< 1 UPhetro 2 >

1 Ngakho lahlani ububi bonke lobuqili bonke lokuzenzisa lomhawu lokuhleba konke,
Naizvozvo, muzvidzore pane zvakaipa zvose namanomano ose, nokunyengera, negodo, nokureva kwose.
2 njengezingane ezisanda ukuzalwa, fisani uchago olungaqungwanga lwelizwi, ukuze likhuliswe ngalo,
Savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka wakachena womweya, kuti mugokuriswa nawo muruponeso rwenyu,
3 uba-ke selinambithile ukuthi iNkosi ilomusa.
sezvo makaravira zvino kuti Ishe akanaka.
4 Elizayo kuyo, ilitshe eliphilayo, elaliwa isibili ngabantu, kodwa kuNkulunkulu likhethiwe, liligugu,
Sezvamunouya kwaari, iye Ibwe Benyu, rakarambwa navanhu asi rakasarudzwa naMwari uye rinokosha kwaari,
5 lani njengamatshe aphilayo lakhiwe indlu yokomoya, ubupristi obungcwele, ukuze linikele imihlatshelo yokomoya eyemukelekayo kuNkulunkulu ngoJesu Kristu.
nemiwo, samabwe mapenyu, muri kuvakwa muimba yomweya kuti muve uprista hutsvene muchipa zvibayiro zvomweya zvinogamuchirwa kuna Mwari kubudikidza naJesu Kristu.
6 Ngakho kukhona lembhalweni ukuthi: Khangela ngiyabeka eSiyoni ilitshe lengonsi, elikhethiweyo eliligugu; lokholwa kuye kasoze ayangeke.
Nokuti muRugwaro zvinonzi: “Tarirai, ndakaisa ibwe muZioni, ibwe rakasanangurwa, rinokosha, uye munhu anovimba naye haatongonyadziswi.”
7 Ngakho kini elikholwayo uligugu; kodwa kwabangalaleliyo, ilitshe abakhi abalalayo, leli selibe yinhloko yengonsi,
Zvino kunemi vanotenda, iri ibwe rinokosha. Asi kuna avo vasingatendi, “Ibwe rakaraswa navavaki ndiro rava musoro wekona,”
8 lelitshe lokukhubekisa, ledwala lokuwisa; abakhubeka elizwini, bengalaleli; okuyikho labo ababekumiselwe;
uye, “Ibwe rinogumbusa vanhu nedombo rinoita kuti vawe.” Vanogumburwa nokuti havateereri shoko, zvinova ndizvo zvavakatemerwawo.
9 kodwa lina liluhlanga olukhethiweyo, ubupristi bobukhosi, isizwe esingcwele, abantu abatholiweyo, ukuze litshumayele jikelele ukulunga kwalowo owalibiza livela emnyameni laya ekukhanyeni kwakhe okumangalisayo;
Asi imi muri vanhu vakasanangurwa, uprista hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaMwari chaivo, vaakadana kuti muparidze kunaka kwaiye akakudanai kuti mubve murima, muuye muchiedza chake chinoshamisa.
10 elalikade lingeyisibo abantu, kodwa khathesi lingabantu bakaNkulunkulu; elalingahawukelwanga, kodwa khathesi selihawukelwe.
Kare makanga musiri vanhu, asi zvino mava vanhu vaMwari; kare makanga musinganzwirwi ngoni, asi zvino makagamuchira ngoni.
11 Bathandekayo, ngiyalincenga njengabemzini lezihambi ukuthi lizithinte enkanukweni zenyama, ezilwa lomphefumulo;
Vadikani, ndinokukurudzirai, savatorwa navaeni munyika, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama, kunorwa nomweya wenyu.
12 lilokuhamba okuhle phakathi kwabezizwe, ukuze kuthi, ekulihlebeni njengabenzi bobubi, ezenzweni ezinhle abazibonileyo bangadumisa uNkulunkulu osukwini lokuhanjelwa.
Mugare upenyu hwakanaka pakati pavahedheni kuti, kunyange vachikupomerai mhosva, vaone mabasa enyu akanaka vagokudza Mwari pazuva raanotishanyira.
