< ローマ人への手紙 2 >

1 然れば総て是非する人よ、汝は弁解する事を得ず、蓋他人を是非するは己を罪する所以なり、其自ら是非する所と同じ事を為せばなり。
Naizvozvo, iwe unotonga mumwe munhu hauna pembedzo, nokuti pachinhu chipi nechipi chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe unotonga, unoita zvinhu zvimwe chetezvo.
2 我等は斯の如き事を為す人に對して、神の審判が眞理に適へる事を知れり。
Zvino tinoziva kuti kutonga kwaMwari ndokwezvokwadi kuna vanoita zvinhu zvakadai.
3 然て斯る事を為す者を是非しつつ自ら之を行ふ人よ、汝は神の審判を免れんと思ふか、
Saka kana iwe munhuwo zvake uchitonga vamwe asi uchiita zvinhu zvimwe chetezvo, unofunga kuti ungapunyuka kutonga kwaMwari here?
4 神の仁慈と堪忍と耐久との豊なるを軽んずるか、神の慈愛の汝を改心に導きつつあるを知らざるか。
Kana kuti unozvidza pfuma younyoro hwake, mwoyo munyoro wake, nomwoyo murefu wake, usingazivi kuti unyoro hwaMwari hunokuisa pakutendeuka?
5 然て汝が頑固と悔悛めざる心とに由りて、己の為に神の御怒を積み、
Asi nokuda kwoukukutu hwako uye nomwoyo wako usingadi kutendeuka, uri kuzviunganidzira kutsamwa pazuva rokutsamwa kwaMwari, pacharatidzwa kutonga kwake kwakarurama.
6 各其業に應じて報い給ふべき神の正しき審判の顕るべき御怒の日に當りて之に触れん。
Mwari “achapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.”
7 即ち忍耐を以て善行を力め、光榮と尊貴と不朽とを求むる人々には永遠の生命を以て報い給ふべしと雖も、 (aiōnios g166)
Kuna avo vakatsungirira kuita zvakanaka vachitsvaka kubwinya nokukudzwa uye nokusafa, achavapa upenyu husingaperi. (aiōnios g166)
8 争へる人、眞理に服せず不義に就く人には、怒と憤とあるべし。
Asi kuna avo vanotsvaka zvavo uye vanoramba chokwadi uye vachitevera zvakaipa, kuchavapo kutsamwa nehasha.
9 凡て惡を行ふ者の霊魂には、ユデア人を初めギリシア人にも、患難と辛苦とあるべけれど、
Kuchavapo kutambudzika nokudzungaira kumunhu mumwe nomumwe anoita zvakaipa: kutanga kumuJudha, tevere weDzimwe Ndudzi;
10 凡て善を行ふ者にはユデア人を初めギリシア人にも光榮と尊貴と平安とあるべし。
asi kubwinya, nokukudzwa uye norugare kuna vose vanoita zvakanaka: kutanga kumuJudha tevere weDzimwe Ndudzi.
11 其は人に就きて偏り給ふ事は神に無き所なればなり。
Nokuti Mwari haasi mutsauri wavanhu.
12 蓋総て律法なくして罪を犯しし人は律法なくして亡びん、又総て律法ありて罪を犯しし人は律法によりて審判せられん、
Vose vakatadza vasina murayiro vachaparadzwawo vasina murayiro, uye vose vakatadza vano murayiro vachatongwa nomurayiro.
13 其は律法の聴聞者は神の御前に義人たらずして、律法の實行者こそ義とせらるべければなり。
Nokuti havasi vaya vanonzwa murayiro vakarurama pamberi paMwari, asi vaya vanoita murayiro ndivo vachanzi vakarurama.
14 蓋律法を有たざる異邦人等が、自然に律法の事を行ふ時は、斯る律法を有たずと雖も自ら己に律法たるなり。
Zvirokwazvo, kana veDzimwe Ndudzi, vasina murayiro vachiita sokuberekwa kwavo zvinhu zvinodiwa nomurayiro, wava murayiro wavo pachavo kunyange zvazvo vasina murayiro.
