< ヨハネの福音書 19 >

1 其時ピラトイエズスを捕へて之を鞭ち、
Ipapo Pirato akatora Jesu akaita kuti arohwe.
2 兵卒等は茨の冠を編みて御頭に冠らせ、又赤き上衣を着せ、
Varwi vakaita korona yeminzwa vakaidzika pamusoro wake. Vakamupfekedza nguo dzepepuru
3 然て御前に至りて、ユデア人の王よ、安かれ、と云ひて手を以て御頬を打ち居たり。
vakaenda kwaari vaendazve vachiti, “Kwaziwai, mambo wavaJudha!” Uye vakamurova kumeso.
4 斯てピラト復出來り、人々に向ひて言ひけるは、我が何の罪をも彼に見出さざる事を汝等に知らしめん為に、看よ彼を汝等の前に引出すぞ、と。
Pirato akabuda akatizve kuvaJudha, “Tarirai, ndava kumuisa kwamuri kuti muzive kuti ndashaya mhosva paari.”
5 此に於てイエズス、茨の冠赤き上衣にて出來り給ひしかば、ピラト、看よ人を、と云ひしに、
Jesu akati abuda kunze akapfeka korona yeminzwa uye nenguo yepepuru, Pirato akati kwavari, “Hoyo munhu!”
6 大司祭及び下役等イエズスを見るや叫出でて、十字架に釘けよ、十字架に釘けよ、と云ひければピラト、汝等自ら之を執りて十字架に釘けよ、我は何の罪をも之に見出さざるを、と云ひしに、
Vaprista vakuru navatariri vavo vakati vachimuona, vakadanidzira vachiti, “Ngaarovererwe! Ngaarovererwe!” Asi Pirato akapindura achiti, “Mutorei imi mumuroverere. Kana ndirini, handiwani mhosva paari.”
7 ユデア人答へけるは、我等に律法あり、其律法によりて彼は死せざるべからず、其は、己を神の子としたればなり、と。
VaJudha vakasimbirira vachiti, “Isu tino murayiro, nomurayiro iwoyo, anofanira kufa, nokuti anozviti Mwanakomana waMwari.”
8 ピラト此言を聞きて、益懼れ、
Pirato akati anzwa izvi akanyanyisa kutya,
9 復官廰に入りてイエズスに向ひ、汝は何處の者ぞ、と云ひしかど、イエズス答へ給はざれば、
uye akadzokerazve mumuzinda. Akasvikobvunza Jesu achiti, “Unobvepiko iwe?” Asi Jesu haana kupindura.
10 ピラト云ひけるは、汝我に言はざるか、汝を十字架に釘くるの権も、亦免すの権も、我に在る事を知らざるか、と。
Pirato akati, “Haudi kutaura neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rokukusunungura kana kukuroverera pamuchinjikwa?”
11 イエズス答へ給ひけるは、汝上より與へられたるに非ずば、我に對して何らの権あらんや。我を汝に付したる者の罪、是に於てか更に大いなり、と。
Jesu akapindura akati, “Haungatongovi nesimba pamusoro pangu kana usina kuripiwa richibva kumusoro. Naizvozvo uyo andiisa kwauri ane mhosva yechivi chikuru.”
12 是よりピラト復イエズスを免さんと謀り居たれども、ユデア人叫びて、汝若此人を免さばセザルの忠友に非ず、凡て己を王とする人はセザルに叛く者なればなり、と云ひければ、
Kubva ipapo zvichienda mberi, Pirato akaedza kusunungura Jesu, asi vaJudha vakaramba vachidanidzira vachiti, “Kana ukasunungura murume uyu, zvoreva kuti hausi shamwari yaKesari. Ani naani anozviti mambo anopikisana naKesari.”
13 ピラト斯る言を聞きてイエズスを伴出し、切嵌の敷石、ヘブレオ語にてはガパタと云へる處にて、審判席に就けり。
Pirato akati anzwa izvozvo, akabudisa Jesu kunze uye akagara pachigaro chokutonga panzvimbo inozivikanwa nokunzi: Pakarongwa Mabwe (nechiHebheru pachinzi Gabhata).
14 恰も過越祭の用意日にして、十二時頃なりしが、ピラトユデア人に向ひ、看よ汝等の王を、と云ひしに、
Rakanga riri zuva rokugadzirira vhiki yePasika, awa inenge yechitanhatu. Pirato akati kuvaJudha, “Hoyu mambo wenyu.”
