< Osee Propheta 13 >

1 loquente Ephraim horror invasit Israhel et deliquit in Baal et mortuus est
Efuremu akati ataura, vanhu vakadedera; iye akakudzwa muIsraeri. Asi akava nemhosva yokunamata Bhaari uye akafa.
2 et nunc addiderunt ad peccandum feceruntque sibi conflatile de argento suo quasi similitudinem idolorum factura artificum totum est his ipsi dicunt immolate homines vitulos adorantes
Zvino vanoramba vachingotadza; vanozviitira zvifananidzo zvakaumbwa nesirivha yavo, zviri zvifananidzo zvakaumbwa nenjere dzavo, zvose ari mabasa emhizha. Pamusoro pavanhu ava zvinonzi, “Vanobayira zvibayiro zvevanhu uye vanotsvoda zviumbwa zvemhuru.”
3 idcirco erunt quasi nubes matutina et sicut ros matutinus praeteriens sicut pulvis turbine raptus ex area et sicut fumus de fumario
Naizvozvo vachava semhute yamangwanani, sedova rinokurumidza kupera, sehundi inopeperetswa kubva paburiro, soutsi hunobuda napawindo.
4 ego autem Dominus Deus tuus ex terra Aegypti et Deum absque me nescies et salvator non est praeter me
“Asi ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva muIjipiti. Haungazovi nomumwe Mwari kunze kwangu; kana mumwe Muponesi kunze kwangu.
5 ego cognovi te in deserto in terra solitudinis
Ndakakuchengeta murenje, munyika inopisa kwazvo.
6 iuxta pascua sua et adimpleti sunt et saturati elevaverunt cor suum et obliti sunt mei
Pandakavapa zvokudya, vakaguta; vakati vaguta, vakazvikudza ipapo vakandikanganwa.
7 et ero eis quasi leaena sicut pardus in via Assyriorum
Saka ndichauya kwavari seshumba, ndichavagarira panzira sembada,
8 occurram eis quasi ursa raptis catulis et disrumpam interiora iecoris eorum et consumam eos ibi quasi leo bestia agri scindet eos
Sebere ratorerwa vana varo, ndichavarwisa ndigovabvarura. Seshumba ndichavaparadza; chikara chesango chichavabvambura.
9 perditio tua Israhel tantummodo in me auxilium tuum
“Waparadzwa iwe Israeri, nokuti unondirwisa, uchirwisa mubatsiri wako.
10 ubi est rex tuus maxime nunc salvet te in omnibus urbibus tuis et iudices tui de quibus dixisti da mihi regem et principes
Mambo wako aripiko, kuti zvimwe angakuponesa? Vatongi vako varipiko mumaguta ako ose, avo vawakati, ‘Ndipei mambo namachinda’?
11 dabo tibi regem in furore meo et auferam in indignatione mea
Saka mukutsamwa kwangu ndakakupa mambo, uye muhasha dzangu ndakamubvisa.
12 conligata est iniquitas Ephraim absconditum peccatum eius
Mhosva dzaEfuremu dzakaunganidzwa pamwe chete, zvivi zvake zvakachengetedzwa muzvinyorwa.
13 dolores parturientis venient ei ipse filius non sapiens nunc enim non stabit in contritione filiorum
Kurwadziwa sekwomukadzi anosununguka kunosvika kwaari, asi uyu mwana asina uchenjeri; kana nguva dzasvika, haauyi kumusuo wechizvaro.
14 de manu mortis liberabo eos de morte redimam eos ero mors tua o mors ero morsus tuus inferne consolatio abscondita est ab oculis meis (Sheol h7585)
“Ndichavadzikinura kubva pasimba reguva; ndichavadzikinura kubva parufu. Dziripiko hosha dzako, nhai rufu? Kuripiko kuparadza kwako, nhai guva? “Handingazovi netsitsi, (Sheol h7585)
15 quia ipse inter fratres dividet adducet urentem ventum Dominus de deserto ascendentem et siccabit venas eius et desolabit fontem eius et ipse diripiet thesaurum omnis vasis desiderabilis
kunyange akabudirira pakati pamadzikoma ake. Mhepo yokumabvazuva yaJehovha ichauya, ichivhuvhuta ichibva kurenje; chitubu chake chichapwa uye tsime rake richaoma. Dura rake richapambwa zvose zvinokosha zviri mariri.
16 pereat Samaria quoniam ad amaritudinem concitavit Dominum suum in gladio pereat parvuli eorum elidantur et fetae eius discindantur
Vanhu veSamaria vanofanira kutakura mhaka yavo, nokuti vakamukira Mwari wavo. Vachaparadzwa nomunondo; vacheche vavo vacharoverwa pasi. Vakadzi vavo vane mimba vachatumburwa.”

< Osee Propheta 13 >