< 使徒の働き 27 >

1 さて、私たちが船でイタリヤへ行くことが決まったとき、パウロと、ほかの数人の囚人は、ユリアスという親衛隊の百人隊長に引き渡された。
Zvino kwakati kwatemwa kuti tiende kuItaria nechikepe, vakakumikidza Pauro nevamwewo vasungwa kumukuru wezana wainzi Juriasi, wehondo yamambo mukuru.
2 私たちは、アジヤの沿岸の各地に寄港して行くアドラミテオの船に乗り込んで出帆した。テサロニケのマケドニヤ人アリスタルコも同行した。
Zvino takati tapinda muchikepe cheAdhiramitiyamu, chaiva choda kuenda nemugungwa tichitevedza nzvimbo dzeAsia, tikatanga kufamba nechikepe, Arisitako muMakedhonia weTesaronika anesu.
3 翌日、シドンに入港した。ユリアスはパウロを親切に取り扱い、友人たちのところへ行って、もてなしを受けることを許した。
Chifume tikasvika paSidhoni; Juriasi akabata Pauro zvakanaka, akamutendera kuti aende kushamwari, kuti abatsirwe.
4 そこから出帆したが、向かい風なので、キプロスの島陰を航行した。
Takati tabva ipapo nechikepe tikapfuura takadzikatirwa neSaipuresi, nokuti mhepo yaitipikisa,
5 そしてキリキヤとパンフリヤの沖を航行して、ルキヤのミラに入港した。
tikati tayambuka gungwa rakatevedza Kirikia nePamufiriya, takasvika paMaira yeRisia.
6 そこに、イタリヤへ行くアレキサンドリヤの船があったので、百人隊長は私たちをそれに乗り込ませた。
Ipapo mukuru wezana akawana chikepe cheAreksandiria chinoenda kuItaria, ndokutipinza machiri.
7 幾日かの間、船の進みはおそく、ようやくのことでクニドの沖に着いたが、風のためにそれ以上進むことができず、サルモネ沖のクレテの島陰を航行し、
Zvino takati tananaira nechikepe mazuva mazhinji, tikasvika pakatarisana neKinido nemutsutsururu, mhepo isingatitenderi, tikaburuka takatevedza Kirete, kwakatarisana neSarimoni;
8 その岸に沿って進みながら、ようやく、良い港と呼ばれる所に着いた。その近くにラサヤの町があった。
tikapapfuura nemutsutsururu tikasvika pane imwe nzvimbo panonzi Zororo Rakanaka; pedo naro paiva neguta Rasea.
9 かなりの日数が経過しており、断食の季節もすでに過ぎていたため、もう航海は危険であったので、パウロは人々に注意して、
Zvino nguva huru yakati yapfuura, nekufamba nechikepe ikozvino kwava nenjodzi, nokuti kutsanyawo kwakange kwatopfuura, Pauro akavayambira,
10 「皆さん。この航海では、きっと、積荷や船体だけではなく、私たちの生命にも、危害と大きな損失が及ぶと、私は考えます。」と言った。
achiti kwavari: Varume, ndinoona kuti rwendo rwuchava nekukuvara nekurasikirwa kuzhinji, zvisati zviri zvemutoro nechikepe chete, asi nekweupenyu hwedu.
11 しかし百人隊長は、パウロのことばよりも、航海士や船長のほうを信用した。
Asi mukuru wezana wakatenda mufambisi wechikepe nemwene wechikepe kupfuura zvinhu zvakarehwa naPauro.
12 また、この港が冬を過ごすのに適していなかったので、大多数の者の意見は、ここを出帆して、できれば何とかして、南西と北西とに面しているクレテの港ピニクスまで行って、そこで冬を過ごしたいということになった。
Zvino sezvo zororo rakange risina kunaka kugarwa muchando, vazhinji vakayambira kuti pabviwe, zvimwe vangagona kusvika kuFenikisi vagareko muchando, ndiro zororo reKirete, rakange rakatarira kuchamhembe kwakadziva kumavirira nekumaodzanyemba akadziva kumavirira.
13 おりから、穏やかな南風が吹いて来ると、人々はこの時とばかり錨を上げて、クレテの海岸に沿って航行した。
Zvino mhepo yechamhembe yakati ichifefetera, vakafunga kuti vawana vavariro yavo, vakabvisa zvipingo zvechikepe, vakatevedza pedo neKirete nechikepe.
