< 출애굽기 14 >

1 여호와께서 모세에게 일러 가라사대
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
2 이스라엘 자손을 명하여 돌쳐서 바다와 믹돌 사이의 비하히롯 앞 곧 바알스본 맞은편 바닷가에 장막을 치게 하라
“Taurira vaIsraeri kuti vadzoke vagondodzika musasa pedyo nePi Hahiroti, pakati peMigidhori negungwa. Vanofanira kudzika misasa pedyo nepagungwa, pakatarisana neBhaari Zefoni.
3 바로가 이스라엘 자손에 대하여 말하기를 `그들이 그 땅에서 아득하여 광야에 갇힌바 되었다 할지라'
Faro achafunga kuti, ‘VaIsraeri vari kungodzungaira nenyika vakanganisika, vadzimira murenje.’
4 내가 바로의 마음을 강퍅케 한즉 바로가 그들의 뒤를 따르리니 내가 그와 그 온 군대를 인하여 영광을 얻어 애굽 사람으로 나를 여호와인 줄 알게 하리라 하시매 무리가 그대로 행하니라
Uye ndichaomesa mwoyo waFaro, agovatevera. Asi ini ndichazviwanira kukudzwa kubudikidza naFaro nehondo yake yose, uye vaIjipita vachaziva kuti ndini Jehovha.” Saka vaIsraeri vakaita izvozvo.
5 혹이 백성의 도망한 것을 애굽 왕에게 고하매 바로와 그 신하들이 백성에 대하여 마음이 변하여 가로되 '우리가 어찌 이같이 하여 이스라엘을 우리를 섬김에서 놓아 보내었는고?' 하고
Mambo weIjipiti akati audzwa kuti vanhu vatiza, Faro namachinda ake vakapindura pfungwa dzavo pamusoro pavo vakati, “Ko, taitei? Tarega vaIsraeri vachienda uye havachatishandiri!”
6 바로가 곧 그 병거를 갖추고 그 백성을 데리고 갈새
Saka akaita kuti ngoro dzake dzigadzirwe uye akatora hondo yake akaenda nayo.
7 특별 병거 육백승과 애굽의 모든 병거를 발하니 장관들이 다 거느렸더라
Akatora ngoro dzakanakisisa dzaisvika mazana matanhatu, pamwe chete nedzimwe ngoro dzeIjipiti dzina vatariri vadzo dzose.
8 여호와께서 애굽 왕 바로의 마음을 강퍅케 하셨으므로 그가 이스라엘 자손의 뒤를 따르니 이스라엘 자손이 담대히 나갔음이라
Jehovha akaomesa mwoyo waFaro mambo weIjipiti, kuti atevere vaIsraeri, avo vakanga vachifamba vakashinga kwazvo.
9 애굽 사람들과 바로의 말들 병거들과 그 마병과 그 군대가 그들의 뒤를 따라 바알스본 맞은편 비하히롯 곁 해변 그 장막 친 데 미치니라
VaIjipita, mabhiza ose aFaro nengoro dzake, vatasvi vamabhiza namauto, vakatevera vaIsraeri vakavabata pavakanga vadzika musasa pagungwa pedyo nePi Hahiroti, pakatarisana neBhaari Zefoni.
10 바로가 가까와 올 때에 이스라엘 자손이 눈을 들어 본즉 애굽 사람들이 자기 뒤에 미친지라 이스라엘 자손이 심히 두려워하여 여호와께 부르짖고
Faro paakanga osvika, vaIsraeri vakasimudza meso avo, uye vakaona vaIjipita vachifamba vachivatevera. Vakavhunduka uye vakachema kuna Jehovha.
11 그들이 또 모세에게 이르되 `애굽에 매장지가 없으므로 당신이 우리를 이끌어 내어 이 광야에서 죽게 하느뇨? 어찌하여 당신이 우리를 애굽에서 이끌어 내어 이같이 우리에게 하느뇨?
