< マルコの福音書 4 >

1 然て再び湖辺にて教へ始め給ひしが、群衆夥しく其許に集りしかば、イエズスは湖に泛べる船に乗りて座し給ひ、群衆は、皆岸に沿ひて陸に居れり。
Jesu akatanga kudzidzisazve ari pagungwa. Vanhu vakanga vakaungana vakamukomberedza vari vazhinji zhinji zvokuti akabva apinda mugwa akagara mariri ari mugungwa, asi vanhu vose vari kumahombekombe.
2 斯て喩を以て多くの事を教へ給ひしが、其教の中に曰ひけるは、
Akavadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo, uye mukudzidzisa kwake akati,
3 汝等聴け。種播く者播かんとて出でしが、
“Teererai! Murimi akabuda kundokusha mbeu yake.
4 播く時、或種は路傍に落ちしかば、空の鳥來りて之を啄めり。
Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, uye shiri dzakasvika dzikadzidya.
5 或種は土少き磽地に落ちしに、土の深からざるによりて直に萌出でたれども、
Dzimwe dzakawira murukangarabwe, madzisina kuwana ivhu rakawanda. Dzakakurumidza kumera, nokuti ivhu rakanga riri shoma.
6 日出づるや灼けて、根なきが故に枯れたり。
Asi zuva rakati rabuda, mbeu dzakapiswa nezuva, uye dzikaoma nokuti dzakanga dzisina midzi.
7 或種は茨の中に落ちしに、茨長ちて之を蔽塞ぎたれば、果を結ばざりき。
Dzimwe dzakawira pakati peminzwa, minzwa ikakura ikavhunga mbeu, nokudaro hadzina kubereka zvibereko.
8 或種は沃壌に落ちしかば、穂出でて實り立ち、一は三十倍、一は六十倍、一は百倍を生じたり。
Uye dzimwe dzakawira pavhu rakanaka. Dzakamera dzikakura uye dzikabereka kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu, kana kunyange zana.”
9 又曰ひけるは、聞く耳を有てる人は聞け、と。
Ipapo Jesu akati, “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
10 イエズス獨居給ふ時、共に在りし十二人、此喩を問ひしかば、
Paakanga ava oga, vane gumi navaviri uye navamwe vakanga vakamukomberedza vakamubvunza pamusoro pomufananidzo uyu.
11 彼等に曰ひけるは、汝等は神の國の奥義を知る事を賜はりたれど、外の人は何事も喩を以てせらる、
Akati kwavari, “Chakavanzika choumambo hwaMwari chakapiwa kwamuri. Asi kuna avo vari kunze, zvinhu zvose zvinotaurwa nemifananidzo
12 彼等は見て見ゆれども認らず、聞きて聞ゆれども暁らず、是立還りて其罪を赦さるる事なからん為なり。
kuitira kuti, “‘zvimwe vangaramba vachiona, asi varege kuonesesa; uye vachinzwa, asi varege kunzwisisa; kana kuti vangatendeuka uye vakaregererwa!’”
13 又彼等に曰ひけるは、汝等此喩を知らざるか、然らば如何にしてか、諸の喩を暁らん。
Ipapo Jesu akati kwavari, “Hamunzwisisi mufananidzo uyu here? Munganzwisisa seiko mufananidzo upi zvawo?
14 種捲く者は言を捲くなり、
Murimi anokusha shoko.
15 言捲かるる時路傍に落ちたるものは、人之を聞きたるにサタン忽來りて其心に捲かれたる言を奪ふものなり。
Vamwe vanhu vakaita setsanga yakawira munzira, munokushwa shoko. Pavanongorinzwa, Satani anouya otora shoko rakushwa mukati mavo.
16 磽地に捲かれたるものは、同じく言を聞き、直に喜びて之を受くれども、
Vamwe vakaita setsanga yakawira parukangarahwe, vanonzwa shoko uye nokukurumidza vorigamuchira nomufaro.
17 己に根なく、暫時のみにして、軈て言の為に、困難と迫害と起れば、忽躓くものなり。
Asi sezvo vasina midzi, vanongotsungirira kwenguva pfupi. Panongosvika nhamo kana kutambudzwa nokuda kweshoko, vanokurumidza kuwa.
18 又茨の中に撒かれたるものあり、是等は言を聞くと雖、
Uye vamwe, setsanga yakawira pakati peminzwa, vanonzwa shoko;
19 此世の心勞、富の惑、其他の諸欲入來りて、言を蔽塞ぎ、遂に實らざるに至る。 (aiōn g165)
asi kufunganya nezvoupenyu huno, kunyengera kwoupfumi uye zvishuvo zvezvimwe zvinhu zvinopinda zvigovhunga shoko, zvichirishayisa zvibereko. (aiōn g165)
20 沃壌に撒かれたるものは、言を聞きて之を受け、或いは三十倍或は六十倍或は百倍の果を結ぶものなり。
Vamwe vakaita setsanga yakawira pavhu rakanaka, vanonzwa shoko, vorigamuchira, uye vobereka zvibereko, kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu kana kunyange zana pane zvinenge zvakushwa.”
