< ローマ人への手紙 14 >

1 第三款 信仰の弱き信徒に對する方法 信仰の弱き人を承くるに親切を以てし、思ふ所を争ふこと勿れ。
Mugamuchire uyo asina kusimba pakutenda kwake, musingamutongi kana kuita gakava naye pamusoro penyaya dzisingapindirani.
2 蓋或人は凡ての物を食するを善しとするに、弱き人は野菜を食す。
Kutenda kwomumwe kunomutendera kudya zvose, asi mumwe munhu ano kutenda kusina kusimba, anodya muriwo bedzi.
3 食する人は食せざる人を軽んずべからず、食せざる人も亦食する人を是非すべからず、其は神は人を承容れ給ひたればなり。
Munhu anodya zvose ngaarege kuzvidza asingadyi, uye munhu asingadyi zvose ngaarege kupa mhosva munhu anodya, nokuti Mwari akamugamuchira.
4 汝誰なれば他に属する僕を是非するぞ、立つも倒るるも、其主に係はる事なり。但必ずや立つならん、其は神は之を立たしむる事を得給へばなり。
Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumwe mhosva? Iye anomira kana kuti anowa pamberi patenzi wake. Uye achamira, nokuti Ishe anokwanisa kuita kuti amire.
5 或人は日と日とを弁別するに、他の人は如何なる日をも同一にす、各其料簡に随ふべきのみ。
Mumwe munhu anokoshesa rimwe zuva kupfuura rimwe: mumwe munhu anoti mazuva ose akafanana. Mumwe nomumwe ngaazvizivire kwazvo mumwoyo make.
6 日を区別する人は主の為に之を区別し、食する人も主の為に食す、其は神に感謝すればなり。食せざる人も主の為に食せずして亦神に感謝す。
Uyo anokoshesa zuva rimwe, anozviitira Ishe. Uyo anodya nyama, anodya nokuda kwaShe, nokuti anovonga Mwari; uye naiye anorega kudya, anorega nokuda kwaShe, uye anovonga Mwari.
7 蓋我等の中に己の為に活くる者なく、己の為に死する者なし、
Nokuti hakuna mumwe wedu anozviraramira pachake, uye hakuna mumwe wedu anozvifira iye pachake.
8 其は我等は活くるも主の為に活き、死するも主の為に死すればなり。故に我等は活くるも死するも主の有なり。
Kana tichirarama, tinoraramira Ishe; uye kana tichifa tinofira Ishe. Saka, kana tichirarama kana kufa tiri vaShe.
9 蓋キリストの死して復活し給ひしは、死者と生者とを司り給はんが為なり。
Nokuda kwaizvozvo, Kristu akafa uye akamuka kuti ave Ishe wavose vakafa navapenyu.
10 然るに汝何故に兄弟を是非するぞ、何故に兄弟を軽んずるぞ、我等は皆神の法廷に立つべき者なるをや。
Naizvozvo, iwe, unopireiko hama yako mhosva? Kana newewo unozvidzireiko hama yako? Nokuti tose tichamira pamberi pechigaro chokutonga chaMwari.
11 録して、「主曰く、我は活くるなり、凡ての膝我前に屈まり、凡ての舌神を宣言するに至らん」、とあるが如し、
“Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “‘Zvirokwazo noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe, ‘ibvi rimwe nerimwe richapfugama pamberi pangu; rurimi rumwe norumwe ruchareurura kuna Mwari.’”
12 即ち我等は各己の事を神に糺さるべし。
Saka, naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.
13 然れば我等互に罪を定むべからず、寧汝等兄弟の前に、躓かすべきもの、或は罠となるものを置かざらん事を定めよ。
Naizvozvo ngatiregei kuramba tichipana mhosva. Asi munhu ngaarege kuisa chigumbuso kana chipinganidzo munzira yehama yake.
14 我は主イエズスに於て知り且確信す、何物も彼によりて自ら潔からざるはなく、其潔からざるは、潔からずと思ふ人に於てのみ。
Somunhu ari muna Ishe Jesu, ndinoziva kwazvo kuti hakuna chokudya chine tsvina. Asi kana mumwe munhu akati chakasvibiswa, naizvozvo hachina kuchena kwaari.
15 若食物の為に汝の兄弟を憂ひしむれば、汝は既に愛に從ひて歩む者に非ず、キリストの死して贖ひ給ひし人を、食物の為に亡ぼすこと勿れ。
Kana hama yako ichikanganiswa nokuda kwezvaunodya, iwe hauchafambi murudo. Usaparadza hama yako, iyo yakafirwa naKristu, nokuda kwezvokudya.
16 然れば我等の有てる善きものは罵らるべかず、
Usatendera kuti zvaunoti zvakanaka zvinzi zvakaipa.
17 其は神の國は飲食にあるに非ずして、聖霊に由れる義と平和と歓とに在ればなり。
Nokuti umambo hwaMwari hahuzi zvokudya kana zvokunwa, asi kururama norugare uye nomufaro muMweya Mutsvene,
18 蓋之を以てキリストに事ふる人は神の御意に適ひ、人々にも善しとせらるるなり。
nokuti ani naani anoshumira Kristu nenzira iyi anofadza Mwari, uye anotendwa navanhu.
19 故に我等は平和の事を追求して、人の徳を立つべき事を互に守るべきなり。
Naizvozvo ngatishingairirei kutsvaga izvo zvinouyisa rugare uye zvatingasimbisana nazvo.
20 食物の為に神の事業を亡ぼすこと勿れ、凡ての物は潔しと雖も、食して躓かする人には惡となる。
Musaparadza basa raMwari nokuda kwezvokudya. Zvokudya zvose zvakachena, asi hazvina kunaka kuti munhu adye chinhu chipi zvacho chingagumbusa mumwe munhu.
21 肉食、飲酒、其他汝の兄弟の或は心を痛め、或は躓き、或は弱くなる事を為ざるを善しとす。
Zviri nani kusadya nyama kana kusanwa waini kana kusaita chimwe chinhu chinoita kuti hama yako iwe.
22 汝に[確]信あらんか、之を神の御前に我が身の中に保て。善しとする事に就きて己を咎めざる人は福なり、
Saka zvose zvaunotenda pamusoro pezvinhu izvi ngazvive pakati pako naMwari. Akaropafadzwa munhu asingazvipi mhosva pazvinhu zvaanotenda.
23 然れど疑ひつつ食したる時は罪せらる、其は[確]信によりて為ざればなり、総て[確]信に由らざる事は罪なり。
Asi munhu anonyunyuta ava nemhosva kana akadya nokuti kudya kwake hakusi kwokutenda; uye zvinhu zvose zvisingabvi pakutenda chivi.

< ローマ人への手紙 14 >