< Exodus 40 >

1 Locutusque est Dominus ad Moysen, dicens:
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
2 Mense primo, prima die mensis, eriges tabernaculum testimonii,
“Dzika tabhenakeri, Tende Rokusangana, pazuva rokutanga romwedzi wokutanga.
3 et pones in eo arcam, dimittesque ante illam velum:
Uise areka yeChipupuriro mairi uye ugofukidza areka nechidzitiro.
4 et illata mensa, pones super eam quæ rite præcepta sunt. Candelabrum stabit cum lucernis suis,
Upinze tafura ugoisa zvinhu zvayo pairi. Ipapo ugopinza chigadziko chomwenje ugomisa mwenje yacho.
5 et altare aureum, in quo adoletur incensum, coram arca testimonii. Tentorium in introitu tabernaculi pones,
Uise aritari yezvinonhuhwira yegoridhe pamberi peareka yechipupuriro uye ugoisa chidzitiro pamukova wokupinda mutabhenakeri.
6 et ante illud altare holocausti:
“Uise aritari yezvipiriso zvinopiswa pamberi pomukova wokupinda kutabhenakeri, Tende Rokusangana;
7 labrum inter altare et tabernaculum, quod implebis aqua.
uise dhishi pakati peTende Rokusangana nearitari ugoisa mvura mariri.
8 Circumdabisque atrium tentoriis, et ingressum ejus.
Ugadzire ruvazhe rwakaipoteredza uye ugoisa chidzitiro pamukova woruvazhe.
9 Et assumpto unctionis oleo unges tabernaculum cum vasis suis, ut sanctificentur:
“Utore mafuta okuzodza ugozodza tabhenakeri nezvinhu zvose zvirimo; uinatse nemidziyo yayo yose, uye ichava tsvene.
10 altare holocausti et omnia vasa ejus,
Ipapo ugozodza aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo yose; unatse aritari, uye ichava tsvene-tsvene.
11 labrum cum basi sua: omnia unctionis oleo consecrabis, ut sint Sancta sanctorum.
Uzodze dhishi nechigadziko charo ugozvinatsa.
12 Applicabisque Aaron et filios ejus ad fores tabernaculi testimonii, et lotos aqua
“Uuye naAroni navanakomana vake kumukova weTende Rokusangana ugovashambidza nemvura.
Ipapo ugopfekedza Aroni nguo tsvene, umuzodze uye ugomunatsa kuti agondishumira somuprista.
Uuyise vanakomana vake ugovapfekedza majasi.
15 indues sanctis vestibus, ut ministrent mihi, et unctio eorum in sacerdotium sempiternum proficiat.
Uvazodze sokuzodza kwawaita baba vavo, kuti vagondishumira savaprista. Kuzodzwa kwavo kuchava kwouprista hucharamba huripo kuzvizvarwa zvinotevera.”
16 Fecitque Moyses omnia quæ præceperat Dominus.
Mozisi akaita zvose sezvaakarayirwa naJehovha.
17 Igitur mense primo anni secundi, prima die mensis, collocatum est tabernaculum.
Saka tabhenakeri yakamiswa pazuva rokutanga romwedzi wokutanga mugore rechipiri.
18 Erexitque Moyses illud, et posuit tabulas ac bases et vectes, statuitque columnas,
Mozisi akati amisa tabhenakeri, akaisa zvigadziko panzvimbo yazvo, akadzika mapuranga, akapinza mbariro uye akamisa matanda.
19 et expandit tectum super tabernaculum, imposito desuper operimento, sicut Dominus imperaverat.
Ipapo akatambanudza tende akariisa pamusoro petabhenakeri ndokuisa chifukidzo pamusoro petende, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.
20 Posuit et testimonium in arca, subditis infra vectibus, et oraculum desuper.
Akatora Chipupuriro akachiisa muareka, akabatanidza mapango paareka uye akaisa chifunhiro chokuyananisa pamusoro payo.
