< Abahluleli 16 >

1 USamsoni wasesiya eGaza, wabona khona umfazi, iwule, wangena kulo.
Rimwe zuva Samusoni akaenda kuGaza, kwaakandoona chifeve. Akapinda usiku kuti andovata nacho.
2 Kwabikwa kwabeGaza kuthiwa: USamsoni ufikile lapha. Bamzingelezela, bamcathamela ubusuku bonke esangweni lomuzi; bathula ubusuku bonke besithi: Kuze kukhanye ekuseni, khona sizambulala.
Vanhu veGaza vakaudzwa kuti, “Samusoni ari pano!” Saka vakakomba nzvimbo iyo vakamuvandira usiku pasuo reguta. Havana kumbosuduruka panguva yousiku vachiti, “Tichamuuraya panguva yamambakwedza.”
3 USamsoni waselala kwaze kwaba phakathi kobusuku; wavuka phakathi kobusuku, wabamba izivalo zesango lomuzi, lensika zombili, wazisiphuna lomgoqo, wakwetshata emahlombe akhe, wakwenyusela engqongeni yentaba ephambi kweHebroni.
Asi Samusoni akavatamo kusvikira pakati pousiku chete. Ipapo akamuka akabata masasa amasuo eguta, pamwe chete namagwatidziro acho maviri akaavhomora, mazariro nezvose. Akaasimudza pamapfudzi ake akaatakura akaenda nawo pamusoro pechikomo chakatarisana neHebhuroni.
4 Kwathi emva kwalokho wathanda owesifazana esihotsheni seSoreki, obizo lakhe linguDelila.
Mushure menguva yakati kuti, akadanana nomukadzi aigara muMupata weSoreki; zita rake rainzi Dherira.
5 Njalo iziphathamandla zamaFilisti zenyukela kuye zathi kuye: Myenge ubone ukuthi akukuphi amandla akhe amakhulu, lokuthi singamehlula ngani, ukuthi simbophe ukuze simnqobe. Thina-ke sizakunika ngamunye izinhlamvu zesiliva eziyinkulungwane lekhulu.
Vatongi vavaFiristia vakaenda kwaari vakati, “Uone kana ungagona kumunyengetedza kuti akuratidze chakavanzika chesimba rake guru, uye kuti tingamukunda sei kuitira kuti tigomusunga timupfavise. Mumwe nomumwe wedu achakupa mashekeri esirivha mazana gumi nezana rimwe chete.”
6 UDelila wasesithi kuSamsoni: Ake ungitshele ukuthi akukuphi amandla akho amakhulu, lokuthi ungabotshwa ngani ukukunqoba.
Saka Dherira akati kuna Samusoni, “Ndiudzewoka chakavanzika chesimba rako guru uye kuti ungasungwa sei kuti ukundwe.”
7 USamsoni wasesithi kuye: Uba bengibopha ngentambo eziyisikhombisa ezintsha ezingomanga, ngizakuba buthakathaka ngibe njengomunye umuntu.
Samusoni akamupindura akati, “Kana munhu upi zvake akandisunga netambo itsva nomwe dzisina kuomeswa, ndichava munhu asina simba, somumwewo munhu zvake.”
8 Iziphathamandla zamaFilisti zasezisenyusela kuye intambo eziyisikhombisa ezintsha ezingomanga; wasembopha ngazo.
Ipapo vatongi vavaFiristia vakamuvigira tambo nomwe itsva dzisina kuomeswa, akamusunga nadzo.
9 Abacathemeyo-ke bahlala laye endlini engaphakathi; wasesithi kuye: AmaFilisti aphezu kwakho, Samsoni! Waziqamula intambo njengentambo yefilakisi iqamuka nxa isizwa umlilo. Ngakho amandla akhe kawaziwanga.
Varume vakavanda mukamuri, akadanidzira kwaari akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Asi akadambura tambo zviri nyore sokudambuka kunoita shinda kana yaiswa pedyo nomurazvo womoto. Saka chakavanzika chesimba rake hachina kuzivikanwa.
10 UDelila wasesithi kuSamsoni: Khangela, udlale ngami wangitshela amanga. Khathesi ake ungitshele ukuthi ungabotshwa ngani.
Ipapo Dherira akati kuna Samusoni, “Wandiita benzi; wareva nhema kwandiri. Zvino chindiudza kuti ungasungwa sei?”
11 Wasesithi kuye: Uba bengangibopha lokungibopha ngamagoda amatsha okungenziwanga msebenzi ngawo, ngizakuba buthakathaka ngibe njengomunye umuntu.
Iye akati, “Kana munhu akandisunga zvakasimba namabote matsva asati amboshandiswa, ndichava munhu asina simba somumwewo munhu zvake.”
12 Ngakho uDelila wathatha amagoda amatsha, wambopha ngawo, wathi kuye: AmaFilisti aphezu kwakho, Samsoni! Abacathemeyo babehlezi endlini engaphakathi. Kodwa wawaqamula asuka engalweni zakhe njengomnxeba.
