< ヨハネの福音書 4 >

1 第三款 イエズスサマリアを過り給ふ 時にイエズス、己が弟子を造り人を洗する事、ヨハネよりも多き由の、ファリザイ人の耳に入りしを知り給ひしかば、
VaFarisi vakanzwa kuti Jesu akanga achiteverwa navanhu vazhinji uye achibhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuura Johani,
2 ――但洗せるはイエズスに非ずして、其の弟子等なりき――
kunyange zvake akanga asiri Jesu aibhabhatidza, asi vadzidzi vake.
3 ユデアを去りて再びガリレアに往き給へり。
Ishe akati anzwa izvi, akabva kuJudhea akadzokera kuGarirea zvakare.
4 然るにサマリアを通らざるを得ざりしければ、
Zvino akanga achifanira kupfuura nomuSamaria.
5 ヤコブが其子ヨゼフに與へし土地に近き、サマリアのシカルと云へる町に至り給ひしが、
Saka akasvika paguta romuSamaria rainzi Saika, pedyo nomunda wakanga wapiwa kuna Josefa nababa vake Jakobho.
6 此處にヤコブの井ありけるに、イエズス旅に疲れて、其儘井の上に坐し給へり、時は十二時頃なりき。
Tsime raJakobho raiva ipapo, uye Jesu, aneta sezvo akanga achibva parwendo, akagara pasi patsime ipapo. Yakanga iri nguva inenge yechitanhatu.
7 爰にサマリアの一人の婦、水汲みに來りしかば、イエズス之に向ひて、我に飲ませよ、と曰へり。
Mukadzi muSamaria akati auya kuzochera mvura, Jesu akati kwaari, “Ndipewo mvura yokunwa?”
8 是弟子等は食物を買はんとて町に往きたればなり。
(Vadzidzi vake vakanga vapinda muguta kuti vandotenga zvokudya.)
9 其時サマリアの婦云ひけるは、汝はユデア人なるに、何ぞサマリアの婦なる我に飲物を求むるや、と。是ユデア人はサマリア人と交らざる故なり。
Mukadzi muSamaria akati kwaari, “Iwe uri muJudha uye ini ndiri muSamaria. Seiko uchikumbira kwandiri mvura yokunwa?” (Nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria.)
10 イエズス答へて曰ひけるは、汝若神の賜を知り、又我に飲ませよと汝に云へる者の誰なるかを知らば、必ず彼に求め、彼は活ける水を汝に與へしならん。
Jesu akamupindura akati, “Dai waiziva chipo chaMwari uye kuti ndiani anokumbira mvura kwauri, ungadai wakumbira kwaari uye angadai akupa mvura mhenyu.”
11 婦云ひけるは、君よ、汝は汲む物を有たず、井は深し、然るを何處よりして活ける水を有てるぞ。
Mukadzi akati, “Ishe, hamuna chamungacheresa nacho uye tsime rakadzika. Ko, mvura mhenyu mungaiwanepi?
12 我等が父ヤコブ此井を我等に與へ、自らも其子等も其家畜も之より飲みしが、汝は彼より優れる者なるか。
Ko, imi muri mukuru here, kuna baba vedu Jakobho, avo vakatipa tsime uye vakanwa pariri ivo pachavo, sezvakaitawo vanakomana vavo namakwai avo nemombe?”
13 イエズス答へて曰ひけるは、総て此水を飲む者は復渇くべし、
Jesu akapindura akati, “Ani naani anonwa mvura iyi achava nenyotazve,
14 然れども我が與へんとする水を飲む者は永遠に渇かず、我が之に與ふる水は、却て彼に於て、永遠の生命に湧出づる水の源となるべし。 (aiōn g165, aiōnios g166)
asi ani naani anonwa mvura yandichamupa haangatongovi nenyota. Zvirokwazvo, mvura yandichamupa ini ichava maari chitubu chemvura inoerera kuupenyu husingaperi.” (aiōn g165, aiōnios g166)
15 婦云ひけるは、君よ、我が渇く事なく此處に汲みにも來らざる様、其水を我に與へよ。
Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndipei mvura iyi kuitira kuti ndirege kuzova nenyotazve uye ndirege kuramba ndichingouya kuzochera mvura pano.”
16 イエズス曰ひけるは、往きて夫を呼來れ。
Iye akati, “Enda, undodana murume wako ugodzoka pano.”
17 婦答へて、我は夫なし、と云ひしかば、イエズス曰ひけるは、善くこそ夫なしと云ひたれ、
Akapindura akati, “Handina murume.” Jesu akati kwaari, “Wareva zvakanaka pawati hauna murume.
18 夫は五人まで有ちたりしに、今あるは汝の夫に非ず、汝が然云ひしは實なり。
Chokwadi ndeichi, wakava navarume vashanu, uye murume waunaye zvino haazi murume wako. Zvawabva mukutaura ndicho chokwadi.”
