< ヨハネの黙示録 9 >

1 第五の天使喇叭を吹きしに、我一の星の天より地に落ちたるを見たり。然て彼は底なき淵の穴の鍵を授けられ、 (Abyssos g12)
Mutumwa wechishanu akaridza hwamanda yake, ndikaona nyeredzi yakanga yawira panyika ichibva kudenga. Nyeredzi yakapiwa kiyi yegomba rakadzika zvisina mugumo. (Abyssos g12)
2 淵の穴を開きしかば、大いなる炉の烟の如き烟穴より立昇りて、日も空も穴の烟の為に暗まされたり。 (Abyssos g12)
Akati azarura gomba rakadzika zvisina mugumo, utsi hwakabuda mariri soutsi hunobva muvira guru romoto. Zuva nomwedzi zvakasvibiswa noutsi hwaibva mugomba rakadzika zvisina mugumo. (Abyssos g12)
3 又穴の烟より蝗地上に出でて、地の蠍の如き力を授けられ、
Uye muutsi makabuda mhashu dzikauya panyika uye dzikapiwa simba rakaita serezvinyavada zvenyika.
4 地の草、凡ての青物、及び如何なる樹木をも害する事なく、唯己が額に神の印を有せざる人々をのみ害すべき事を命ぜられたり。
Dzakaudzwa kuti dzirege kuparadza uswa hwenyika kana zvirimwa, kana miti ipi zvayo, asi vanhu vaya chete vakanga vasina chisimbiso chaMwari pahuma dzavo.
5 但之を殺す事なく、五箇月の間苦しむる力を授けられ、其苦は蠍の人を刺したる時の苦に等し。
Hadzina kupiwa simba rokuvauraya, asi kungovarwadzisa chete kwemwedzi mishanu. Uye kurwadziwa kwavo kwakanga kwakaita sokworumborera rwechinyavada pachinoruma munhu.
6 此時人々死を求めて而も之に遇はず死を望みて而も死は彼等を遠ざかるべし。
Mumazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangaruwani; vachashuva kufa asi kufa kuchavanzvenga.
7 彼蝗の状は戰に備へたる馬に似て、頭には金に似たる冠の如きものあり、顔は人の顔の如く、
Mhashu dzakanga dzakaita samabhiza agadzirirwa kundorwa. Pamisoro yadzo dzakanga dzakapfeka zvinhu zvinenge korona yegoridhe, uye zviso zvadzo zvakaita sezvavanhu.
8 女の髪毛の如き毛ありて、歯は獅子の歯に等しく、
Bvudzi radzo rakanga rakaita sebvudzi romukadzi, uye meno adzo akanga akaita semeno eshumba.
9 鉄の鎧の如き鎧ありて、翼の音は多くの馬に曳かれて戰場に走る車の音の如く、
Dzakanga dzine zvidzitiro zvechipfuva zvakaita sezvidzitiro zvesimbi, uye mubvumo wamapapiro wakanga wakaita sokutinhira kwengoro namabhiza mazhinji ari kumhanyira kundorwa.
10 尚蠍の如き尾ありて、其尾に刺あり、其力は五箇月の間人を害すべし。
Dzakanga dzine miswe norumborera sorwezvinyavada, uye mumiswe yadzo dzakanga dzine simba rokurwadzisa vanhu kwemwedzi mishanu.
11 此蝗を司る王は底なき淵の使にして、名はヘブレオ語にてアバッドン、ギリシア語にてアポルリオンと云ひ、ラテン語[の意味]は破壊者なり。 (Abyssos g12)
Dzakanga dzino mutumwa wegomba rakadzika zvisina mugumo, samambo wadzo, zita rake muchiHebheru ndiAbhadhoni, uye muchiGiriki, ndiAporioni. (Abyssos g12)
12 一の禍過ぎて尚二の禍來らんとす。
Nhamo yokutanga yapfuura; dzimwe nhamo mbiri dziri kutevera.
13 第六の天使喇叭を吹きしかば我聞きたるに、神の御目前なる金の香台の四隅より一の聲出で、
Mutumwa wechitanhatu akaridza hwamanda yake, ndikanzwa inzwi richibuda munyanga dzearitari yegoridhe iri pamberi paMwari.
14 喇叭を持てる第六の天使に謂ひけるは、ユウフラテの大河の辺に繋がれたる四の天使を免せ、と、
Rakati kumutumwa wechitanhatu akanga ane hwamanda, “Sunungura vatumwa vana, vakasungwa parwizi rukuru Yufuratesi.”
15 斯て年月日時を期して人間の三分の一を殺さんと構へたる、四の天使免されたり。
Uye vatumwa vana vakanga vakagadzirirwa zveawa yacho iyoyo, zuva iroro, mwedzi iwoyo, negore iroro, vakasunungurwa kuti vauraye chikamu chimwe chete muzvitatu chamarudzi avanhu.
16 騎兵の數は二億にして我其數を聞けり。
Kuwanda kwavarwi vamabhiza kwaiva mamiriyoni mazana maviri. Ndakanzwa kuwanda kwavo.
17 然て我幻影に其馬を見しが、之に乗れる者は緋色、紫色、硫黄色の鎧を着け、馬の頭は獅子の頭の如くにして、其口より火と烟と硫黄と出で、
Mabhiza navatasvi vandakaona muchiratidzo changu vakanga vakadai: Zvidzitiro zvavo zvechipfuva zvakanga zviri zvitsvuku, nezvitema, uye zviri yero sesafuri. Misoro yamabhiza yakanga yakafanana nemisoro yeshumba, uye mumuromo mazvo maibuda moto, noutsi nesafuri.
18 此三の禍、即ち其口より出づる火と烟と硫黄との為に人間の三分の一殺されたり。
Chikamu chimwe chete muzvitatu chamarudzi avanhu chakaurayiwa namatambudziko matatu omoto, utsi nesafuri zvakabuda mumiromo yawo.
19 其馬の力は口と尾とに在り、其尾は蛇の如くにして頭を備へ、之を以て害を加ふるなり。
Simba ramabhiza rakanga riri mumiromo yawo nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakanga yakaita senyoka, ine misoro yaayiruma nayo.
20 是等の禍によりて殺されざりし人々は、尚其手の業より改心せずして惡鬼等を拝し、見聞き歩む事を得ざる金、銀、銅、木、石の偶像を拝する事を歇めず、
Vakasara vavanhu vasina kuurayiwa namatambudziko aya havana kutendeuka pabasa ramaoko avo; havana kurega kunamata madhimoni, nokunamata zvifananidzo zvegoridhe, sirivha, nendarira, matombo namatanda, zvifananidzo zvisingagoni kuona, kunzwa kana kufamba.
21 其殺人、其害毒、其私通、其窃取の罪よりも改心せざりき。
Uye havana kutendeuka muumhondi hwavo, pauroyi hwavo, napaupombwe hwavo, kana kuba kwavo.

< ヨハネの黙示録 9 >