< ローマ人への手紙 11 >

1 第三款 イスラエル人に取りての大いなる慰 然らば我は言はん、神は其民を棄て給ひしかと、然らず、其は我もイスラエル人にして、アブラハムの裔、ベンヤミンの族なればなり。
Zvino ndinobvunza ndichiti: Mwari akarasa vanhu vake here? Kwete napaduku pose! Nokuti ini pachangu ndiri muIsraeri, chizvarwa chaAbhurahama, ndiri worudzi rwaBhenjamini.
2 神は豫知し給ひし己の民を棄て給はざりしなり。汝等エリアに就きて聖書の曰へる事を知らざるか、即ち彼イスラエル人を神に訟へて言へらく、
Mwari haana kurasa vanhu vake, avo vaakaziva pakutanga. Hamuzivi here zvinorehwa noRugwaro pandima inotaura nezvaEria, kuti akakumbira sei kuna Mwari pamusoro peIsraeri achiti,
3 「主よ、彼等は主の預言者等を殺し、悉く主の祭壇を毀てり、然て我一人殘れるに、尚我命を求めんとするなり」と。
“Ishe vakauraya vaprofita venyu uye vakaputsa aritari dzenyu; ndini ndoga ndasara, uye vari kuedza kundiuraya”?
4 而して神の御答に何と曰へるぞ、「我は己の為に、バアルの前に跪かざる七千の男子を殘したるなり」と。
Uye Mwari akamupindura achiti kudiniko? “Ndakazvichengetera varume zviuru zvinomwe vasina kupfugamira Bhaari.”
5 斯の如く、今の時も亦恩寵の撰に由りて殘れる者は救はれたり。
Saizvozvowo, panguva ino varipo vakasara, vakasanangurwa nenyasha.
6 恩寵に由れば業に由るに非ず、然らざれば恩寵は最早恩寵に非ざるべし。
Uye kana zvava zvenyasha, saka hazvichisiri zvamabasa; kana dai zvaiva zvakadaro, nyasha hadzaizova nyasha.
7 然らば何ぞや、イスラエル人は其求め居たりし所を得ず、撰まれたる人は之を得て、他の人は頑固になれり。
Zvino tichatiiko? Zvakatsvakwa navaIsraeri nokushingaira havana kuzviwana, asi vasanangurwa ndivo vakazviwana. Vamwe vakaomeswa mwoyo,
8 録して、「神は彼等に茫然たる精神、見得べからざる目、聞得べからざる耳を賜ひて今日に至る」、とあるが如し。
sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Mwari akavapa mweya wehope, meso kuti vasaona, nzeve kuitira kuti vasanzwa, kusvikira nanhasi uno.”
9 ダヴィド又曰く「願はくは彼等の食卓、網となり、罠となり、躓くものとなり、報となれかし、
Uye Dhavhidhi anoti: “Tafura yavo ngaive musungo neriva, nechigumbuso uye nechinotsiva kwavari.
10 其目は眩みて見えざらしめ、其背は何時も屈ましめ給へ」、と。
Meso avo ngaasvibirwe kuti vasaona; uye mukotamise misana yavo nokusingaperi.”
11 然れば我は言はん、彼等の躓きしは倒れん為なるかと、然らず、却て彼等を妬ましむる様、其堕落によりて、救は異邦人の上に來れり。
Zvakare ndinobvunza ndichiti: Ko, vakagumbuswa vakawa zvokusazomukazve here? Kwete napaduku pose! Asi kuti nokuwa kwavo ruponeso rwakauya kune veDzimwe Ndudzi kuti Israeri ive negodo.
12 若彼等の堕落が世の富となり、其減少は異邦人の富とならば、况や彼等の全數をや。
Zvino kana kudarika kwavo kuchipfumisa nyika, uye kurasikirwa kwavo kuchireva pfuma kune veDzimwe Ndudzi, kuzara kwavo kuchauyisa pfuma yakakura zvakadii!
13 蓋我、汝等異邦人に謂はん、我異邦人の使徒たる間は、我が[聖]役に榮誉を來さん。
Ndiri kutaura kwamuri imi veDzimwe Ndudzi. Sezvandiri mupostori weveDzimwe Ndudzi, ndinokudza ushumiri hwangu
14 是如何にもして、我骨肉たる者を刺激して之を励まし、其幾何かを救はん為なり。
netariro yokuti zvimwe ndingamutsa godo kuvanhu vangu uye ndiponese vamwe vavo.
15 蓋彼等の排斥が世の和睦とならば、其採用は豈死より再生するに同じからざらんや。
Nokuti kana kuraswa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, ko, kugamuchirwa kwavo kuchagoveiko, asi upenyu kubva kurufu?
16 若麪の初穂聖ならば全體も然あるべく、根聖ならば枝も然あるべし。
Zvino kana chikamu chechikanyiwa chakapiwa sechibereko chokutanga chiri chitsvene, saka chikanyiwa chose chitsvene; kana mudzi uri mutsvene namatavi acho akadarowo.