13 Ngakho zehliseleni ngaphansi kwaso sonke isimiso sabantu ngenxa yeNkosi; loba kuyinkosi, njengebusayo;
Muzviise pasi pamasimba ose akagadzwa pakati penyu navanhu nokuda kwaIshe: angava mambo, saiye mutongi mukuru,
14 loba kubabusi, njengabathunywe yiyo ekujezisweni kwabenzi bobubi, kodwa kube lodumo lwabenzi bokuhle.
kana vabati, vakatumwa naye kuti vazoranga vaya vanoita zvakaipa uye kuti varumbidze vaya vanoita zvakanaka.
15 Ngoba injalo intando kaNkulunkulu, ukuthi ngokwenza okuhle lifake isayeke emlonyeni wokungazi kwabantu abayizithutha;
Nokuti kuda kwaMwari kuti, nokuita zvakanaka, muchanyaradza kusaziva kwamapenzi.
16 njengabakhululekileyo, kodwa lingabi lenkululeko njengesigubuzelo sobubi, kodwa njengezigqili zikaNkulunkulu.
Garai savanhu vakasununguka, asi musingaiti kuti kusununguka kwenyu kuve chifukidzo chezvakaipa; garai savaranda vaMwari.
17 Hloniphani bonke. Thandani ubuzalwane. Mesabeni uNkulunkulu. Hloniphani inkosi.
Kudzai vanhu vose norukudzo chairwo: Idai hama dzose, ityai Mwari, kudzai mambo.
18 Zinceku, zehliseleni ngaphansi kwamakhosi ngokwesaba konke, kungeyisikho kulawo alungileyo lamnene kuphela, kodwa lakulawo angaqondanga.
Varanda, zviisei pasi pavatenzi venyu nokukudza kwose, kwete kuna avo vakanaka navane hanya bedzi, asi nokuna vayawo vane hasha.
19 Ngoba lokhu kungumusa, uba umuntu ethwala izinhlupheko ngenxa yesazela kuNkulunkulu, ehlupheka ngokungafanelanga.
Nokuti zvinorumbidzwa kana munhu achitsungirira ari pasi pokurwadziwa nokutambudzika kusakafanira nokuti anoziva kuti Mwari ariko.
20 Ngoba kulenzuzo bani, uba lisona beselitshaywa libekezela? Kodwa uba lisenza okuhle njalo lihlupheke libekezela, lokhu kungumusa kuNkulunkulu.
Asi mungarumbidzwa sei kana muchirohwa nokuda kwokuita zvakaipa uye muchitsunga mazviri? Asi kana muchitambudzika nokuda kwokuti munoita zvakanaka uye muchitsunga mazviri, izvozvo zvinorumbidzwa pamberi paMwari.
21 Ngoba labizelwa lokho, ngoba uKristu laye wasihluphekela, esitshiyela isibonelo, ukuze lilandele izinyathelo zakhe;
Makadanirwa izvozvi, nokuti Kristu akatambudzika nokuda kwenyu, akakusiyirai muenzaniso, kuti mutevere makwara ake.
22 ongenzanga isono, lenkohliso kayificwanga emlonyeni wakhe;
“Haana kutadza, uye kunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make.”
23 owathi ethukwa kazaphindisela ngokuthuka, ehlupheka kazasongela, kodwa wazinikela kulowo owahlulela ngokulunga;
Pavakamutuka, haana kudzorera; paakatambudzika, haana kutyisidzira. Asi, akazviisa kuna iye anotonga nokururama.
24 yena ngokwakhe owathwala izono zethu emzimbeni wakhe esihlahleni, ukuze kuthi, sesifile esonweni, siphile ekulungeni; okungemivimvinya yakhe lisilisiwe.
Iye pachake akatakura zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuitira kuti isu tife kuzvivi tigorarama zvakarurama; namavanga ake imi makaporeswa.
25 Ngoba lalinjengezimvu ezilahlekayo; kodwa khathesi selibuyele kuMelusi loMbonisi wemiphefumulo yenu.
Nokuti imi makanga makaita samakwai akarasika, asi zvino madzokera kuMufudzi noMutariri wemweya yenyu.

< 1 UPhetro 2 >