< Thessalonicenses I 5 >

1 De temporibus autem, et momentis fratres non indigetis ut scribamus vobis.
Zvino, hama, kana dziri nguva kana misi hatifaniri kuti tikunyorerei,
2 Ipsi enim diligenter scitis quia dies Domini, sicut fur in nocte, ita veniet.
nokuti imi munoziva kwazvo kuti zuva raShe richauya sembavha usiku.
3 cum enim dixerint pax, et securitas: tunc repentinus eis superveniet interitus, sicut dolor in utero habentis, et non effugient.
Vanhu pavanenge vachiti, “Rugare norunyararo,” kuparadzwa kuchasvika pamusoro pavo nokukurumidza, somukadzi ane mimba worwadziwa, uye havangapunyuki.
4 Vos autem fratres non estis in tenebris, ut vos dies illa tamquam fur comprehendat:
Asi imi, hama, hamusi murima zvokuti zuva iri rikusvikirei sembavha.
5 omnes enim vos filii lucis estis, et filii diei: non sumus noctis, neque tenebrarum.
Imi mose muri vanakomana vechiedza navanakomana vamasikati. Hatizi vousiku kana verima.
6 Igitur non dormiamus sicut et ceteri, sed vigilemus, et sobrii simus.
Saka zvino, ngatiregei kuita savamwe vavete, asi ngatisvinurei uye tive vanozvidzora.
7 Qui enim dormiunt, nocte dormiunt: et qui ebrii sunt, nocte ebrii sunt.
Nokuti avo vanovata, vanovata usiku, uye avo vanodhakwa, vanodhakwa usiku.
8 Nos autem, qui diei sumus, sobrii simus, induti loricam fidei, et charitatis, et galeam spem salutis:
Asi sezvo tiri vamasikati, ngatizvidzorei, takapfeka kutenda norudo sechidzitiro chechipfuva, netariro yoruponeso senguwani.
9 quoniam non posuit nos Deus in iram, sed in acquisitionem salutis per Dominum nostrum Iesum Christum,
Nokuti Mwari haana kutisarudza kuti tive vokutsamwirwa asi kuti tigamuchire ruponeso kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.
10 qui mortuus est pro nobis: ut sive vigilemus, sive dormiamus, simul cum illo vivamus.
Akatifira isu kuitira kuti, kunyange takasvinura kana tivete, tigare pamwe chete naye.
11 Propter quod consolamini invicem: et aedificate alterutrum, sicut et facitis.
Naizvozvo kurudziranai uye muvakane, sezvamunoita zvino.
12 Rogamus autem vos fratres ut noveritis eos, qui laborant inter vos, et praesunt vobis in Domino, et monent vos,
Zvino tinokukumbirai, hama, kuti muremekedze avo vanoshanda nesimba pakati penyu, vari pamusoro penyu muna She uye vanokurayirai.
13 ut habeatis illos abundantius in charitate propter opus illorum: et pacem habete cum eis.
Muvakudze zvikuru murudo nokuda kwebasa ravo. Garai murunyararo nomumwe nomumwe wenyu.
14 Rogamus autem vos fratres, corripite inquietos, consolamini pusillanimes, suscipite infirmos, patientes estote ad omnes.
Uye tinokukurudzirai, hama, kuti muyambire avo vano usimbe, mukurudzire vanotya, batsirai vasina simba, muite mwoyo murefu kuvanhu vose.
15 Videte ne quis malum pro malo alicui reddat: sed semper quod bonum est sectamini in invicem, et in omnes.
Muve nechokwadi kuti kurege kuva nomunhu anodzorera chakaipa nechakaipa, asi edzai kuva nomwoyo munyoro kuno mumwe nomumwe wenyu uye nokuna vose.
16 Semper gaudete.
Farai nguva dzose;
17 Sine intermissione orate.
rambai muchinyengetera;
18 In omnibus gratias agite: haec est enim voluntas Dei in Christo Iesu in omnibus vobis.
vongai pazvinhu zvose, nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu.
19 Spiritum nolite extinguere.
Musadzima moto woMweya;
20 Prophetias nolite spernere.
musazvidza zviprofita.
21 Omnia autem probate: quod bonum est tenete.
Edzai zvinhu zvose. Batirirai kune zvakanaka.
22 Ab omni specie mala abstinete vos:
Regai zvakaipa zvose.
23 Ipse autem Deus pacis sanctificet vos per omnia: ut integer spiritus vester, et anima, et corpus sine querela in adventu Domini nostri Iesu Christi conservetur.
Mwari pachake, iye Mwari worugare, ngaakuitei vatsvene kwazvo kwazvo. Mweya wenyu wose, nomwoyo uye nomuviri zvichengetwe zvisina mhosva pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu.
24 Fidelis est, qui vocavit vos: qui etiam faciet.
Iye anokudanai akatendeka uye achazviita.
25 Fratres orate pro nobis.
Hama, tinyengeterereiwo.
26 Salutate fratres omnes in osculo sancto.
Kwazisai hama dzose nokutsvoda kutsvene.
27 Adiuro vos per Dominum ut legatur epistola haec omnibus sanctis fratribus.
Ndinokurayirai pamberi paIshe kuti tsamba iyi iverengerwe hama dzose.
28 Gratia Domini nostri Iesu Christi vobiscum. Amen.
Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi.

< Thessalonicenses I 5 >