Vakati kuna Mozisi, “Zvinoreva kuti muIjipiti makanga musina makuva here zvawatiuyisa kurenje kuti tife? Chiiko chawaita kwatiri zvawatibudisa muIjipiti?
12 우리가 애굽에서 당신에게 고한 말이 이것이 아니뇨? 이르기를 우리를 버려 두라 우리가 애굽 사람을 섬길 것이라 하지 아니하더뇨? 애굽 사람을 섬기는 것이 광야에서 죽는 것보다 낫겠노라'
Ko, tiri muIjipiti hatina kuti, ‘Tisiye takadaro; rega tishandire vaIjipita here’? Zvaiva nani kwatiri kuti tishandire vaIjipita pano kuti tifire murenje!”
13 모세가 백성에게 이르되 `너희는 두려워 말고 가만히 서서 여호와께서 오늘날 너희를 위하여 행하시는 구원을 보라! 너희가 오늘 본 애굽 사람을 또 다시는 영원히 보지 못하리라
Mozisi akapindura vanhu akati, “Musatya. Mirai nesimba uye muchaona kusunungura kwaJehovha kwaachakuitirai nhasi. VaIjipita vamunoona nhasi hamuchazovaonizve.
14 여호와께서 너희를 위하여 싸우시리니 너희는 가만히 있을지니라!'
Jehovha achakurwirai; imi ingonyararai bedzi.”
15 여호와께서 모세에게 이르시되 너는 어찌하여 내게 부르짖느뇨 이스라엘 자손을 명하여 앞으로 나가게 하고
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Seiko uchidanidzira kwandiri? Taurira vaIsraeri kuti vapfuurire mberi.
16 지팡이를 들고 손을 바다 위로 내밀어 그것으로 갈라지게 하라 이스라엘 자손이 바다 가운데 육지로 행하리라
Simudza tsvimbo yako ugotambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa kuti mvura iparadzane kuitira kuti vaIsraeri vapinde mugungwa napavhu rakaoma.
17 내가 애굽 사람들의 마음을 강퍅케 할 것인즉 그들이 그 뒤를 따라 들어갈 것이라 내가 바로와 그 모든 군대와 그 병거와 마병을 인하여 영광을 얻으리니
Ndichaomesa mwoyo yavaIjipita zvokuti vachapinda vachivatevera. Uye ndichawana kukudzwa kubudikidza naFaro nehondo yake yose, nengoro dzake uye navatasvi vake vamabhiza.
18 내가 바로와 그 병거와 마병으로 인하여 영광을 얻을 때에야 애굽 사람들이 나를 여호와인 줄 알리라 하시더니
VaIjipita vachaziva kuti ndini Jehovha pandichawana kukudzwa kubudikidza naFaro, ngoro dzake navatasvi vake vamabhiza.”
19 이스라엘 진 앞에 행하던 하나님의 사자가 옮겨 그 뒤로 행하매 구름 기둥도 앞에서 그 뒤로 옮겨
Ipapo mutumwa waMwari, uyo akanga achifamba ari mberi kwehondo yavaIsraeri, akadzokera shure kwavo. Shongwe yegore yakabvawo mberi kwavo ikandomira shure kwavo,
20 애굽 진과 이스라엘 진 사이에 이르러 서니 저 편은 구름과 흑암이 있고 이 편은 밤이 광명하므로 밤새도록 저 편이 이 편에 가까이 못하였더라
iri pakati pehondo dzeIjipiti nedzeIsraeri. Usiku hwose gore rakauyisa rima kuno rumwe rutivi uye chiedza kuno rumwe rutivi; saka hakuna akaswedera kuno mumwe usiku hwose.
