< 레위기 3 >

1 사람이 만일 화목제의 희생을 예물로 드리되 소로 드리려거든 수컷이나 암컷이나 흠 없는 것으로 여호와 앞에 드릴지니
“‘Kana chipiriso chomumwe chiri chokuwadzana, uye akapa chipfuwo, chichibva mudanga, chingava chikono kana chikadzi, anofanira kuuyisa pamberi paJehovha chipfuwo chisina kuremara.
2 그 예물의 머리에 안수하고 회막 문에서 잡을 것이요, 아론의 자손 제사장들은 그 피를 제단 사면에 뿌릴 것이며
Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro pechibayiro chake agochibayira pamusuo weTende Rokusangana. Ipapo vanakomana vaAroni vaprista vachasasa ropa kumativi ose earitari.
3 그는 또 그 화목제의 희생중에서 여호와께 화제를 드릴지니 곧 내장에 덮인 기름과, 내장에 붙은 모든 기름과,
Kubva pachipiriso chokuwadzana anofanira kuuya nechipiriso chinoitwa nomoto kuna Jehovha, mafuta ose anofukidza ura, kana akabatana nahwo,
4 두 콩팥과, 그 위의 기름 곧 허리 근방에 있는 것과, 간에 덮인 꺼풀을 콩팥과 함께 취할 것이요
itsvo mbiri namafuta ari pamusoro padzo, pedyo napachiuno, nezvinofukidza chiropa, zvaachabvisa pamwe chete neitsvo.
5 아론의 자손은 그것을 단 윗불 위에 있는 나무 위 번제물 위에 사를지니 이는 화제라 여호와께 향기로운 냄새니라
Ipapo vanakomana vaAroni vanofanira kuzvipisa paaritari pamusoro pechipiriso chinopiswa chinenge chichitsva pamoto, sechibayiro chinoitwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
6 만일 여호와께 예물로 드리는 화목제의 희생이 양이면 수컷이나 암컷이나 흠 없는 것으로 드릴지며
“‘Kana achipa gwai sechipiriso chokuwadzana kuna Mwari anofanira kupa gono kana gadzi risina kuremara.
7 만일 예물로 드리는 것이 어린 양이면 그것을 여호와 앞으로 끌어다가
Kana achipa gwayana, anofanira kuriuyisa pamberi paJehovha.
8 그 예물의 머리에 안수하고 회막 앞에서 잡을 것이요, 아론의 자손은 그 피를 단 사면에 뿌릴 것이며
Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro pechibayiro chake agochiuraya pamberi peTende Rokusangana. Ipapo vanakomana vaAroni vachasasa ropa paaritari kumativi ose.
9 그는 그 화목제의 희생 중에서 여호와께 화제를 드릴지니 그 기름 곧 미려골에서 벤바 기름진 꼬리와, 내장에 덮힌 기름과, 내장에 붙은 모든 기름과,
Kubva pachipiriso chokuwadzana anofanira kuuya nechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto, mafuta acho, ose mafuta echimuswe chakakora chakadimurwa, nechapamusana, ose mafuta akafukidza ura neakabatana nahwo,
10 두 콩팥과, 그 위의 기름 곧 허리 근방에 있는 것과, 간에 덮인 꺼풀을 콩팥과 함께 취할 것이요
itsvo mbiri namafuta ari padziri pedyo nechiuno nezvakafukidza chiropa, achazvibvisa pamwe chete neitsvo.
11 제사장은 그것을 단 위에 불사를지니 이는 화제로 여호와께 드리는 식물이니라
Muprista achazvipisa paaritari sezvokudya, chipiriso chinoitwa kuna Mwari nomoto.
12 만일 예물이 염소면 그것을 여호와 앞으로 끌어다가
“‘Kana chipiriso chake chiri mbudzi, anofanira kuipa kuna Jehovha.
13 그 머리에 안수하고 회막 앞에서 잡을 것이요, 아론의 자손은 그 피를 단 사면에 뿌릴 것이며
Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro payo agoibayira pamberi peTende Rokusangana. Ipapo vanakomana vaAroni vachasasa ropa rayo paaritari kumativi ose.
14 그는 그 중에서 예물을 취하여 여호와께 화제를 드릴지니 곧 내장에 덮인 기름과, 내장에 붙은 모든 기름과,
Kubva kune zvaanopa anofanira kupa kuna Jehovha chipiriso ichi chakaitwa nomoto, mafuta ose anofukidza zvose zvomukati kana zvakabatana nazvo,
15 두 콩팥과, 그 위의 기름 곧 허리 근방에 있는 것과, 간에 덮인 꺼풀을 콩팥과 함께 취할 것이요
itsvo mbiri namafuta ari padziri pedyo nechiuno neakafukidza chiropa, zvichabviswa pamwe chete neitsvo.
16 제사장은 그것을 단 위에 불사를지니 이는 화제로 드리는 식물이요, 향기로운 냄새라 모든 기름은 여호와의 것이니라
Vaprista vachazvipisa paaritari sezvokudya, chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza. Mafuta ose ndeaJehovha.
17 너희는 기름과 피를 먹지 말라! 이는 너희 모든 처소에서 대대로 영원한 규례니라!
“‘Uyu murayiro usingaperi kumarudzi achatevera, kwose kwamuchagara: Hamufaniri kudya mafuta kana ropa.’”

< 레위기 3 >