< 전도서 4 >

1 내가 돌이켜 해 아래서 행하는 모든 학대를 보았도다 오호라 학대받는 자가 눈물을 흘리되 저희에게 위로자가 없도다 저희를 학대하는 자의 손에는 권세가 있으나 저희에게는 위로자가 없도다
Ndakatarirazve ndikaona udzvinyiriri hwose hwaiitika pasi pezuva: Ndakaona misodzi yavanodzvinyirirwa, uye havana munyaradzi; simba raiva kudivi ravadzvinyiriri vavo, uye havana munyaradzi.
2 그러므로 나는 살아 있는 산 자보다 죽은 지 오랜 죽은 자를 복되다 하였으며
Ndakati vakafa, vakanguri vafa kare, vano mufaro kupfuura vapenyu, vachiri kurarama.
3 이 둘보다도 출생하지 아니하여 해 아래서 행하는 악을 보지 못한 자가 더욱 낫다 하였노라
Asi ari nani kupfuura vose ndiye uyo asati atombovapo, uyo asati amboona zvakaipa zvinoitwa pasi pezuva.
4 내가 또 본즉 사람이 모든 수고와 여러 가지 교묘한 일로 인하여 이웃에게 시기를 받으니 이것도 헛되어 바람을 잡으려는 것이로다
Uye ndakaona kuti kushanda kwose nokuwana kwose kwomunhu kunobva pakuchiva muvakidzani wake. Izviwo hazvina maturo, kudzinganisana nemhepo.
5 우매자는 손을 거두고 자기 살을 먹느니라
Benzi rinopeta maoko aro, rozviparadza.
6 한 손에만 가득하고 평온함이 두 손에 가득하고 수고하며 바람을 잡으려는 것보다 나으니라
Tsama imwe yorugare inopfuura tsama mbiri dzokutambudzika nokudzingana nemhepo.
7 내가 또 돌이켜 해 아래서 헛된 것을 보았도다
Zvino ndakaona chinhu chisina maturo pasi pezuva.
8 어떤 사람은 아들도 없고 형제도 없으니 아무도 없이 홀로 있으나 수고하기를 마지 아니하며 부를 눈에 족하게 여기지 아니하면서도 이르기를 내가 누구를 위하여 수고하고 내 심령으로 낙을 누리지 못하게 하는고 하나니 이것도 헛되어 무익한 노고로다
Kwaiva nomunhu aigara ari oga; akanga asina mwanakomana, kana mununʼuna. Kushanda kwake kwakanga kusina magumo, kunyange zvakadaro meso ake haana kugutswa nepfuma yake. Akabvunza akati, “Ndinotambudzikira aniko, uye sei ndichizvinyima mafaro?” Naizvozviwo hazvina maturo, basa rokutambura!
9 두 사람이 한 사람보다 나음은 저희가 수고함으로 좋은 상을 얻을 것임이라
Vaviri vari nani pano mumwe chete, nokuti vano mugove wakanaka pakushanda kwavo:
10 혹시 저희가 넘어지면 하나가 그 동무를 붙들어 일으키려니와 홀로 있어 넘어지고 붙들어 일으킬 자가 없는 자에게는 화가 있으리라
Kana mumwe akawira pasi, shamwari yake inogona kumubatsira kuti amire zvakare. Asi ane nhamo munhu anowira pasi, asina anomusimudza!
11 두 사람이 함께 누우면 따뜻하거니와 한 사람이면 어찌 따뜻하랴
Uyezve kana vaviri vachivata pamwe chete, vachadziyirwa. Asi mumwe chete angadziyirwa sei?
12 한 사람이면 패하겠거니와 두 사람이면 능히 당하나니 삼겹 줄은 쉽게 끊어지지 아니하느니라
Munhu mumwe chete angakurirwa simba, asi vaviri vanozvidzivirira. Rwodzi rwakakoswa mutatu harungakurumidzi kudamburwa.
13 가난하여도 지혜로운 소년은 늙고 둔하여 간함을 받을줄 모르는 왕보다 나으니
Jaya murombo asi rakachenjera riri nani kupfuura mambo mutana ari benzi, asisazivi kuteerera kana achipiwa yambiro.
14 저는 그 나라에서 나면서 가난한 자로서 옥에서 나와서 왕이 되었음이니라
Jaya ringava rakabva mutorongo rikazova mambo, kana angava akaberekwa ari muurombo, muushe hwokwake.
15 내가 본즉 해 아래서 다니는 인생들이 왕의 버금으로 대신하여 일어난 소년과 함께 있으매
Ndakaona kuti vose vapenyu vakafamba pasi pezuva vakatevera jaya, rakazotevera panzvimbo yamambo.
16 저희 치리를 받는 백성들이 무수하였을지라도 후에 오는 자들은 저를 기뻐하지 아니하리니 이것도 헛되어 바람을 잡으려는 것이로다
Vakanga vasingaverengeki vanhu vose vaaitonga. Asi vakazouya pashure havana kufadzwa neakanga achitonga panzvimbo yamambo. Naizvozviwo hazvina maturo, kudzinganisana nemhepo.

< 전도서 4 >