17 假令幾何かの枝折られて、野生の橄欖たりし汝之に接がれ、橄欖の根と液汁とを共にするものとなりたりとも、
Kana mamwe matavi akavhuniwa, uye imi, kunyange muri muorivhi wokudondo, wakabatanidzwa pakati pamamwe, zvino mava nomugove pamwe chete nawo kubva pamudzi womuorivhi,
18 枝に向ひて誇ること勿れ、誇らんとするも、汝が根を保つに非ずして根こそ汝を保つなれ。
musazvikudza pamusoro pamatavi ayo. Kana muchizvikudza murangarire izvi: Hamuzimi makatakura mudzi, asi kuti mudzi ndiwo wakakutakurai.
19 汝或は言はん、枝の折られしは我が接がれん為なりと。
Zvino iwe uchati, “Matavi akavhuniwa kuti ini ndibatanidzwe.”
20 諾し、彼等は其不信仰に由りて折られしに、汝は信仰に由りて立てるなり。然れど驕ること勿れ、却て懼れよ。
Ndizvozvo. Asi akavhuniwa nokuda kwokusatenda, uye iwe unomira nokutenda kwako. Usazvikudza, asi uve nokutya.
21 蓋神は原樹の枝を惜み給はざりしなれば、恐くは汝をも惜み給はざるべし。
Nokuti kana Mwari asina kurega matavi okutanga, haangakuregi newewo.
22 然れば神の慈愛と厳格とを見よ、倒れし人々に對しては惟厳格、汝に對しては惟慈愛、但是汝が其慈愛に止ればのみ、然らずんば汝も取除かるべし。
Naizvozvo nyatsofunga pamusoro pounyoro nokukasharara kwaMwari; kukasharara kuna vakawa, asi unyoro kwauri, kana ukaramba uchifamba muunyoro hwake. Kana zvikasadaro newewo uchatemwa.
23 彼等も若不信仰に止らずば接がるるならん、其は神は再び之を接ぐことを得給へばなり。
Uye kana vakasarambirira pakusatenda, vachabatanidzwa, nokuti Mwari anogona kuvabatanidza zvakare.
24 汝は生來野生なる橄欖より切取られ、其本性に反して好き橄欖に接がれたれば、况や本性のものが原の橄欖に接がるるをや。
Nokuti, kana iwe wakatemwa kubva pamuorivhi womumunda pakusikwa kwawo, uye ukabatanidzwa pamuorivhi womumunda zvichipesana namasikirwo azvo, ko, kuzoti ayo agara ari epo achazofara sei kuti abatanidzwezve mumuti wawo womuorivhi?
25 兄弟等よ、自ら敏しとする事なからん為に、我は汝等が此奥義を知らざるを好まず、即ちイスラエルの幾部分の頑固になれるは、異邦人全體の入來るまでなり。
Hama dzangu, handidi kuti musaziva, chakavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi: vaIsraeri vakaomeswa mwoyo kusvikira veDzimwe Ndudzi vakakwana vapinda.
26 斯てイスラエルは挙りて救はるるに至るべし、録して、「救ふ者シオンに來り、ヤコブより不敬を去らしめん。
Naizvozvo Israeri yose ichaponeswa, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “PaZioni pachabuda musununguri; achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho.
27 我彼等の罪を取除きたらん時、彼等と結ぶべき約束は是なり」、とあるが如し。
Uye iyi ndiyo sungano yangu navo kana ndabvisa zvivi zvavo.”
28 福音に就きては、彼等汝等の為に敵なれども、選抜に就きては其祖先の為に至愛の者なり、
Kana zviri zvevhangeri, ivo vavengi nokuda kwenyu; asi kana kuri kusanangurwa, vadikanwi nokuda kwamadzibaba,
29 其は神の賜と召とは、取消さるる事なければなり。
nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi.
30 斯て汝等も原神に從はざりしに、今や彼等の不從順に由りて慈悲を蒙りし如く、
Nokuti sezvo imi makanga musingateereri Mwari pane imwe nguva magamuchira ngoni zvino nokuda kwokusateerera kwavo,
31 今彼等の從はざるも亦汝等の[蒙りし]慈悲に由りて己も慈悲を蒙らん為なり。
saizvozvo naivowo zvino havachateereri kuitira kuti vagamuchire ngoni nokuda kwengoni dzaMwari kwamuri.
32 是衆人を憫み給はん為に、神が之を不從順に籠め給へるなり。 (eleēsē g1653)
Nokuti Mwari akapfigira vanhu vose pakusateerera kwavo, kuti avanzwire ngoni vose. (eleēsē g1653)
33 嗚呼高大なる哉、神の富と智恵と知識と。其判定の覚り難さよ、其道の極め難さよ。
Haiwa, udzamu hwokupfuma kwouchenjeri noruzivo rwaMwari! Kutonga kwake hakunganzverwi, uye makwara ake haangarondwi!
34 誰か主の御心を知り、誰か之と共に議りたるぞ。
“Ndianiko akaziva pfungwa dzaShe? Kana akava mupi wake wamazano?”
35 誰か先之に與へて、其報を得ん者ぞ。
“Ndianiko akambopa kuna Mwari kuti Mwari angamuripirazve?”
36 蓋萬事は彼に倚りて彼を以て彼の為に在り、光榮世々彼に歸す、アメン。 (aiōn g165)
Nokuti zvose zvinobva kwaari uye zviripo kubudikidza naye uye zvose ndezvake. Ngaave nokubwinya nokusingaperi! Ameni. (aiōn g165)

< ローマ人への手紙 11 >