< マルコの福音書 7 >

1 ファリザイ人及數人の律法學士エルザレムより來りて、イエズスの許に集まりしが、
VaFarisi navamwe vavadzidzisi vomurayiro vakanga vauya kuJerusarema vakaungana pana Jesu
2 弟子の中なる數人の、常の手即ち洗はざる手にて麪を食するを見て、之を咎めたり。
vakaona vamwe vavadzidzi vake vachidya zvokudya namaoko akanga ane “tsvina,” ndiko kuti, asina kushambwa.
3 是ファリザイ人及凡てのユデア人は、古人の傳を守りて、屡手を洗はざれば食せず、
VaFarisi navaJudha vose havadyi kunze kwokunge vamboshamba maoko avo, vachichengeta tsika dzavakuru.
4 又市より來る時は、身を洗はざれば食せず、其外杯、土器、銅器、牀の洗清め等、守るべき事多く傳へられたればなり。
Pavanenge vadzoka kumusika, havadyi kunze kwokunge vashamba. Uye vanocherechedza dzimwe tsika zhinji, dzakadai sokushambidza mikombe, matende, nemidziyo yokuvirisa mvura.
5 ファリザイ人、律法學士等イエズスに問ひけるは、汝の弟子等は何ぞ古人の傳に從ひて歩まず、常の手にて麪を食するや。
Saka vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakabvunza Jesu vakati, “Seiko vadzidzi venyu vachirega kurarama zviri maererano netsika dzavakuru, zvavanodya zvokudya zvavo ‘namaoko ane tsvina’?”
6 答へて曰ひけるは、善哉イザヤが僞善なる汝等に就きて預言したる事、録して「此民は唇にて我を尊べども、其心は我に遠ざかれり。
Akapindura akati, “Isaya akataura zvakanaka paakaprofita pamusoro penyu imi vanyengeri; sezvazvakanyorwa zvichinzi: “‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni.
7 人の訓戒を教へて、空しく我を尊ぶなり」とあるに違はず。
Vanondinamata pasina; dzidziso dzavo dzinongova mirayiro inodzidziswa navanhu.’
8 即汝等は神の掟を棄てて人の傳を守り、土器、杯等の洗清め、又然る類の事を多く行ふなり、と。
Makasiya mirayiro yaMwari mukachengetedza tsika dzavanhu.”
9 又彼等に曰ひけるは、汝等は己が傳を守らんとて、能くも神の掟を廃せるよ。
Uye akati kwavari, “Mune nzira chaiyo yokuisa parutivi nayo mirayiro yaMwari kuitira kuti mucherechedze tsika dzenyuwo!
10 即モイゼ曰く、「汝の父母を敬へ」と、又曰く「父若くは母を詛う人は死すべし」と。
Nokuti Mozisi akati, ‘Kudza baba vako namai vako,’ uye ‘Munhu upi zvake achatuka baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.’
11 然るを汝等は云ふ、人もし父若くは母に向ひて、総て我よりするコルバン、即献物は、汝に益とならんと云はば足れり、と。
Asi imi munoti, kana munhu akati kuna baba kana mai vake, ‘Rubatsiro rupi zvarwo rwamungadaro makagamuchira kubva kwandiri iKobhani’ (ndiko kuti, chipo chakapirwa kuna Mwari),
12 而して其外は何事をも父若くは母に為すを容さず。
ipapo hamuchamuregi achiitira baba kana mai vake chinhu chipi zvacho.
13 斯く己の傳へし傳によりて神の言を廃し、又然る類の事を多く行ふなり、と。
Nokudaro munoparadza shoko raMwari nokuda kwetsika dzenyu dzamakachengeta kusvika zvino. Uye munoita zvinhu zvizhinji zvakadaro.”
14 イエズス再群衆を呼集めて、曰ひけるは、皆我に聞きて暁れ。
Jesu akadanazve kwaari vanhu vazhinji akati kwavari, “Nditeererei, imi mose, uye munzwisise izvi.
15 外より人に入る物は、何物も人を汚す能はず、人より出づる物こそ人を汚すなれ。
Hakuna chinhu chinobva kunze ‘chinosvibisa’ munhu nokupinda maari. Asi icho chinobuda mumunhu ndicho chinoita kuti ‘asvibe.’
16 聞く耳を有てる人は聞け、と。
Kana munhu ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
17 然てイエズス、群衆を離れて家に入り給ひしに、弟子等此喩の事を問ひければ、
Zvino akati abva pavanhu vazhinji uye apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza pamusoro pomufananidzo uyu.
18 彼等に曰ひけるは、汝等も然までに無智なるか。総て外より人に入る物は、之を汚す能はざることを暁らざるか。
Akati, “Hamunzwisisi seiko? Hamuoni kuti hakuna chinhu chinopinda mumunhu chichibva kunze chinogona ‘kumusvibisa’?
