< ヨハネの黙示録 16 >

1 我又大いなる聲の[聖]殿より出でて、七の天使に斯く言へるを聞けり、汝等往きて神の御怒の七の器[の物]を地上に注げ、と。
Ipapo ndakanzwa inzwi guru richibva mutemberi richiti: kuvatumwa vanomwe, “Endai, mundodurura ndiro nomwe dzehasha dzaMwari panyika.”
2 斯て第一の天使、往きて其器[の物]を地上に注ぎしかば、獣の印章を有せる人々、及び其像を拝したる人々の身に、惡性の甚しき腫物生じたり。
Mutumwa wokutanga akaenda akandodurura ndiro yake panyika, maronda akaipa, anorwadza akabuda muvanhu vakanga vano mucherechedzo wechikara uye vachinamata mufananidzo wacho.
3 第二の天使其器[の物]を海上に注ぎしかば、死人の血の如くに成りて、海に在る活物悉く死せり。
Mutumwa wechipiri akadurura ndiro yake pagungwa, rikashanduka rikava ropa seromunhu akafa, uye zvipenyu zvose zvomugungwa zvikafa.
4 第三の天使其器[の物]を川及び水の源に注ぎしかば、變じて血と成れり。
Mutumwa wechitatu akadurura ndiro yake panzizi nomumatsime emvura, zvikava ropa.
5 斯て我水を司る天使の斯く言へるを聞けり、現に在し、又曾て在しし主よ、汝は正義にて在す、斯の如く審判し給へるものよ、汝は聖にて在す、
Ipapo ndakanzwa mutumwa aichengeta mvura achiti: “Imi makarurama mukutonga uku, imi muripo uye makanga muripo, Mutsvene Oga, nokuti makatonga saizvozvo;
6 蓋人々は汝の諸聖人、諸預言者の血を注ぎたれば、汝彼等に血を與へて飲ましめ給へり、彼等は之に値する者なればなり、と。
nokuti vakateura ropa ravatsvene venyu navaprofita, uye mavapa ropa kuti vanwe sezvavakafanirwa nazvo.”
7 又別の天使の祭壇より斯く言へるを聞けり、然り、全能の神にて在す主よ、眞實にして正義なる哉汝の審判、と。
Uye ndakanzwa aritari ichipindura ichiti: “Hongu, Ishe Mwari Wamasimba Ose kutonga kwenyu kwakarurama uye ndokwechokwadi.”
8 第四の天使其器[の物]を太陽に注ぎしかば、激しき暑を以て人々を焼き悩ます事を許され、
Mutumwa wechina akadurura ndiro yake pazuva, zuva rikapiwa simba rokupisa vanhu nomoto.
9 人々激しき暑の為に焼かれて、斯る禍の上に権力を有し給へる神の御名を罵り、且改心せずして、光榮を神に歸し奉らざりき。
Vakapiswa nokupisa kukuru vakatuka zita raMwari, iye akanga ane simba pamusoro pamatambudziko aya, asi vakaramba kutendeuka kuti vamukudze.
10 第五の天使其器[の物]を彼獣の座の上に注ぎしかば、獣の國暗黒と成りて、人々苦の餘りに己が舌を噛み、
Mutumwa wechishanu akadurura ndiro yake pamusoro pechigaro choushe chechikara, umambo hwacho hukakandwa murima. Vanhu vakatsenga rurimi mukurwadziwa
11 其苦と禍との為に天の神を罵り、己が業より改心せざりき。
vakatuka Mwari wokudenga nokuda kwokurwadziwa kwavo namaronda avo, asi vakaramba kutendeuka pane zvavakanga vaita.
12 第六の天使其器[の物]をユウフラテの大河の上に注ぎしかば、其水を涸らして、東方の諸國王の為に道を備へたり。
Mutumwa wechitanhatu akadurura ndiro yake parwizi rukuru Yufuratesi, mvura yarwo ikapwa kuti nzira yamadzimambo okumabvazuva ivepo.
13 又見たるに、龍の口と獣の口と僞預言者の口とより、蛙の如き三の穢らはしき霊出でたり。
Ipapo ndakaona mweya yakaipa mitatu yakanga yakaita samatafi; yakabuda mumuromo meshato, mumuromo mechikara nomumuromo momuprofita wenhema.
14 是徴を為せる惡魔の霊にして、全世界の國王の許に至り、全能の神の大いなる日の戰の為に彼等を集めんとす。
Iyi ndiyo mweya yamadhimoni inoita zvishamiso nezviratidzo, uye inobuda ichienda kumadzimambo enyika yose, kundovaunganidza kuti vandorwa pazuva guru raMwari Wamasimba Ose.
15 看よ、我は盗人の如くにして來る、警戒して、裸に歩まず、恥を見られざらん為に、己が衣を保てる人は福なり。
“Tarirai ndinouya sembavha? Akaropafadzwa uyo anogara akasvinura uye anochengeta nguo dzake, kuti arege kufamba akashama achinyadziswa nokusapfeka nguo.”
16 彼霊ヘブレヲ語にてアルマゲドンと云へる處に諸國王を集むべし。
Ipapo vakaunganidza madzimambo pamwe chete panzvimbo inonzi nechiHebheru Arimagedhoni.
17 第七の天使其器[の物]を空中に注ぎしかば、大いなる聲[聖]殿より而も玉座より出でて言ひけるは、事既に成れり、と。
Mutumwa wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga, mutemberi mukabuda inzwi guru richibva pachigaro choushe, richiti, “Zvaitwa!”
18 斯て電光と聲と雷と大地震と起りしが、此地震は人の地上に在りし以來曾て有らざりし程に大いなりき。
Ipapo kwakava nokupenya kwemheni, maungira okutinhira mabhananʼana, maungira okutinhira, nokudengenyeka kwenyika kukuru. Hakuna kumbova nokudengenyeka kwenyika kwakadaro kubva pakutanga kwavanhu kugara panyika; kwaiva kudengenyeka kukuru kwazvo.
19 然て大都會三に裂かれ、異邦人の諸都會倒れて、大いなるバビロネは神の御前に憶出でられ、激しき御怒の酒を盛りたる杯を飲ましめられんとし、
Guta guru rakatsemuka rikaita mapandi matatu uye maguta endudzi akakoromoka. Mwari akarangarira Bhabhironi guta guru akaripa mukombe uzere newaini yokutsamwa kwehasha dzake.
20 島悉く去りて山も見えず成り、
Zvitsuwa zvose zvakatiza uye makomo haana kugona kuwanikwa.
21 タレント程の大さなる雹天より人に降懸りしかば、人々雹の禍の為に神を罵れり、是其禍甚だしく大いなればなり。
Kudenga kwakabva chimvuramabwe chikuru chaiva neibwe rairema tarenda uye ibwe rimwe nerimwe rakawira pavanhu. Uye vakatuka Mwari nokuda kwedambudziko rechimvuramabwe, nokuti dambudziko iri rakanga rakaipa kwazvo.

< ヨハネの黙示録 16 >