achava nemhosva yechivi chake.’”

< Amanani 5 >