Saka Dherira akatora mabote matsva akamusunga nawo. Ipapo, aiva navarume vakanga vakavanda mukamuri, uye akadanidzira kwaari achiti, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Asi akadambura mabote mumaoko ake kunge akanga ari shinda.
13 UDelila wasesithi kuSamsoni: Kuze kube khathesi udlale ngami, wangitshela amanga; ngitshela ukuthi ungabotshwa ngani. Wasesithi kuye: Uba useluka amaxha enwele zekhanda lami ayisikhombisa ngezintambo ezelukiweyo.
Ipapo Dherira akati kuna Samusoni, “Kusvikira zvino, wanga uchingondiita benzi uye uchireva nhema kwandiri. Ndiudze kuti ungasungwa sei.” Akapindura akati, “Kana ukarukira mhotsi dzangu nomwe dzebvudzi rangu mumucheka wakarukwa uye ukadzirovera pasi nembambo, ini ndichava munhu asina simba somumwewo munhu zvake.” Saka paakanga avata, Dherira akatora mhotsi nomwe dzebvudzi romusoro wake, akadzirukira mumucheka unorukwa,
14 Wasewaqinisa ngesikhonkwane; wathi kuye: AmaFilisti aphezu kwakho, Samsoni! Wasevuka ebuthongweni bakhe, wasusa isikhonkwane seselukiso lentambo ezelukiweyo.
akadzirovera pasi nembambo. Akadanidzira kwaari zvakare akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Akapepuka pahope dzake akavhomora mbambo nomucheka wakarukwa.
15 Wasesithi kuye: Ungatsho njani ukuthi: Ngiyakuthanda; nxa inhliziyo yakho ingelami? Lezizikhathi ezintathu udlale ngami, kawungitshelanga ukuthi akukuphi amandla akho amakhulu.
Ipapo akati kwaari, “Unoti ‘Ndinokuda’ sei iwe usingandiudzi zvakavanzika zvako? Aka kava ketatu uchingondiita benzi uye hauna kutongonditaurira chakavanzika chesimba rako guru.”
16 Kwasekusithi lapho emcindezela ngamazwi akhe insuku zonke, wamkhathaza, kwaze kwathi umphefumulo wakhe wadabuka kwaze kwaba sekufeni.
Pakupedzisira mushure mokunge atambudzwa namashoko ake, zuva nezuva, achimugombedzera, akaneta zvokusvika parufu.
17 Ngakho wamtshela inhliziyo yakhe yonke wathi kuye: Impuco kayizanga ize phezu kwekhanda lami, ngoba ngingumNaziri kaNkulunkulu kusukela esizalweni sikamama. Uba ngiphucwa, amandla ami azasuka kimi, ngibe buthakathaka ngibe njengaye wonke umuntu.
Saka akamuudza zvose. Akati, “Hapana chisvo chakatomboshandiswa kuveura musoro wangu, nokuti ndakaitwa muNaziri akatsaurirwa kuna Mwari kubva pakuberekwa kwangu. Kana musoro wangu ukaveurwa, simba rangu rinobva pandiri, uye ndinozova munhu asina simba, somumwewo munhu zvake.”
18 Lapho uDelila ebona ukuthi umtshele inhliziyo yakhe yonke, wathuma wabiza iziphathamandla zamaFilisti esithi: Yenyukani ngalesisikhathi, ngoba ungitshele inhliziyo yakhe yonke. Iziphathamandla zamaFilisti zasezisenyukela kuye, zaletha imali esandleni sazo.
Dherira paakaona kuti akanga amuudza zvose, akatuma shoko kuvatongi vavaFiristia achiti, “Dzokai, zvakare; andiudza zvose.” Saka vatongi vavaFiristia vakadzoka vaine sirivha mumaoko avo.
19 Wasemlalisa ubuthongo emadolweni akhe, wabiza umuntu, wamgelisa amaxha ayisikhombisa enwele zekhanda lakhe. Waseqala ukumhlupha, lamandla akhe asuka kuye.
Akati amurarisa pamakumbo ake, akadana munhu kuti azoveura mhotsi nomwe dzebvudzi rake, nokudaro akatanga kumukunda. Uye simba rake rakabva paari.
20 Wasesithi: AmaFilisti aphezu kwakho, Samsoni! Wasevuka ebuthongweni bakhe wathi: Ngizaphuma njengakwezinye izikhathi, ngizinyikinye. Kodwa yena wayengazi ukuthi iNkosi isukile kuye.
Ipapo akadana Samusoni akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Akapepuka pahope dzake akafunga akati, “Ndichabuda sezvandaiita kare uye ndichazvisunungura.” Asi akanga asingazivi kuti Jehovha akanga abva paari.
21 Khona amaFilisti ambamba, amkopola amehlo, amehlisela eGaza, ambopha ngezibopho zethusi; njalo wayechola entolongweni.
Ipapo vaFiristia vakamubata vakatumbura meso ake vakamuendesa kundokuya mutorongo.
