< マタイの福音書 22 >

1 イエズス答へて、又喩を以て語り曰ひけるは、
Jesu akataurazve kwavari nemifananidzo achiti,
2 天國は恰其子の為に婚筵を開ける王の如し。
“Umambo hwokudenga hwakafanana namambo akagadzirira mwanakomana wake mutambo wesvitsa.
3 彼婚筵に招きたる人々を召ばんとて、僕等を遣はしたるに、彼等肯て來らざれば、
Akatuma varanda vake kuna avo vainge vakakokwa kumutambo kuti vachiuya, asi vakaramba kuuya.
4 復他の僕等を遣はすとて云ひけるは、招きたる人々に告げて、看よ我既に我が饗筵の準備を為せり、我牛と肥たる畜と、屠られて悉く具はれり、婚筵に臨まれよ、と云へ、と。
“Ipapo akatumazve vamwe varanda achiti, ‘Taurirai vose vakakokwa kuti ndagadzirira mabiko: Ndabaya nzombe nemombe dzakakodzwa uye zvose zvagadzirirwa. Uyai kumutambo wesvitsa.’
5 然れども彼等之を顧みず、一人は己が作家に、一人は己が商売に往き、
“Asi hapana akateerera uye vakaenda mumwe kumunda wake, mumwewo kune rimwe basa rake.
6 其他は僕等を捕へ甚く辱めて殺ししかば、
Vamwe vavo vakabata varanda vake vakavaitira zvakaipa uye vakavauraya.
7 王之を聞きて怒り、軍勢を遣はして彼殺人等を亡ぼし、其街を焼払へり。
Mambo akatsamwa kwazvo. Akatuma hondo yake kundoparadza vaurayi vaya uye akapisa guta ravo.
8 時に王其僕等に云ひけるは、婚筵既に備はりたれども、招かれし人々は[客となるに]堪へざりし故、
“Ipapo akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wesvitsa wagadzirirwa asi vaya vandakakoka vakanga vasingakodzeri kuti vauye.
9 衢に往きて総て遇ふ人を婚筵に招け、と。
Endai kumharadzano dzenzira mundokoka kumutambo ani zvake wamuchawana.’
10 僕等途々に出でて、遇ふ人を善きも惡きも悉く集めしかば、客は婚筵の場に満ちたり。
Saka varanda vakaenda mumigwagwa vakandokokorodza vose vavakagona kuwana, vose vakanaka nevakaipa, uye imba yesvitsa ikazara navakanga vakokwa.
11 王客を見んとて入來り、一人婚禮の服を着けざる者あるを見て是に向ひ、
“Asi mambo akati apinda kuzoona vakanga vakokwa, akaona munhu imomo akanga asina nguo yesvitsa.
12 友よ、如何ぞ婚禮の服を着けずして、此處に入りしや、と云ひけるに、彼黙然たりき。
Akamubvunza akati, ‘Shamwari, wapinda seiko muno usina nguo yesvitsa?’ Munhu uya akashaya chokureva.
13 王遂に給仕等に云ひけるは、彼の手足を縛りて之を外の暗に投出だせ、其處には痛哭と切歯とあらん、と。
“Ipapo mambo akaudza varanda vake akati, ‘Musungei maoko namakumbo mumukande panze, murima, umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno.’
14 夫召されたる人は多けれども、選まるる人は少し、と。
“Nokuti vazhinji vakakokwa asi vakasarudzwa vashoma.”
15 此時ファリザイ人等出でて、イエズスの詞後を捉へんと相謀り、
Ipapo vaFarisi vakabuda vakandoronga kuti vamubate namashoko ake.
16 己が弟子等をヘロデの党と共に遣はして、云はせけるは、師よ、汝が眞實にして、眞理によりて神の道を教へ、且人に依怙贔屓せざるを以て誰にも憚らざるは、我等の知れる所なり。
Vakatuma vadzidzi vavo kwaari pamwe chete navaHerodhi. Vakati, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu akarurama uye kuti munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nechokwadi. Hamutsauswi navanhu nokuti hamutarisi kuti ndivanaani.
17 然ればセザルに貢を納むるは可や否や、思ふ所を我等に告げよ、と。
Tiudzei zvino kuti imi, munoti kudini? Zvakanaka here kutera mutero kuna Kesari kana kuti hazvina?”
18 イエズス彼等の狡猾を知りて曰ひけるは、僞善者よ、何ぞ我を試むる。
Asi Jesu, achiziva kuipa kwavo, akati, “Imi vanyengeri munondiedzereiko?
19 貢の貨を我に見せよ、と。彼等デナリオを差出だしたるに、
Ndiratidzei mari inoshandiswa pakutera mutero.” Vakamuvigira dhenari
20 イエズス曰ひけるは、此像と銘とは誰のなるか、と。
uye akavabvunza akati, “Ko, mufananidzo uyu ndowaani uye runyoro urwu ndorwaani?”
21 彼等セザルのなりと云ふ。時にイエズス曰ひけるは、然らばセザルの物はセザルに歸し、神の物は神に歸せ、と。
Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.” Ipapo akati kwavari, “Ipai kuna Kesari zvaKesari, uye kuna Mwari zvaMwari.”