15 彼等、取除けよ、取除けよ、十字架に釘けよ、と叫び居ければピラト彼等に、我豈汝等の王を十字架に釘けんや、と云へるを大司祭等、セザルの外我等に王なし、と答へたり。
Asi vakadanidzira vachiti, “Endai naye! Endai naye! Murovererei!” Pirato akati, “Ndoroverera mambo wenyu here?” Vaprista vakuru vakapindura vachiti, “Hatina mambo isu, asi Kesari.”
16 斯てピラト、十字架に釘くる為にイエズスを彼等に付しければ、兵卒等之を取りて引出ししが、
Pakupedzisira Pirato akamuisa mumaoko avo kuti arovererwe. Saka varwi vakatora Jesu.
17 イエズス自ら十字架を負ひ、彼髑髏、ヘブレオ語にてゴルゴタと云へる處に出で給へり。
Akatakura muchinjikwa wake, akabuda akaenda kunzvimbo yeDehenya (zvichireva kuti Gorogota muchiHebheru).
18 彼等此處にて之を十字架に釘け、又別に二人を左右に、イエズスをば中央にして磔けたり。
Ipapo ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa navamwe vaviri, mumwe kuno rumwe rutivi nomumwe kuno rumwe rutivi, uye Jesu ari pakati.
19 然るにピラト亦罪標を書きて十字架の上に置きしが、ユデア人の王ナザレトのイエズスと記されたりき。
Pirato akanyora chiziviso akachiisa pamuchinjikwa. Chaiva chakanyorwa kuti: jesu wenazareta, mambo wavajudha.
20 イエズスの十字架に釘けられ給ひし處は市街に近くして、罪標はヘブレオとギリシアとラテンとの語にて書きたれば、ユデア人の中に之を読みたる者多し。
VaJudha vazhinji vakaverenga zvakanga zvakanyorwa pachikwangwani ichi, nokuti nzvimbo yakarovererwa Jesu yakanga iri pedyo neguta, uye chikwangwani ichi chaiva chakanyorwa nechiHebheru, chiRatini uye nechiGiriki.
21 然ればユデア人の大司祭等ピラトに向ひ、ユデア人の王と書かずして、ユデア人の王と自稱せし者と書き給へ、と云ひしをピラトは、
Vaprista vakuru vavaJudha vakati kuna Pirato, “Musanyora kuti, ‘Mambo wavaJudha,’ asi kuti, ‘Munhu uyu akazviti mambo wavaJudha.’”
22 我が書きし所は書きし[儘なれ、]と答へたり。
Pirato akapindura akati, “Zvandanyora, ndanyora.”
23 斯て兵卒等、イエズスを十字架に釘けし後、其衣服と下衣とを受け、衣服は四分して一人に一分づつ分ちしが、下衣は上より一つに織りたる縫目なき物なりしかば、
Varwi vakati varoverera Jesu pamuchinjikwa, vakabvisa nguo dzake, vakadziita migove mina, mumwe chete kuno mumwe nomumwe wavo, nguo yomukati iriyo yakasara. Nguo iyi yakanga isina pakasonwa, yakangorukwa kubva kumusoro kusvika pasi.
24 之を裂かずして、誰のになるべきか鬮引にせんと言合へり。是聖書に録して「彼等は互に我が衣服を分ち、我下衣を鬮引にせり」とある事の成就せん為にして、即ち兵卒等は實に此事を為せるなり。
Vakataurirana vakati, “Ngatiregei kuibvarura. Ngatikandei mujenya tione kuti ndiani achaitora.” Izvi zvakaitika kuti Rugwaro ruzadziswe runoti: “Vakagovana nguo yangu pakati pavo uye vakakanda mijenya pamusoro pechipfeko changu.” Saka izvi ndizvo zvakaitwa navarwi.
25 然てイエズスの十字架の傍に、其母と母の姉妹、即ちクレオファの[妻]マリアと、マグダレナ、マリアと立ちてありしが、
Pedyo nomuchinjikwa waJesu pakanga pamire mai vake, mununʼuna wamai vake, naMaria mukadzi waKiropasi, naMaria Magadharena.
26 イエズス其母と愛せる弟子との立てるを見給ひて母に向ひ、婦人よ、是汝の子なり、と曰ひ、
Jesu akati aona mai vake ipapo, uye mudzidzi waaida amire pedyo navo, akati kuna mai vake, “Mai, hoyu mwanakomana wenyu,”
27 次に弟子に向ひて、是汝の母なり、と曰ひければ、此時より其弟子イエズスの母を我家に引取りたり。
uye kumudzidzi akati, “Ava mai vako.” Kubva pazuva iro zvichienda mberi, mudzidzi uyu akavatora akaenda navo kumba kwake.
