< ユダの手紙 1 >

1 イエズス、キリストの僕にしてヤコボの兄弟なるユダ、父にて在す神に愛せられ、キリスト、イエズスの為に保たれ、且召され奉りたる人々に[書簡を贈る]。
Judha, muranda waJesu Kristu nomununʼuna waJakobho, kuna vaya vakadanwa, vanodikanwa naMwari Baba, vanochengetwa naJesu Kristu:
2 願はくは慈悲と平安と慈愛と汝等に加はらん事を。
Ngoni, rugare norudo ngazviwande kwamuri.
3 至愛なる者よ、我は我等が共同の救霊に就きて汝等に書贈らんことを切に望み、一度聖人等によりて傳へられし信仰の為に力を盡して戰はんことを勧めんとて、汝等に書贈るを必要とせり。
Shamwari dzinodikanwa, kunyange ndakanga ndichishingairira kuti ndinyore kwamuri pamusoro poruponeso rwatinogovana, ndakafunga kuti ndinofanira kunyora ndichikukurudzirai kuti murwire kutenda kwakapiwa vatsvene kamwe.
4 其は或人々、即ち昔より罪に處せるる様預定せられたる不敬虔なる人々の潜入りて、我神の恩寵を放蕩に易へ、唯一の主宰者にして我主にて在せるイエズス、キリストを否み奉ればなり。
Nokuti vamwe varume vane kutongwa kwavo kwakanyorwa nezvako kare, vakapinda muchivande pakati penyu. Ivo vanhu vasina umwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidzitora semvumo yokuita upombwe, uye vachiramba Jesu Kristu, Ishe naTenzi wedu mumwe oga.
5 本文 汝等素より何事をも知れりと雖も、爰に我汝等をして思出さしめんとする事あり。即ち主エジプトの地より民を救出し給ひて後、信ぜざりし人々を亡びし給ひ、
Kunyange maizviziva henyu kare, ndinoda kukuyeuchidzai kuti Ishe akasunungura vanhu vake kubva muIjipiti, asi pashure akaparadza vaya vakanga vasingatendi.
6 又己が位を保たず己が居處を棄てたりし天使等を、大いなる日の審判の為に、無窮の縲絏を以て暗黒の中に閉ぢ給ひ、 (aïdios g126)
Uye vatumwa vasina kuchengeta nzvimbo youkuru hwavo asi vakasiya musha wavo, ivava akavachengeta murima, vakasungwa nengetani dzokusingaperi vakamirira kutongwa pazuva guru. (aïdios g126)
7 又ソドマ、ゴモラ及び其付近の市町は、同じく淫亂に耽り、異なる肉身を冒したるが故に、永遠の火の刑罰を受けて見せしめと為られしなり。 (aiōnios g166)
Nenzira imwe cheteyo, Sodhomu neGomora uye namaguta akanga akapoteredza akazvipa kuupombwe nokutsauka, akava muenzaniso wavaya vari pakurangwa nomoto usingaperi. (aiōnios g166)
8 斯の如く彼夢想者等も亦肉身を汚し、権力を軽んじ、尊榮を罵る。
Nenzira imwe cheteyo, ava varoti vanosvibisa miviri yavo, vachiramba vakuru uye vachituka zvisikwa zvokudenga.
9 大天使ミカエルは、惡魔と論じてモイゼの屍を争ひし時に、敢て罵るが如き宣告を為さずして、願はくは主汝に命じ給はん事を、と言へり。
Asi kunyange Mikaeri mutumwa mukuru, paakanga achirwa nadhiabhori pamusoro pomuviri waMozisi, haana kutsunga kutaura mashoko okutuka nokumupomera mhosva, asi akati, “Ishe ngaakutuke!”
10 然れども是等の人は総て知らざる事を罵り、無知の畜類の如く自然に知れる事を以て其身を汚すなり。
Asi vanhu ava vanotaura zvisina maturo pamusoro pezvinhu zvavasinganzwisisi; uye kunyange nezvinhu zvavanonzwisisa kubva pakuberekwa kwavo, semhuka dzisingafungi, zvinhu izvozvi ndizvo chaizvo zvinovaparadza.
11 彼等は禍なる哉、其はカインの道に行き、又報酬の為にバラアムの迷に流れ、尚コオレの謀反の中に亡びたればなり。
Vane nhamo! Vakasarudza nzira yaKaini; vakamhanyira mubayiro wokutsauka kwaBharamu; vakaparadzwa mukupanduka kwaKora.