14 ところが、まもなくユーラクロンという暴風が陸から吹きおろして来て、
Asi pasina kupfuura nguva huru mhepo ine simba yainzi Yurokiridhoni, yakachirova;
15 船はそれに巻き込まれ、風に逆らって進むことができないので、しかたなく吹き流されるままにした。
zvino chikepe chakati chabatwa, chisingagoni kumirisana nemhepo, tikarega tikakukurwa.
16 しかしクラウダという小さな島の陰にはいったので、ようやくのことで小舟を処置することができた。
Zvino takatevedza zasi kwechimwe chiwi chidiki chinonzi Kraudha, tikakwanisa kubata chikepe nemutsutsururu;
17 小舟を船に引き上げ、備え綱で船体を巻いた。また、スルテスの浅瀬に乗り上げるのを恐れて、船具をはずして流れるに任せた。
chavakati vachisimudza, vakashandisa zvibatsiro, vachisunga chikepe nepasi; vachitya kuti vacharasikira paSetisi, vakaderedza seiri, ndokukukurwa saizvozvo.
18 私たちは暴風に激しく翻弄されていたので、翌日、人々は積荷を捨て始め、
Zvino tichatambudzwa kwazvo nedutu remhepo, chifume vakabudisa nhumbi kunze;
19 三日目には、自分の手で船具までも投げ捨てた。
uye pazuva retatu, takarasa zvombo zvechikepe nemaoko edu pachedu.
20 太陽も星も見えない日が幾日も続き、激しい暴風が吹きまくるので、私たちが助かる最後の望みも今や絶たれようとしていた。
Zvino kwakati kusina kuonekwa zuva kana nyeredzi kwemazuva mazhinji, nedutu risati riri diki remhepo richisimba, kubva ipapo tariro yese yekuti tichaponeswa ikatorwa.
21 だれも長いこと食事をとらなかったが、そのときパウロが彼らの中に立って、こう言った。「皆さん。あなたがたは私の忠告を聞き入れて、クレテを出帆しなかったら、こんな危害や損失をこうむらなくて済んだのです。
Zvino yakati yava nguva refu vasingadyi, ipapo Pauro akamira pakati pavo, akati: Haiwa, varume, mungadai makanditeerera mukasabva paKirete, mukapukunyuka kukuvara uku nekurasikirwa.
22 しかし、今、お勧めします。元気を出しなさい。あなたがたのうち、いのちを失う者はひとりもありません。失われるのは船だけです。
Asi ikozvino ndinokukurudzirai kuti mutsunge moyo; nokuti hakungavi nekurasikirwa neupenyu pakati penyu, asi kwechikepe.
23 昨夜、私の主で、私の仕えている神の御使いが、私の前に立って、
Nokuti usiku huno kwakamira neni mutumwa waMwari, wandiri wake, newandinoshumira,
24 こう言いました。『恐れてはいけません。パウロ。あなたは必ずカイザルの前に立ちます。そして、神はあなたと同船している人々をみな、あなたにお与えになったのです。』
achiti: Usatya Pauro; unofanira kumira pamberi paKesari; zvino tarira, Mwari wakupa vese vanofamba newe muchikepe.
25 ですから、皆さん。元気を出しなさい。すべて私に告げられたとおりになると、私は神によって信じています。
Naizvozvo varume tsungai moyo; nokuti ndinotenda kuna Mwari kuti zvichava saizvozvi senzira yandakaudzwa nayo.
26 私たちは必ず、どこかの島に打ち上げられます。」
Asi tinofanira kurasirwa pane chimwe chiwi.
27 十四日目の夜になって、私たちがアドリヤ海を漂っていると、真夜中ごろ、水夫たちは、どこかの陸地に近づいたように感じた。
Zvino usiku hwegumi neuna hwakati hwasvika, tichangomveeswa muAdhira, panenge pakati peusiku, vafambisi vechikepe vakafunga kuti imwe nyika yoswedera kwavari;
28 水の深さを測ってみると、四十メートルほどであることがわかった。少し進んでまた測ると、三十メートルほどであった。
vakakanda gavi rekuyera kudzika vakawana mafadomi makumi maviri; vakati vapfuura zvishoma, vakakandazve gavi rekuyera kudzika, vakawana mafadomi gumi nemashanu;
29 どこかで暗礁に乗り上げはしないかと心配して、ともから四つの錨を投げおろし、夜の明けるのを待った。
zvino vakatya kuti zvimwe tichawira pamabwe, vakakanda zvipingo zvina neshure kwechikepe, vakashuva kuedza.