22 彼等聞きて感嘆し、イエズスを離れて去れり。
Vakati vanzwa izvi, vakashamiswa. Saka vakamusiya vakaenda.
23 復活なしと主張せるサドカイ人等、此日イエズスに近づき、問ひて、
Pazuva rimwe chetero vaSadhusi, avo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya kwaari nomubvunzo.
24 云ひけるは、師よ、モイゼ曰く、「人若子なくして死なば、其兄弟彼が妻を娶りて、兄弟の為に子を挙ぐべし」と、
Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatiudza kuti murume akafa asina vana mununʼuna wake anofanira kuwana chirikadzi agomuberekera vana.
25 然るに我等の中七人の兄弟ありしに、兄妻を娶りて死し、子なかりしかば、其妻を弟に遺ししが、
Zvino pakati pedu paiva navanakomana vomunhu mumwe vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi ndokubva iye afa, uye sezvo akanga asina vana, akasiyira mununʼuna wake mukadzi.
26 其第二第三より第七まで同じ様にして、
Zvimwe chetezvo zvakaitika kuno wechipiri nowechitatu kusvikira kuno wechinomwe.
27 最後に婦も亦死せり。
Pakupedzisira mukadzi akazofawo.
28 然れば復活の時に當りて、此婦は七人の中誰の妻たるべきか、其は皆彼を娶りたればなり。
Zvino pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waaniko pavanomwe vaya sezvo vose vaiva varume vake?”
29 イエズス答へて曰ひけるは、汝等聖書をも神の力をも知らずして誤れり。
Jesu akavapindura akati, “Ndipo pamunorasika ipapo nokuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari.
30 復活の時、人は娶らず嫁がず、天に於る神の使等の如くならん。
Pakumuka kwavakafa vanhu havawani kana kuwanikwa, vachange vakaita savatumwa kudenga.
31 死人の復活に就きては、汝等神より云はれし所を読まざりしか。
Asi pane zvokumuka kwavakafa, hamuna kuverenga here zvakarehwa naMwari kwamuri, achiti,
32 即汝等に曰はく、「我はアブラハムの神、イザアクの神、ヤコブの神なり」と。死者の神には非ず、生者の[神]にて在す、と。
‘Ndini Mwari waAbhurahama naMwari waIsaka naMwari waJakobho’? Haasi Mwari wavakafa asi wavapenyu.”
33 群衆之を聞きて、其教を感嘆せり。
Vanhu vazhinji vakati vanzwa izvi, vakashamiswa nokudzidzisa kwake.
34 然てファリザイ人等、イエズスがサドカイ人を閉口せしめ給ひしを聞きて相集まりしが、
Vanzwa kuti Jesu akanga akunda vaSadhusi, vaFarisi vakaungana pamwe chete.
35 中に一人の律法學士イエズスを試みて問ひけるは、
Mumwe wavo aiva nyanzvi pane zvemirayiro akamuedza nomubvunzo achiti,
36 師よ律法に於て大なる掟は何れぞや。
“Mudzidzisi, ndoupi murayiro mukuru muMurayiro?”
37 イエズス曰ひけるは、「汝、心を盡し、霊を盡し、意を盡して汝の神にて在す主を愛すべし」、
Jesu akapindura akati, “‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose nokufunga kwako kwose.’
38 是最大なる第一の掟なり。
Uyu ndiwo murayiro mukuru uye wokutanga.
39 第二も亦是に似たり、「汝の近き者を己の如く愛すべし」。
Wechipiri wakafanana nawo unoti, ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’
40 凡ての律法と預言者とは此二の掟に據るなり。
Murayiro wose naVaprofita zvakabatanidzwa pamirayiro iyi miviri.”
41 ファリザイ人の集れるに、イエズス問ひて、
VaFarisi pavakanga vachakaungana pamwe chete, Jesu akavabvunza akati,
42 曰ひけるは、汝等キリストに就きて如何に思ふぞ、誰の子なるか、と。彼等、ダヴィドの子なり、と云ひければ、
“Munofungei nezvaKristu? Mwana waani?” Vakapindura vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi.”
43 イエズス曰ひけるは、然らばダヴィド[聖]霊によりて彼を主と稱ふるは如何、
Akati kwavari, “Ko, zvino sei Dhavhidhi achitaura noMweya akamuti, ‘Ishe’? Nokuti anoti,
44 曰く「主我主に曰へらく、我汝の敵を汝の足台と為すまで、我右に坐せよ」と、
“‘Ishe akati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.’
45 然ればダヴィド彼を主と稱ふるに、彼爭でか其子ならんや、と。
Zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Ishe’ angagova mwanakomana wake sei?”
46 皆誰一言もイエズスに答ふること能はず、此日より復敢て問ふ者なかりき。
Hapana akagona kutaura shoko rimwe, uye kubva pazuva iroro zvichienda mberi hapana akazoshinga kumubvunza mimwezve mibvunzo.

< マタイの福音書 22 >