19 婦云ひけるは、君よ、我観るに、汝は預言者なり。
Mukadzi akati, “Ishe, ndinoona kuti muri muprofita.
20 我等が先祖は此山にて禮拝したるに、汝等は云ふ、禮拝すべき處はエルザレムなりと。
Madzibaba edu ainamata pagomo iri, asi imi vaJudha munoti, nzvimbo yatinofanira kunamata tiri ndimo muJerusarema.”
21 イエズス曰ひけるは、婦よ、我を信ぜよ、汝等が此山となくエルザレムとなく、父を禮拝せん時來るなり。
Jesu akati, “Mai, nditendei, nguva inouya yamuchanamata Baba musiri pagomo rino kana muJerusarema.
22 汝等は知らざる者を禮拝し、我等は知りたる者を禮拝す、救はユデア人の中より出づればなり。
Imi vaSamaria munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha.
23 然て眞の禮拝者が、霊と實とを以て父を禮拝すべき時來る、今既に其時なり。其は父も、斯く己を禮拝する人を求め給へばなり。
Asi nguva inouya uye yatouya zvino apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nomuzvokwadi, nokuti ndivo vanamati vanotsvakwa naBaba kuti vamunamate.
24 神は霊にて在せば、之を禮拝する人は、霊と實とを以て禮拝せざるべからず、と。
Mwari mweya, uye vanomunamata vanofanira kumunamata mumweya nomuzvokwadi.”
25 婦イエズスに謂ひけるは、我はメッシア(所謂キリスト)の來るを知る。然れば彼來らば萬事を我等に告ぐべし。
Mukadzi akati, “Ndinoziva kuti Mesiya, anonzi Kristu, ari kuuya. Paanouya, acharondedzera zvinhu zvose kwatiri.”
26 イエズス之に曰ひけるは、汝と語りつつある我、即ち其なり、と。
Ipapo Jesu akataura akati, “Ini ndiri kutaura newe ndini iye.”
27 軈て弟子等來り、イエズスの婦と語り給へるを怪しみしかど、誰も何をか求め何故彼と語り給ふ、と云ふ者なかりき。
Pakarepo vadzidzi vake vakadzokera kwaari uye vakashamiswa vachiona achitaura nomukadzi. Asi hapana akamubvunza kuti, “Unodei?” kana kuti “Munotaurireiko naye?”
28 斯て婦、其水瓶を遺して町に往き、其處なる人々に向ひ、
Ipapo, asiya chirongo chake, mukadzi akadzokera kuguta akandoti kuvanhu,
29 來て見よ、我が為しし事を殘らず我に云ひたる人を、是はキリストならんか、と云ひしかば、
“Uyai, muone murume anditaurira zvinhu zvose zvandakaita. Kuti uyu angava iye Kristu here?”
30 彼等町より出でてイエズスの許に來れり。
Vakabuda muguta vakapinda munzira yavo vakananga kwaari.
31 其隙に弟子等イエズスに請ひて、ラビ食し給へ、と云ひしに、
Vanhu vasati vasvika, vadzidzi vake vakafanomukurudzira vachiti, “Rabhi, imbowanai chamungadya.”
32 曰ひけるは、我には汝等の知らざる食物の食すべきあり、と。
Asi iye akati kwavari, “Ndine chokudya chandinodya chamusingazivi.”
33 弟子等、誰か食物を持來りしぞ、と云ひ合へるを、
Ipapo vadzidzi vake vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Asi pano munhu amuvigira zvokudya kanhi?”
34 イエズス曰ひけるは、我が食物は、我を遣はし給ひし者の御旨を行ひて其業を全うする事是なり。
Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndiko kuita kuda kwowakandituma uye nokupedza basa rake.
35 汝等は、尚四箇月の間あり、其後収穫の時來る、と云ふに非ずや。我汝等に告ぐ、目を翹げて田畑を見よ、最早穫取るべく白みたり。
Ko, imi hamuti here, ‘Kwasara mwedzi mina ipapo kucheka kwobva kwasvika?’ Ndinoti kwamuri, svinurai meso enyu uye mutarise kuminda! Yatoibva kuti ikohwewe.
36 穫る人は報を受けて永遠の生命に至るべき果を収むれば、捲く人も穫る人も共に喜ぶべし。 (aiōnios g166)
Kunyange iye zvino mukohwi anopiwa mubayiro wake, kunyange izvozvi anokohwa zvibereko zvoupenyu husingaperi, kuitira kuti mukushi nomukohwi vagofara pamwe chete. (aiōnios g166)
37 諺に一人は撒き一人は穫ると云へる事、是に於て乎實なり。
Nokuti tsumo inoti, ‘Mumwe anokusha uye mumwe anokohwa ndeyezvokwadi.’