21 Cumque intulisset arcam in tabernaculum, appendit ante eam velum ut expleret Domini jussionem.
Ipapo akauyisa areka mutabhenakeri ndokuturika chidzitiro chokufukidzira akafukidza areka yeChipupuriro, sokurayira kwakaita Jehovha.
22 Posuit et mensam in tabernaculo testimonii ad plagam septentrionalem extra velum,
Mozisi akaisa tafura muTende Rokusangana nechokurutivi rwokumusoro kwetabhenakeri kunze kwechidzitiro
23 ordinatis coram propositionis panibus, sicut præceperat Dominus Moysi.
uye akaisa chingwa pamusoro payo pamberi paJehovha, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.
24 Posuit et candelabrum in tabernaculo testimonii e regione mensæ in parte australi,
Akaisa chigadziko chomwenje muTende Rokusangana chakatarisana netafura nechokurutivi rwezasi rwetabhenakeri
25 locatis per ordinem lucernis, juxta præceptum Domini.
uye akamisa mwenje pamberi paJehovha, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.
26 Posuit et altare aureum sub tecto testimonii contra velum,
Mozisi akaisa aritari yegoridhe muTende Rokusangana pamberi pechidzitiro,
27 et adolevit super eo incensum aromatum, sicut jusserat Dominus Moysi.
uye akapisa zvinonhuhwira pairi, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.
28 Posuit et tentorium in introitu tabernaculi testimonii,
Ipapo akaisa chidzitiro pamukova wetabhenakeri.
29 et altare holocausti in vestibulo testimonii, offerens in eo holocaustum, et sacrificia, ut Dominus imperaverat.
Akamisa aritari yezvipiriso zvinopiswa pedyo nomukova wetabhenakeri, Tende Rokusangana, akapa pairi zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.
30 Labrum quoque statuit inter tabernaculum testimonii et altare, implens illud aqua.
Akaisa dhishi pakati peTende Rokusangana nearitari uye akaisa mvura yokushamba mariri,
31 Laveruntque Moyses et Aaron ac filii ejus manus suas et pedes,
uye Mozisi naAroni navanakomana vake vakaishandisa kushamba maoko avo netsoka dzavo.
32 cum ingrederentur tectum fœderis, et accederent ad altare, sicut præceperat Dominus Moysi.
Vaishamba pose pavaipinda muTende Rokusangana kana kuswedera paaritari, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha.
33 Erexit et atrium per gyrum tabernaculi et altaris, ducto in introitu ejus tentorio. Postquam omnia perfecta sunt,
Ipapo Mozisi akaita ruvazhe rwakapoteredza tabhenakeri nearitari uye akaturika chidzitiro pamukova wokupinda muruvazhe. Nokudaro Mozisi akapedza basa.
34 operuit nubes tabernaculum testimonii, et gloria Domini implevit illud.
Ipapo gore rakafukidza Tende Rokusangana, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza tabhenakeri.
35 Nec poterat Moyses ingredi tectum fœderis, nube operiente omnia, et majestate Domini coruscante, quia cuncta nubes operuerat.
Mozisi haana kugona kupinda muTende Rokusangana nokuti gore rakanga ragara pariri, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza tabhenakeri.
36 Siquando nubes tabernaculum deserebat, proficiscebantur filii Israël per turmas suas:
Mukufamba kwose kwavaIsraeri, pose paisimuka gore kubva pamusoro petabhenakeri, ivo vaisimuka vachienda;
37 si pendebat desuper, manebant in eodem loco.
asi kana gore risina kubva, vakanga vasingafambi, kusvikira pazuva rarinosimuka.
38 Nubes quippe Domini incubabat per diem tabernaculo, et ignis in nocte, videntibus cunctis populis Israël per cunctas mansiones suas.
Saka gore raJehovha raiva pamusoro petabhenakeri masikati; uye moto wakanga uri mugore usiku, pamberi peimba yose yaIsraeri panguva yokufamba kwavo kwose.

< Exodus 40 >