< マルコの福音書 16 >

1 安息日過ぎて後マグダレナ、マリアとヤコボの母マリアとサロメと往きて、イエズスに塗らんとて香料を買ひ、
Sabata rakati rapfuura, Maria Magadharena, Maria mai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuhwira kuti vagondozodza mutumbi waJesu.
2 一週の首の日に、朝早く出でて日既に昇れる頃墓に至り、
Mangwanani-ngwanani pazuva rokutanga revhiki, zuva risati rabuda, vakanga vapinda munzira,
3 誰か我等の為に墓の入口より石を転ばし退くべき、と互いに云ひ居りしが、
uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko achatikungurutsira ibwe pamukova weguva?”
4 目を翔げて見れば、石は既に取除きてあり、其は甚だ巨いなるものなりき。
Asi vakati vatarira, vakaona kuti ibwe rakanga rakungurutswa.
5 斯て墓に入るに及びて、右の方に白き衣服を着たる少年の坐せるを見て、驚怖れしかば、
Pavakapinda muguva, vakaona jaya rakapfeka nguo chena rakagara kuruoko rworudyi, uye vakavhunduka.
6 彼婦人達に云ひけるは、怖るること勿れ。汝等は十字架に釘けられ給ひしナザレトのイエズスを尋ぬれども、彼は復活し給ひて、此處には在さず。其置かれ給ひし處を見よ。
Iye akati, “Musavhunduka. Muri kutsvaka Jesu weNazareta, uya akarovererwa pamuchinjikwa. Amuka! Haapo pano. Tarisai pavakanga vamuisa.
7 但往きて、其弟子等とペテロとに至り、彼は汝等に先ちてガリレアに往き給ひ、曾て汝等に曰ひし如く、汝等彼處にて彼を見ん、と告げよ、と。
Asi chiendai mundoudza vadzidzi vake naPetro, kuti, ‘Afanotungamira kuGarirea. Muchandomuona ikoko sezvaakakuudzai.’”
8 婦人等怖れ戰きつつ墳より逃出でしが、恐怖の為に何事をも人に語らざりき。
Vachibvunda uye vachishamiswa, vakabuda vakatiza kubva muguva. Havana chavakataura kuno munhu, nokuti vakanga vachitya.
9 (note: The most reliable and earliest manuscripts do not include Mark 16:9-20.) 然てイエズスは一週の首の日の朝復活し給ひて、先マグダレナ、マリアに現れ給ひしが、是曾て七個の惡魔を其身より逐出されし婦なり。
(note: The most reliable and earliest manuscripts do not include Mark 16:9-20.) Jesu akati amuka mangwanani nezuva rokutanga revhiki, akatanga kuzviratidza kuna Maria Magadharena, uya waakanga abudisa kubva maari mweya yakaipa minomwe.
10 彼往きて、イエズスと偕に在りし人々の哀哭きつつあるに告げしかど、
Akaenda akandoudza vaya vaimbova naye, vakanga vachiungudza uye vachichema.
11 彼等之を聞きて、イエズスが活きて此婦に見え給ひし事を信ぜざりき。
Vakati vanzwa kuti Jesu akanga ari mupenyu, uye kuti Maria akanga amuona, havana kuzvitenda.
12 其後彼等の中の二人、田舎に往かんとして歩む途中、イエズス異なる姿にて現れ給ひしを、
Shure kwaizvozvo Jesu akaonekwazve neimwe nzira navaviri vavo pavakanga vachifamba kuruwa.
13 彼等往きて他の人々に告げしかど、亦之をも信ぜざりき。
Ava vakadzoka vakandozivisa vakasara; asi naivowo havana kuvatenda.
14 最後にイエズス、彼十一人の會食せるに現れ給ひ、己が復活し給へるを見たる人々の言を信ぜざりしを以て、彼等の不信仰と、心の頑固なる事を咎め給へり。
Mushure maizvozvo Jesu akazviratidza kuna vane gumi nomumwe pavakanga vachidya; akavatsiura pamusoro pokusatenda kwavo uye nokusindimara kwemwoyo yavo pakuramba kutenda vaya vakanga vamuona mushure mokumuka kwake.
15 斯て之に曰ひけるは、汝等、全世界に往きて、凡ての被造物に福音を宣べよ。
Akati kwavari, “Endai munyika yose muparidze vhangeri kuzvisikwa zvose.
16 信じ且洗せらるる人は救はれ、信ぜざる人は罪に定められん。
Ani naani anotenda uye akabhabhatidzwa achaponeswa, asi asingatendi achatongwa.
17 然て信ずる人々には是等の徴伴はん、即ち彼等は我名によりて惡魔を逐払ひ、新しき言語を話し、
Uye zviratidzo izvi zvichatevera vanotenda: Vachadzinga mweya yakaipa muzita rangu, vachataura nendimi itsva;
18 蛇を捕へ、死毒を飲むも身に害なく、病人に按手せば其病癒えん、と。
vachabata nyoka namaoko avo, uye kunyange vakanwa muchetura unouraya haungavakuvadzi napaduku; vachaisa maoko avo pamusoro pavarwere, uye vachapora.”
19 彼等に語り給ひて後、主イエズス天に上げられ給ひて、神の右に坐し給ふ。
Mushure mokunge Ishe Jesu ataura kwavari, akatorwa akakwidzwa kudenga uye akandogara kuruoko rworudyi rwaMwari.
20 弟子等は出立して、徧く教を宣べしが、主力を加へ給ひて、伴へる徴によりて言を證し給ひたりき。
Ipapo vadzidzi vakabuda vakandoparidza kwose kwose, uye Ishe akashanda navo, akasimbisa shoko rake nezviratidzo zvakatevera.

< マルコの福音書 16 >