38 我汝等を遣はして、勞作せざりし物を穫らしめたり。即ち他の人前に勞作して、其勞作したる所を、汝等が承継ぎたるなり、と。
Ndakakutumai kunokohwa zvamusina kushandira. Vamwe vakaita basa rakaoma, uye imi makakohwa mubayiro wokubata kwavo.”
39 然て彼町にては、彼人我が為しし事を殘らず我に告げたり、と證したる婦の言によりて、多くのサマリア人イエズスを信ぜしかば、
VaSamaria vazhinji vaibva muguta iro vakatenda kwaari nokuda kwouchapupu hwomukadzi hwokuti, “Akanditaurira zvose zvandakaita.”
40 人々御許に來りて、此處に留り給はんことを請へり、然れば此處に留り給ふ事二日にして、
Saka vaSamaria vakasvika kwaari, vakamukumbira kuti agare navo, nokudaro akagarapo kwamazuva maviri.
41 尚多くの人御言によりて之を信仰せり。
Uye nokuda kwamashoko ake vamwezve vazhinji vakava vatendi.
42 斯て彼婦に向ひ、我等は最早汝の語る所によりて信ずる者に非ず、即ち自ら彼に聴きて、其眞に救世主たる事を知れり、と云ひ居たり。
Vakati kumukadzi uya, “Hatichatongotendi nokuda kwezvawataura chete; zvino tazvinzwira pachedu, uye tinoziva kuti murume uyu chokwadi ndiye Muponesi wenyika.”
43 第四款 イエズスガリレアに至り給ふ 然るに二日の後、イエズス其處を出でてガリレアに往き給へり。
Mazuva maviri akati apfuura, akabva akaenda kuGarirea.
44 預言者其本國に尊ばれず、と自ら證し給ひしが、
Zvino Jesu pachake akanga ambopupura kuti muprofita haakudzwi munyika yokwake.
45 ガリレアに至り給ひしに、ガリレア人は、曾て祭日にエルザレムにて行ひ給ひし一切の事を見たりければ、イエズスを歓迎せり、其は彼等も祭日に往きてありしなり。
Akati asvika muGarirea, vaGarirea vakamugamuchira. Vakanga vaona zvose zvaakanga aita muJerusarema pamutambo wePasika, nokuti naivowo vaivapo.
46 斯てイエズス再び、嚮に水を酒に化し給ひしガリレアのカナに至り給ひしに、一人の王官あり、其子カファルナウムにて病み居ければ、
Akashanyirazve Kana yomuGarirea, uko kwaakanga ashandura mvura ikava waini. Uye ikoko kwakanga kuno mumwe mutariri wamambo akanga ane mwanakomana wake akanga avete achirwara paKapenaume.
47 イエズスユデアよりガリレアに來給ふと聞きて、御許に至り、下りて己が子を醫し給はん事を切に願ひ居たり、彼将に死なんとすればなり。
Murume uyu akati anzwa kuti Jesu asvika muGarirea achibva kuJudhea, akaenda kwaari akandomukumbira kuti auye azoporesa mwanakomana wake, uyo akanga ava pedyo nokufa.
48 イエズス之に曰ひけるは、汝等は徴と奇蹟とを見ざれば信ぜず、と。
Jesu akati kwaari, “Kana imi vanhu musina kuona zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.”
49 官人イエズスに向ひて、主よ、我子の死なざる前に下り來給へ、と云ひしに、
Mutariri wamambo akati, “Ishe, burukai muuye mwana wangu asati afa.”
50 イエズス、往け、汝の子活く、と曰ひしかば、此人イエズスの己に曰ひし御言を信じて往きたり。
Jesu akapindura akati, “Enda hako. Mwanakomana wako achararama.” Murume uyu akagamuchira shoko raJesu akaenda.
51 然て下る途に、僕等行逢ひて、其子の活きたる由を告げければ、
Achiri munzira varanda vake vakasangana naye namashoko okuti mukomana akanga apora.
52 其回復せし時刻を問ひしに、彼等、昨日の午後一時に熱去れり、と云ふにぞ、
Akati abvunza nguva yakatanga mwana kunzwa zviri nani, ivo vakati kwaari, “Fivha yakabva paari nezuro panguva dzechinomwe.”
53 父は恰もイエズスが汝の子活くと己に曰ひしと同時なりしを知り、其身も一家も挙りて信仰せり。
Ipapo baba vaya vakayeuka kuti ndiyo yakanga iri nguva chaiyo paakanzi naJesu, “Mwanakomana wako achararama.” Saka iye neimba yake yose vakatenda.
54 此第二の奇蹟は、イエズスユデアよりガリレアに至り給ひし時に行ひ給ひしなり。
Ichi ndicho chakanga chiri chiratidzo chechipiri chakaitwa naJesu, abva kuJudhea ava kuGarirea.

< ヨハネの福音書 4 >