30 ところが、水夫たちは船から逃げ出そうとして、へさきから錨を降ろすように見せかけて、小舟を海に降ろしていたので、
Zvino vafambisi vechikepe vakati vachitsvaka kutiza muchikepe, vaburusira igwa mugungwa, vachiita sevanenge vokanda zvipingo mberi kwechikepe,
31 パウロは百人隊長や兵士たちに、「あの人たちが船にとどまっていなければ、あなたがたも助かりません。」と言った。
Pauro akati kumukuru wezana nekumauto: Kana ava vakasagara muchikepe, imwi hamugoni kuponeswa.
32 そこで兵士たちは、小舟の綱を断ち切って、そのまま流れ去るのに任せた。
Ipapo mauto akagura mabote egwa, ndokurirega rikawa.
33 ついに夜の明けかけたころ、パウロは、一同に食事をとることを勧めて、こう言った。「あなたがたは待ちに待って、きょうまで何も食べずに過ごして、十四日になります。
Zvino kwakati koedza, Pauro akakumbirisa vese kuti vadye, achiti: Nhasi izuva regumi nechina ramakagarira muchitsanya, musingadyi chinhu.
34 ですから、私はあなたがたに、食事をとることを勧めます。これであなたがたは助かることになるのです。あなたがたの頭から髪一筋も失われることはありません。」
Saka ndinokukumbirisai kuti mudye; nokuti ndezveruponeso rwenyu; nokuti hakuna ruvhudzi rwuchawa pamusoro weumwe wenyu.
35 こう言って、彼はパンを取り、一同の前で神に感謝をささげてから、それを裂いて食べ始めた。
Wakati areva zvinhu izvi, atora chingwa, akavonga kuna Mwari pamberi pavo vese, akati achimedura akatanga kudya.
36 そこで一同も元気づけられ、みなが食事をとった。
Zvino vakatsunga moyo vese, uye ivo vakadya.
37 船にいた私たちは全部で二百七十六人であった。
Zvino isu, mweya yese yaiva muchikepe, taiva mazana maviri nemakumi manomwe nevatanhatu.
38 十分食べてから、彼らは麦を海に投げ捨てて、船を軽くした。
Zvino vakati vaguta kudya vakarerusa chikepe, vachikanda zviyo kunze mugungwa.
39 夜が明けると、どこの陸地かわからないが、砂浜のある入江が目に留まったので、できれば、そこに船を乗り入れようということになった。
Kwakati kwaedza, vakasaziva nyika; asi vakaona rimwe mhenderekedzo rekuzorora raiva nemahombekombe ejecha, vakarangana kana vaigona, kuti vasundire chikepe pariri.
40 錨を切って海に捨て、同時にかじ綱を解き、風に前の帆を上げて、砂浜に向かって進んで行った。
Zvino vakagura zvipingo, vakazvisiya mugungwa, nenguva iyoyo vakasunungura zvisungo, vakasimudzira seiri repamberi kumhepo, vakaruramira kumahombekombe.
41 ところが、潮流の流れ合う浅瀬に乗り上げて、船を座礁させてしまった。へさきはめり込んで動かなくなり、ともは激しい波に打たれて破れ始めた。
Zvino vakati vachiwira panzvimbo pamasanganirano emakungwa, vakagumhirisa chikepe pasi; muromo ukabatira ndokurambira usingazununguki, asi rutivi rweshure rukavhunika nesimba remafungu.
42 兵士たちは、囚人たちがだれも泳いで逃げないように、殺してしまおうと相談した。
Zvino zano remauto rekuti vauraye vasungwa, kuti zvimwe vamwe vangashambira vakatiza.
43 しかし百人隊長は、パウロをあくまでも助けようと思って、その計画を押え、泳げる者がまず海に飛び込んで陸に上がるように、
Asi mukuru wezana achida kuponesa Pauro, akavadzivisa pazvinangwa zvavo, akaraira kuti vanogona kushambira vatange kuzviwisira mugungwa, vaende kunyika;
44 それから残りの者は、板切れや、その他の、船にある物につかまって行くように命じた。こうして、彼らはみな、無事に陸に上がった。
uye vakasara, vamwe pamatanda, vamwe pane zvimwe zvipenga zvechikepe. Saizvozvowo zvakaitika kuti vese vakasvika kunyika vari vapenyu.

< 使徒の働き 27 >