21 又彼等に曰ひけるは、燈を持來るは、枡の下或は寝台の下に置かん為なるか、燭台の上に載せん為に非ずや、
Akati kwavari, “Munouya nomwenje kuzouisa pasi pedengu here kana pasi pomubhedha? Handiti munouisa pachigadziko chawo here?
22 即何事も隠されて顕れざるはなく、密にせられて遂に公に出でざるはなし。
Nokuti hapana chakavigwa chisingazooneswi, uye hapana chakavanzika chisingazobudi pachena.
23 聞く耳を有てる人は聞け。
Munhu ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”
24 又彼等に曰ひけるは、汝等聞く所を慎め。汝等の量りたる量にて自らも量られ、而も更に加へられん、
Akaenderera mberi achiti, “Chenjererai kwazvo zvamunonzwa. Chiyero chamunoshandisa, ndicho chamuchayerwawo nacho kunyange zvakapfuurisa.
25 其は有てる人は尚與へられ、有たざる人は其有てる所をも奪はるべければなり。
Ani naani anazvo achapiwa zvimwe; ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanazvo.”
26 又曰ひけるは、神の國は、恰人が地に種を蒔くが如し。
Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakafanana nomunhu anokusha mbeu muvhu.
27 夜晝寝起して知らざる間に、其種萌出でて生長す、
Usiku namasikati, kunyange akavata kana akamuka, mbeu inomera igokura, kunyange zvazvo asingazivi kuti zvinoitika sei.
28 即地は自然に果を生じ、先苗、次に穂、次に穂に充てる麦を生じ、
Ivhu riri roga rinobereka zviyo, kutanga chipande, kwozoti hura, kwozoitawo tsanga dzakakora muhura.
29 既に實りて収穫の時至れば、直に鎌を入るるなり。
Panongoibva zviyo, anozvicheka nejeko, nokuti kukohwa kwasvika.”
30 又曰ひけるは、我等神の國を何に擬へ、如何なる譬を以て喩へんか。
Akatizve, “Umambo hwaMwari tingahufananidza neiko kana kuti tingaita mufananidzo upiko kuti tihutsanangure?
31 是一粒の芥種の如し。地に播かるる時は地上の有ゆる種よりも小けれども、
Hwakafanana netsanga yemasitadhi, inova tsanga duku duku yaunodyara muvhu.
32 播かれたる後は育ちて、長ちて萬の野菜より大きく、大いなる枝を生じて、空の鳥其蔭に栖むを得るに至る、と。
Asi kana yadyarwa, inokura igova muti mukuru kupfuura miti yose yomubindu, una matavi makuru zvokuti shiri dzedenga dzinogona kugara mumumvuri wawo.”
33 イエズスは、人々の聞き得るに應じて、斯る多くの喩を以て教を語り給ひ、
Nemimwe mifananidzo yakadai, Jesu akataura shoko kwavari, zvose sezvavaigona kunzwisisa.
34 喩なくして人に語り給ふ事あらざりしが、弟子等には何事をも、別に解釈し居給へり。
Haana kutaura chinhu chimwe kwavari asingashandisi mufananidzo. Asi paainge ari oga navadzidzi vake, aivatsanangurira zvose.
35 其日、暮に及びて、イエズス弟子等に、我等彼方の岸に渡らん、と曰ひしかば、
Zuva iroro ava madekwana, akati kuvadzidzi vake, “Ngatiyambukirei kuno rumwe rutivi.”
36 彼等は群衆を去らしめ、イエズスを船に居給へる儘に乗せ往き、他の船等も是に伴ひたりき。
Vakasiya vanhu vazhinji, vakaenda naye mugwa, sezvaakanga ari. Pakanga pane mamwewo magwa aaiva nawo.
37 時に大風起りて、浪は船に打入り、船中に満つるに至りしが、
Dutu rinotyisa rakauya, uye mafungu akarova igwa, zvokuti rakanga rava pedyo nokunyura.
38 イエズスは艫の方に枕して寝ね給へるを、弟子等呼起して云ひけるは、師よ、我等の亡ぶるを顧み給はざるか、と。
Jesu akanga ari mushure megwa, avete pamutsago. Vadzidzi vake vakamumutsa vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamuna hanya here kana tikanyura?”
39 イエズス起きて風を戒め、又海に向ひて、黙せよ、静まれ、と曰ひしかば、風息みて大凪となれり。
Akamuka, akarayira mhepo uye akati kumafungu, “Nyarara! Dzikama!” Ipapo mhepo yakapera uye kukadzikama zvikuru.
40 又彼等に曰ひけるは、汝等何故に怖るるぞ、未信仰を有たざるか、と。
Akati kuvadzidzi vake, “Munotyireiko zvakadai? Hamusati mava nokutenda here?”
41 彼等怖るる事甚しく、是は何人ぞや、風も湖もこれに從ふよ、と語合ひ居たり。
Vakatya uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”

< マルコの福音書 4 >