< Psalm 6 >

1 [Psalm lal David] O LEUM GOD, nik kom kutongyu in mulat lom, Ku kaiyu in kasrkusrak lom.
Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi. Haiwa Jehovha, regai kundirayira mukutsamwa kwenyu, kana kundiranga muhasha dzenyu.
2 O LEUM GOD, pakomutuk tuh nga arulana totola. Ase ku nu sik tuh nga munaslana,
Ndinzwirei ngoni, Jehovha, nokuti ndava kuziya; haiwa Jehovha, ndiporesei, nokuti mapfupa angu ava kurwadza.
3 Ac ngunik arulana foroti. O LEUM GOD, kom ac tupan putaka?
Mweya wangu uri kurwadziwa. Haiwa Jehovha, kusvikira riniko, kusvikira riniko?
4 LEUM GOD, fahsru ac moliyula; Loangeyula liki misa, ke lungkulang lom.
Dzokai, imi Jehovha, mugondirwira; ndiponesei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.
5 In facl sin mwet misa wangin esamyom. Wangin mwet ac kaksakin kom ingo. (Sheol h7585)
Hakuna anokurangarirai kana afa. Ndiani anokurumbidzai kubva muguva? (Sheol h7585)
6 Nga totola ke sripen asor luk; Fong nukewa mwe oan kiuk sroksrok ke sroninmutuk, Ac ilul luk uh sroksroki ke tung luk.
Ndaneta nokugomera; ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi ndichichema usiku hwose, ndinonyorovesa uvato hwangu nemisodzi.
7 Nga koflana ngetnget wo; Mutuk fafwak Ke tungiyen orekma lun mwet lokoalok luk.
Meso angu aneta nokuchema; haachaoni nokuda kwavavengi vangu vose.
8 Fahsr likiyu, kowos mwet orekma koluk! LEUM GOD El lohng pusren tung luk;
Ibvai pandiri, imi mose munoita zvakaipa, nokuti Jehovha anzwa kuchema kwangu.
9 El lipsre pusren kwafe luk, Ac El ac fah topuk pre luk.
Jehovha anzwa kukumbira kwangu nyasha; Jehovha anogamuchira munyengetero wangu.
10 Mwet lokoalok luk elos ac fah pulakin mwekin lulap ke kutangyukla elos; Elos fah sa na in akfohsyeyukyak ac lillilla.
Vavengi vangu vose vachanyadziswa uye vachavhundutswa; vachadzokera shure pakarepo mukunyadziswa.

< Psalm 6 >