12 彼等は憚らずして食し、己を飽足らしめて、汝等の愛餐に於て汚と成り、風に吹遣らるる水なき雲、實らずして再び枯れ、根の抜かれたる秋の末の樹、
Vanhu ava makwapa pamitambo yenyu yorudo, vanodya nemi vasingatyi napaduku, vanongozvipa zvokudya ivo chete. Makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yenguva yamasutso, isina michero uye yakadzurwa, yakafa zvakapetwa kaviri.
13 己が醜行を泡立たする海の暴波、暗黒が彼等の為に限なく備はれる惑星なり。 (aiōn g165)
Mafungu egungwa anopenga, anopupuma nyadzi dzawo; nyeredzi dzinodzungaira, ivava vakachengeterwa rima guru nokusingaperi. (aiōn g165)
14 アダムより七代目なるヘノクは、是等の人をも斥して預言して言へらく、「看よ主は其千萬の聖徒を從へて來り給ひ、
Enoki, wechinomwe kubva kuna Adhamu, akaprofita pamusoro pavanhu ava achiti, “Tarirai, Ishe ari kuuya nezviuru nezviuru zvavatsvene vake
15 萬民に對ひて審判を為し、凡ての不敬虔なる者を、其不敬虔に行ひし不敬虔の業と、不敬虔なる罪人が神に對ひ奉りて語りし凡ての暴言とを以て責め給ふべし」と。
kuti azotonga vanhu vose, uye abate nemhosva vose vasina umwari pamusoro pamabasa ose asina umwari avakaita nenzira isina umwari, uye namashoko okutuka akataurwa navanhu vasina umwari pamusoro pake.”
16 彼等は私慾に從ひて歩み、不満を鳴らして呟く者、其口は大言を語り、利益の為に人に諂ふ者なり。
Vanhu ava vanyunyuti uye vapomeri; vanotevera kuchiva kwavo vamene; vanozvirumbidza pachavo uye vanobata vamwe kumeso kuti zvivanakire ivo.
17 至愛なる者よ、汝等は我主イエズス、キリストの使徒等より預言せられし事を記憶せよ。
Asi, vadikani, rangarirai zvakataurwa navapostori vaIshe wedu Jesu Kristu.
18 即ち彼等謂へらく、末の時には嘲る人々來り、己が望に從ひて不敬虔の業の中に歩まん、と。
Vakati kwamuri, “Munguva yokupedzisira kuchava navaseki vachatevera kuchiva kwavo.”
19 彼等は自ら分裂して肉慾に從ひ、霊を有せざる者なり。
Ava ndivo vanhu vanokuparadzanisai, vanotevera nyama yavo uye vasina Mweya.
20 至愛なる者よ、汝等が至聖なる信仰の上に己を建て、聖霊によりて祈り、
Asi imi, vadikani, zvivakei mukutenda kwenyu kutsvene uye munyengetere muMweya Mutsvene.
21 己を神の愛の中に守り、永遠の生命を得ん為に、我主イエズス、キリストの御慈悲を待て。 (aiōnios g166)
Zvichengetei murudo rwaMwari pamunenge muchimirira ngoni dzaIshe wedu Jesu Kristu kuti dzikuuyisei kuupenyu husingaperi. (aiōnios g166)
22 汝等彼等の中の或者、即ち眞偽を争へる人々を承服せしめ、
Itirai ngoni avo vanokahadzika;
23 或者を火より取出して救ひ、或者を懼れつつ憫み、肉に汚されたる肌着をも厭ふべし。
bvutai vamwe kubva mumoto mugovaponesa; vamwe muvanzwire ngoni dzakasanganiswa nokutya, muchivenga kunyange nenguo dzakasvibiswa nenyama.
24 結末 克く汝等を守りて躓かざらしむる事と、(我主イエズス、キリストの降臨の時に)其光榮の御前に汚なく喜ばしく立たしむる事を得給ふもの、
Kuna iye anogona kukuchengetai kuti murege kugumburwa uye anokuisai pamberi pokubwinya kwake musina chamunopomerwa, uye nomufaro mukuru,
25 即ち我主イエズス、キリストによりて、我救主にて在す唯一の神に、萬世の以前に於ても、今に於ても、又萬世に至る迄も、光榮、威光、能力、権能歸す、アメン。 (aiōn g165)
kuna iye Mwari oga muponesi wedu, ngakuve nokubwinya, umambo, simba noukuru, nokuna Jesu Kristu Ishe wedu, nguva isati yavapo, zvino nokusingaperi! Ameni. (aiōn g165)

< ユダの手紙 1 >