19 是其心に入るに非ずして、腹に下り、総て食物を浄めて厠に出づればなり、と。
Nokuti hazvipindi mumwoyo make asi mudumbu make, uyezve zvichizobuda mumuviri wake.” Nokutaura uku, Jesu akati zvokudya zvose zvakanaka.
20 又曰ひけるは、人より出づる物こそ人を汚すなれ。
Akaenderera mberi achiti, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomusvibisa.
21 即人の心の内より出づるは、惡念姦淫私通殺人
Nokuti kubva mukati, kubva mumwoyo yavanhu ndimo munobuda mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve,
22 偸盗貪婪狡猾詐僞猥褻惡視冒涜傲慢愚痴にして、
ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo, kureva, manyawi noupenzi.
23 是等一切の惡事は、内より出でて人を汚すなり、と。
Zvakaipa izvozvi zvose zvinobuda kubva mukati uye ‘zvinosvibisa munhu.’”
24 イエズス此處を去りて、チロとシドンとの地方に行き、家に入りて、誰をも見ざらん事を欲し給ひたれど、得隠れ給はざりき。
Jesu akabva panzvimbo iyo akaenda pedyo neTire. Akapinda mumba akasada kuzivikanwa nomunhu; asi akanga asingagoni kuzvivanza.
25 即ち汚鬼に憑かれたる女を持てる一人の婦、イエズスの事を聞くと等しく入來りて、足下に平伏せり。
Zvakaitika ndezvokuti, paakangonzwa nezvake, mukadzi aiva nomwanasikana akanga akabatwa nomweya wetsvina akauya akawira patsoka dzake.
26 此婦はシロフェニシアに生まれたる異邦人にして、我女より惡魔を逐払ひ給はん事を願ひ出でけるに、
Mukadzi uyu aiva muGiriki, akaberekerwa muFonishia yomuSiria. Akakumbirisa Jesu kuti adzinge dhimoni mumwanasikana wake.
27 イエズス曰ひけるは、先兒等をして飽足らしめよ。兒等の麪を取りて犬に投與ふるは善き事に非ず、と。
Jesu akati kwaari, “Vana vanofanira kutanga kudya zvavanoda, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana uchichikandira kumbwa dzavo.”
28 婦答へて、主よ、然り、然れど狗兒も、食卓の下に、兒等の遺片を食ふなり、と云ひしに、
Iye akapindura akati, “Hongu Ishe, asi kunyange imbwa dziri pasi petafura dzinodya zvimedu zvezvokudya zvavana wani.”
29 イエズス曰ひけるは、此言によりて往け、惡魔汝の女より出でたり、と。
Ipapo akati kwaari, “Nokuda kwemhinduro yakadai, enda hako; dhimoni rabva pamwanasikana wako.”
30 婦家に歸りて見れば、女は牀に横はりて、惡魔は既に立去りたりき。
Akadzokera kumba kwake akawana mwana wake avete pamubhedha, uye dhimoni raenda.
31 イエズス又チロの地方を出で、シドンを経てデカポリ地方の中央を過り、ガリレアの湖に至り給ひしに、
Ipapo Jesu akabva kunzvimbo yeTire akaenda nokuSidhoni, akaburukira kuGungwa reGarirea uye nokudunhu reDhekapori.
32 人々唖にして聾なる者をイエズスに連れ來り、是に按手し給はん事を願ひければ、
Ikoko vamwe vanhu vakauya kwaari nomurume akanga ari matsi uye asingagoni kunyatsotaura, uye vakamukumbira kwazvo kuti aise ruoko rwake pamusoro pomurume uyu.
33 イエズス之を群衆の中より呼取りて、指を其耳に入れ、唾して其舌に触れ、
Akati aenda naye parutivi, kure noruzhinji, Jesu akaisa minwe yake munzeve dzake. Ipapo akapfira mate akabata rurimi rwomurume uya.
34 天を仰ぎて歎じ、エフフェタ、と曰へり、即開けよの義なり。
Akatarisa kudenga uye nokugomera kukuru akati kwaari, “Efata!” (kureva kuti, “Dziuka!”)
35 忽にして其耳開け、舌の縺解けて言ふこと正しかりき。
Pakarepo, nzeve dzomurume uya dzakadziuka, rurimi rwake rukasunungurwa uye akatanga kutaura zvakanaka.
36 イエズス之を人に語る事を彼等に戒め給ひしかど、戒め給ふほど、人は益言弘め、
Jesu akavarayira kuti varege kutaurira kana munhu. Asi paakanyanya kuita izvozvo, ndipo pavakanyanya kutaura nezvazvo.
37 益感嘆して、善くこそ何事をも為し給ひつれ、聾を聞えしめ、唖を言はしめ給へり、と云ひ居たり。
Vanhu vakashamiswa zvikuru kwazvo. Vakati, “Akaita zvinhu zvose nenzira yakanaka. Anoita kuti kunyange matsi dzinzwe uye nembeveve dzitaure.”

< マルコの福音書 7 >