28 軈てイエズス何事も成り終れるを知り給ひて、聖書の成就し果てん為に、我渇くと曰ひしが、
Shure kwaizvozvo, achiziva kuti zvose zvainge zvapera zvino, uye kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe, Jesu akati, “Ndava nenyota.”
29 其處に酢の満ちたる器置かれてありしに、兵卒等海綿を醋に浸し、イソプに刺して其口に差付けしかば、
Pakanga pane mudziyo waiva nevhiniga ipapo, saka vakanyika chipanje imomo, vakaisa chipanje pachitanda chehisopi, vakachisimudzira kumuromo waJesu.
30 イエズス醋を受け給ひて、成り終れりと曰ひ、首を垂れて息絶え給へり。
Akati anwa Jesu akati, “Zvapera.” Nokudaro, akakotamisa musoro wake uye akabudisa mweya wake.
31 時は用意日にて大安息日の前なれば、安息日に屍の十字架上に遺らざらん為に、其脛を折りて取下さん事を、ユデア人ピラトに願ひしかば、
Zvino rakanga riri zuva rokugadzirira, uye mangwana acho, rakanga riri zuva rakasanangurwa reSabata. Nokuda kwokuti vaJudha vakanga vasingadi kuti mitumbi isiyiwe iri pamuchinjikwa panguva yeSabata, vakakumbira Pirato kuti makumbo avo avhunwe uye kuti mitumbi ibviswe.
32 兵卒等來りて、先なる者及び共に十字架に釘けられたる他の一人の脛を折りしが、
Naizvozvo varwi vakauya vakavhuna makumbo omunhu wokutanga uyo akanga arovererwa pamwe chete naJesu, uye vakazovhuna omumwe wacho.
33 イエズスに至り、其既に死し給へるを見て脛を折らざりき。
Asi vakati vasvika pana Jesu, uye vachiona kuti atofa, havana kuvhuna makumbo ake.
34 然れど兵卒の一人鎗もて其脇を披きしかば、直に血と水と流出でたり。
Asi, mumwe murwi akamubaya nepfumo parutivi, pakarepo ropa nemvura zvikabuda.
35 目撃せし人之を證明せしが、其證明は眞實にして、彼は其云ふ所の眞實なるを知れり、是汝等にも信ぜしめん為なり。
Murume akazviona ndiye akapa umboo, uye uchapupu hwake ndohwechokwadi. Anoziva kuti ari kutaura chokwadi, uye anopupura kuitira kuti nemiwo mutende.
36 是等の事の成りしは、聖書に「汝等其骨の一も折るべからず」とある事の成就せん為なり。
Zvinhu izvi zvakaitika kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe runoti: “Hakuna kana bvupa rake rimwe richavhunwa,”
37 更に又聖書に曰く「彼等は其貫けるものを仰ぎ見ん」と。
uye sezvinoreva rumwe Rugwaro runoti, “Vachatarisa iye wavakabaya.”
38 其後アリマテアのヨゼフ、ユデア人を憚りて密にはすれども、イエズスの弟子なれば、其御屍を引取らん事をピラトに願ひしに、ピラト許ししかば來りてイエズスの御屍を取下せり。
Shure kwaizvozvo, Josefa weArimatea akakumbira Pirato kuti apiwe mutumbi waJesu. Zvino Josefa akanga ari mudzidzi waJesu, asi muchivande nokuti aitya vaJudha. Akati abvumirwa naPirato, akauya akatora mutumbi waJesu.
39 又嚮に夜イエズスに至りしニコデモも、没薬と蘆薈との混合物を百斤許携へて來りしが、
Akanga achiperekedzwa naNikodhimasi, murume uya akashanyira Jesu usiku. Nikodhimasi akauya nezvakavhenganiswa zvemura negavakava, zvinenge makirogiramu makumi matatu namana.
40 兩人イエズスの御屍を受取り、ユデア人の葬の習慣に從ひて香料と共に布にて之を捲けり。
Vakatora mutumbi waJesu, vakauputira vari vaviri nomucheka pamwe chete nezvinonhuhwira. Izvi zvaifambirana netsika dzokuviga dzavaJudha.
41 然てイエズスの十字架に釘けられ給ひし處に園ありて、園の中に未だ誰をも葬らざる墓ありければ、
Panzvimbo iyo pakarovererwa Jesu pamuchinjikwa, paiva nebindu, uye mubindu imomo, maiva neguva idzva, rakanga risina munhu akamboradzikwamo.
42 彼等はユデア人の用意日なるに因り、墓の手近きに任せて、イエズスを其處に斂めたり。
Nokuti rakanga riri zuva rokugadzirira ravaJudha, uye sezvo guva raiva pedyo, vakaradzika Jesu imomo.

< ヨハネの福音書 19 >