15 彼等は律法の働の己が心に銘されたるを顕し、其良心之が證を為し、其思相互に、或は咎め或は弁解する事あればなり。
Sezvo vachiratidza kuti zvinodiwa nomurayiro zvakanyorwa pamwoyo yavo, hana dzavo dzichipupuriranawo nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza.
16 是我福音に宣ぶる如く、神がイエズス、キリストを以て人々の密事を審判し給ふべき日に明かならん。
Izvi zvichaitika pazuva iroro, Mwari raachazotonga zvakavanzika zvavanhu kubudikidza naJesu Kristu, sezvinoreva vhangeri rangu.
17 然るに汝はユデア人と稱せられて律法に安んじ、神を以て誇と為し、
Zvino iwe, kana uchiti uri muJudha; kana uchivimba nomurayiro uye uchizvirumbidza pamusoro poukama hwako naMwari;
18 其御旨を知り、律法に諭されて一層有益なる事を認め、
kana uchiziva kuda kwake uye uchiziva kuti zvakanaka ndezvipi zvaunodzidziswa nomurayiro;
19 敢て己を以て盲者の手引、暗黒に在る人の燈火、
kana uchiti uri mutungamiri wamapofu, chiedza chaavo vari murima,
20 愚者の教師、兒等の師匠なりとし、律法に於て學識と眞理との則を有てる者と思へり。
murairidzi wamapenzi, mudzidzisi wavacheche, nokuti zvauine, mumurayiro, mufananidzo woruzivo nechokwadi,
21 然りながら汝は人を教へて己を教へず、盗む勿れと述べて自ら盗み、
zvino iwe, unodzidzisa vamwe, hauzvidzidzisewo here? Iwe unoparidza kuti vanhu vasaba, unoba here?
22 姦淫する勿れと云ひて自ら姦淫し、偶像を憎みて聖なるものを冒し、
Iwe unoti vanhu havafaniri kuita upombwe, unoita upombwe here? Iwe unosema zvifananidzo, unoba mutemberi dzavo here?
23 律法に誇りつつ自ら律法を破りて神を辱しむ、
Iwe unozvirumbidza pamusoro pomurayiro, unoshora Mwari nokudarika murayiro here?
24 録して、「神の御名は汝等によりて異邦人の中に罵らる」、とあるが如し。
Nokuti, sezvazvakanyorwa: “Zita raMwari rinomhurwa pakati peveDzimwe Ndudzi nokuda kwenyu.”
25 汝律法を守る時は割禮其益ありと雖も、律法を破る時は汝の割禮は既に無割禮となれるなり。
Kudzingiswa kunokosha kana uchichengeta murayiro, asi kana uchidarika murayiro, wakangoita sousina kudzingiswa.
26 然れば無割禮[の人]律法の禁令を守らば、其無割禮は割禮と斉しく視做さるべきに非ずや。
Kana vaya vasina kudzingiswa vakachengeta zvinodiwa nomurayiro, havangaonekwi savakadzingiswa here?
27 斯て生來無割禮[の人]律法を全うせば、儀文及び割禮ありながら律法を破れる汝を罪に定めん。
Uyo asina kudzingiswa panyama asi achichengeta murayiro achakutonga iwe, kunyange zvako une murayiro wakanyorwa uye wakadzingiswa, asi uchidarika murayiro.
28 蓋表に然ある人がユデア人たるに非ず、又陽に身に在るものが割禮たるに非ず。
Munhu haasi muJudha kana ari muJudha anoonekwa kunze chete, uye kudzingiswa hakuzi kwokunze kana kwapanyama chete.
29 心中に然ある人こそユデア人、儀文によらず霊による心のものこそ割禮にして、其誉は人より來らず而も神より來る。
Kwete, munhu anova muJudha kana ari muJudha mukati, uye kudzingiswa kwomwoyo, noMweya, kwete kwezvakanyorwa. Kurumbidzwa kwomunhu akadaro hakubvi kuvanhu, asi kunobva kuna Mwari.

< ローマ人への手紙 2 >