< 잠언 9 >

1 지혜가 그 집을 짓고 일곱 기둥을 다듬고
Uchenjeri hwakavaka imba yahwo; hwakaveza mbiru dzahwo nomwe.
2 짐승을 잡으며 포도주를 혼합하여 상을 갖추고
Hwakabika nyama yahwo; uye hukagadzira waini yahwo; hwakagadzirawo tafura yahwo.
3 그 여종을 보내어 성중 높은 곳에서 불러 이르기를
Hwakatuma varandakadzi vahwo, uye hunodanidzira kubva panzvimbo yakakwirira kwazvo yeguta.
4 무릇 어리석은 자는 이리로 돌이키라 또 지혜 없는 자에게 이르기를
Kuna avo vanoshayiwa njere hunoti, “Vose vasina uchenjeri ngavauye muno!
5 너는 와서 내 식물을 먹으며 내 혼합한 포도주를 마시고
Uyai, mudye zvokudya zvangu munwe waini yandagadzira.
6 어리석음을 버리고 생명을 얻으라 명철의 길을 행하라 하느니라
Siyai nzira dzenyu dzisina mano mugorarama; fambai munzira yokunzwisisa.
7 거만한 자를 징계하는 자는 도리어 능욕을 받고 악인을 책망하는 자는 도리어 흠을 잡히느니라
“Ani naani anorayira mudadi anozvitsvakira kutukwa; ani naani anotsiura munhu akaipa anozviwanira kutukwa.
8 거만한 자를 책망하지 말라 그가 너를 미워할까 두려우니라 지혜있는 자를 책망하라 그가 너를 사랑하리라
Usatsiura mudadi kuti arege kukuvenga; tsiura munhu akachenjera uye achakuda.
9 지혜 있는 자에게 교훈을 더하라 그가 더욱 지혜로와질 것이요 의로운 사람을 가르치라 그의 학식이 더하리라
Rayira munhu akachenjera uye achawedzera uchenjeri hwake; dzidzisa munhu akarurama uye achawedzera kudzidza kwake.
10 여호와를 경외하는 것이 지혜의 근본이요 거룩하신 자를 아는 것이 명철이니라
“Kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri, uye kuziva Iye Mutsvene ndiko kunzwisisa.
11 나 지혜로 말미암아 네 날이 많아질 것이요 네 생명의 해가 더하리라
Nokuti neni mazuva ako achava mazhinji, uye makore achawedzerwa kuupenyu hwako.
12 네가 만일 지혜로우면 그 지혜가 네게 유익할 것이나 네가 만일 거만하면 너 홀로 해를 당하리라
Kana uri wakachenjera, uchenjeri hwako huchakupa mubayiro; kana uri mudadi, iwe woga ndiwe uchatambura.”
13 미련한 계집이 떠들며 어리석어서 아무 것도 알지 못하고
Mukadzi benzi ane ruzha; haana kudzikama uye haana zivo.
14 자기 집 문에 앉으며 성읍 높은 곳에 있는 자리에 앉아서
Anogara pamusuo wemba yake, napachigaro chiri panzvimbo yakakwiririsa yeguta,
15 자기 길을 바로 가는 행객을 불러 이르되
achidanidzira kuna avo vanenge vachipfuura napo, vaya vanofamba zvakarurama nenzira yavo.
16 무릇 어리석은 자는 이리로 돌이키라 또 지혜없는 자에게 이르기를
Anoti kuna vaya vasina njere, “Vose vasina mano ngavauye muno!
17 도적질한 물이 달고 몰래 먹는 떡이 맛이 있다 하는도다
Mvura yakabiwa inozipa; zvokudya zvinodyirwa muchivande zvinonaka!”
18 오직 그 어리석은 자는 죽은 자가 그의 곳에 있는 것과 그의 객들이 음부 깊은 곳에 있는 것을 알지 못하느니라 (Sheol h7585)
Asi zvavasingazivi ndezvokuti mune vakafa, uye kuti vanomushanyira vari mukati kati meguva. (Sheol h7585)

< 잠언 9 >