22 Kodwa inwele zekhanda lakhe zaqala ukukhula emva kokuphucwa kwakhe.
Asi bvudzi romusoro wake rakatanga kukurazve shure kwokumboveurwa.
23 Khona iziphathamandla zamaFilisti zabuthana ukuze zihlabele uDagoni unkulunkulu wazo umhlatshelo omkhulu, zithokoze, zathi: Unkulunkulu wethu unikele uSamsoni isitha sethu esandleni sethu.
Zvino vatongi vavaFiristia vakaungana kuti vabayire chibayiro chikuru kuna Dhagoni mwari wavo uye kuti vapemberere vachiti, “Mwari wedu aisa Samusoni, muvengi wedu, mumaoko edu.”
24 Lapho abantu bembona badumisa unkulunkulu wabo, ngoba bathi: Unkulunkulu wethu unikele esandleni sethu isitha sethu, ngitsho umchithi welizwe lakithi, njalo owenza baba banengi ababuleweyo bethu.
Vanhu vakati vamuona, vakarumbidza mwari wavo vachiti, “Mwari wedu aisa muvengi wedu mumaoko edu, iye akaparadza nyika yedu akawanza vakaurayiwa vedu.”
25 Kwasekusithi lapho inhliziyo zabo zithokoza bathi: Bizani uSamsoni ukuze azesidlalela. Basebembiza uSamsoni evela entolongweni, wadlala phambi kwabo. Basebemmisa phakathi kwezinsika.
Vari pakufara kukuru, vakadanidzira vachiti, “Budisai Samusoni kuti auye kuzotitandadza.” Saka vakadana Samusoni kuti abude mutorongo, uye akatamba pamberi pavo. Vakati vamumisa pakati pembiru,
26 USamsoni wasesithi emfaneni owayembambe ngesandla: Ngiyekela ngithinte izinsika indlu emi phezu kwazo ukuze ngeyame kuzo.
Samusoni akati kumuranda akanga akabata ruoko rwake, “Ndiise pandinogona kubata mbiru dzinotsigira temberi, kuitira kuti ndisendamire padziri.”
27 Indlu yayigcwele-ke abesilisa labesifazana; lazo zonke iziphathamandla zamaFilisti zazikhona, laphezulu ephahleni kwakukhona abesilisa labesifazana abangaba zinkulungwane ezintathu ababebukele uSamsoni edlala.
Zvino temberi yakanga izere navarume navakadzi; vatongi vose vavaFiristia vakanga varimo uye padenga pakanga pane varume navakadzi vanenge zviuru zvitatu vakatarira Samusoni achitamba.
28 USamsoni wasekhala eNkosini wathi: Nkosi Jehova, ngikhumbule ngiyakuncenga, ungiqinise ngiyakuncenga, kuphela ngalesisikhathi, Nkulunkulu, ukuze ngiziphindisele ngokuphindisela okukodwa kumaFilisti ngenxa yamehlo ami amabili.
Ipapo Samusoni akanyengetera kuna Jehovha akati, “Haiwa Ishe Jehovha, ndirangarirei. Imi Mwari, ndapota hangu, ndisimbisei henyu nguva ino bedzi, uye nditenderei kamwe chete kuti nditsive vaFiristia nokuda kwameso angu maviri.”
29 USamsoni wasebamba insika ezimbili eziphakathi, indlu eyayimi kuzo, waqina ngazo, enye ngesandla sakhe sokunene lenye ngesandla sakhe sokhohlo.
Ipapo Samusoni akabata mbiru mbiri dzapakati dzakanga dzakatsigira temberi paakanga amire. Akadzisunda, ruoko rwake rworudyi rwuri pane imwe uye rworuboshwe rwuri pane imwe yacho.
30 USamsoni wasesithi: Mina kangife lamaFilisti. Wasekhothama ngamandla; njalo indlu yawela phezu kweziphathamandla laphezu kwabo bonke abantu ababekuyo. Ngakho abafayo ababulala ekufeni kwakhe babe banengi okwedlula labo ababulala empilweni yakhe.
Samusoni akati, “Regai ndife hangu navaFiristia!” Ipapo akasunda nesimba rake rose, temberi ikaondomokera pamusoro pavatongi vavaFiristia navanhu vose vaiva mairi. Naizvozvo akauraya vanhu vazhinji kwazvo pakufa kwake kupfuura paakanga ari mupenyu.
31 Kwasekusehla abafowabo labendlu yonke kayise, bamthatha, bamenyusa, bayamngcwabela phakathi kweZora leEshitawoli engcwabeni likaManowa uyise. Yena wahlulela uIsrayeli iminyaka engamatshumi amabili.
Ipapo vanunʼuna vake nemhuri yose yababa vake vakaburuka, vakandomutora. Vakadzoka naye vakandomuviga pakati peZora neEshitaori muhwiro raManoa baba vake. Akanga atungamirira Israeri kwamakore makumi maviri.

< Abahluleli 16 >