21 모세가 바다 위로 손을 내어민대 여호와께서 큰 동풍으로 밤새도록 바닷물을 물러가게 하시니 물이 갈라져 바다가 마른 땅이 된지라
Ipapo Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye usiku hwose ihwohwo Jehovha akasunda gungwa nemhepo ine simba yokumabvazuva rikashanduka pakava nenyika yakaoma. Mvura yakakamurana,
22 이스라엘 자손이 바다 가운데 육지로 행하고 물은 그들의 좌우에 벽이 되니
uye vaIsraeri vakapinda nomugungwa napavhu rakaoma uye madziro emvura ari kuruoko rworudyi nokuruboshwe kwavo.
23 애굽 사람들과 바로의 말들, 병거들과 그 마병들이 다 그 뒤를 쫓아 바다 가운데로 들어 오는지라
VaIjipita vakavatevera, uye mabhiza ose aFaro nengoro dzake navatasvi vamabhiza vakatevera mugungwa.
24 새벽에 여호와께서 불 구름기둥 가운데서 애굽 군대를 보시고 그 군대를 어지럽게 하시며
Panguva yamangwanani Jehovha akatarira pasi nomushongwe yomoto uye nomugore raiva kurutivi rwehondo yavaIjipita, akainyonganisa.
25 그 병거 바퀴를 벗겨서 달리기에 극난하게 하시니 애굽 사람들이 가로되 '이스라엘 앞에서 우리가 도망하자! 여호와가 그들을 위하여 싸워 애굽 사람들을 치는도다'
Akaita kuti mavhiri engoro dzavo abve zvokuti zvakanga zvaoma kudzifambisa. Uye vaIjipita vakati, “Ngatitizei kubva kuvaIsraeri. Jehovha ari kuvarwira achirwa navaIjipita.”
26 여호와께서 모세에게 이르시되 네 손을 바다 위로 내어밀어 물이 애굽 사람들과 그 병거들과 마병들 위에 다시 흐르게 하라 하시니
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa kuitira kuti mvura iyerere napamusoro pavaIjipita napamusoro pengoro dzavo napamusoro pavatasvi vavo vamabhiza.”
27 모세가 곧 손을 바다 위로 내어밀매 새벽에 미쳐 바다의 그 세력이 회복된지라 애굽 사람들이 물을 거스려 도망하나 여호와께서 애굽 사람들을 바다 가운데 엎으시니
Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye kwaedza, gungwa rakadzokera panzvimbo yaro. VaIjipita vakanga vachitizira kwariri, uye Jehovha akavakukurira mugungwa.
28 물이 다시 흘러 병거들과 기병들을 덮되 그들의 뒤를 쫓아 바다에 들어간 바로의 군대를 다 덮고 하나도 남기지 아니하였더라
Mvura yakadzokera pakare ikafukidza ngoro navatasvi vamabhiza, hondo yose yaFaro yakanga yatevera vaIsraeri ikanyura mugungwa. Hapana kana mumwe wavo akararama.
29 그러나 이스라엘 자손은 바다 가운데 육지로 행하였고 물이 좌우에 벽이 되었었더라
Asi vaIsraeri vakapinda nomugungwa napavhu rakaoma uye madziro emvura ari kuruoko rwavo rworudyi nokuruboshwe.
30 그 날에 여호와께서 이같이 이스라엘을 애굽 사람의 손에서 구원하시매 이스라엘이 바닷가의 애굽 사람의 시체를 보았더라
Zuva iroro Jehovha akaponesa vaIsraeri kubva mumaoko avaIjipita, uye vaIsraeri vakaona vaIjipita vakanga vafa pamahombekombe.
31 이스라엘이 여호와께서 애굽 사람들에게 베푸신 큰 일을 보았으므로 백성이 여호와를 경외하며 여호와와 그 종 모세를 믿었더라
Uye vaIsraeri pavakaona simba guru raJehovha richiratidzwa pamusoro pavaIjipita, vanhu vakatya Jehovha uye vakatenda kwaari naMozisi muranda wake.

< 출애굽기 14 >