< ヨハネの福音書 11 >

1 第一款 ラザルの復活 然てマリアと其姉妹マルタとの里なるベタニアに、ラザルと云へる人病み居りしが、
Zvino mumwe murume ainzi Razaro akanga achirwara. Aibva kuBhetani, musha waMaria naMarita mukoma wake.
2 マリアは即ち香油を主に注ぎ、御足を己が髪毛にて拭ひし婦にして、病めるラザルは其兄弟なり。
Maria uyu, ane hanzvadzi yake Razaro akanga avete achirwara, ndiye uya akadururira mafuta anonhuhwira pana Ishe uye akapukuta tsoka dzake nebvudzi rake.
3 然れば彼が姉妹等、人をイエズスの御許に遣はし、主よ汝の愛し給ふ人病めり、と言はしめしに、
Saka hanzvadzi dzake dzakatuma shoko kuna Jesu, dzikati, “Ishe, uya wamunoda ari kurwara.”
4 イエズス聞きて曰ひけるは、此病は死に至るものに非ず、神の光榮の為、神の子が之に由りて光榮を得ん為なり、と。
Akati anzwa izvozvo, Jesu akati, “Kurwara uku hakumusvitsi kurufu. Kwete, kune chokuita nokukudzwa kwaMwari kuitira kuti Mwanakomana waMwari akudzwe kubudikidza naizvozvo.”
5 イエズスはマルタと其姉妹マリアとラザルとを愛し居給ひしが、
Jesu aida Marita, nomununʼuna wake uye naRazaro.
6 ラザルの病めるを聞き、尚同じ處に留ること二日にして、
Asi paakanzwa kuti Razaro akanga achirwara, akagara paakanga ari kwamamwe mazuva maviri.
7 遂に弟子等に向ひ、我等復ユデアへ趣かん、と曰ひしかば、
Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Ngatidzokerei kuJudhea.”
8 弟子等云ひけるは、ラビ、唯今ユデア人が汝に石を擲たんとしたりしに、復も彼處へ往き給ふか。
Vakati kwaari, “Asika Rabhi, nguva pfupi ichangopfuura, vaJudha vakanga vachiedza kukutakai namabwe, zvino munoda kudzokerazve ikoko here?”
9 イエズス答へて曰ひけるは、一日に十二時あるに非ずや、人晝歩む時は、此世の光を見る故に躓かざれども、
Jesu akapindura akati, “Ko, nguva hadzizi gumi nembiri pazuva here? Munhu anofamba masikati haagumburwi, nokuti anoona nechiedza chenyika ino.
10 夜歩む時は、身に光あらざる故に躓くなり、と。
Anogumburwa paanenge achifamba usiku, nokuti haana chiedza.”
11 斯く曰ひて後又、我等が親友ラザルは眠れり、然れど我往きて之を眠より喚起さん、と曰ひしかば、
Akati ataura izvi, akaenderera mberi achiti kwavari, “Shamwari yedu Razaro avata; asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa.”
12 弟子等、主と、眠れるならば彼は痊ゆべきなり、と云へり。
Vadzidzi vake vakapindura vakati, “Ishe, kana akavata, achaita zviri nani.”
13 但イエズスの曰ひしは彼が死の事なりしを、弟子等は眠りて臥せることを曰ひしならんと思ひたりければ、
Jesu akanga achitaura nezvorufu rwake, asi vadzidzi vake vakafunga kuti akanga achireva kuvata hope chaidzo.
14 イエズス明かに曰ひけるは、ラザルは死せり、
Saka ipapo akavataurira pachena akati, “Razaro afa,
15 我は汝等の為、即ち汝等を信ぜしめん為に、我が彼處に在らざりしことを喜ぶ、卒ざ彼が許に往かん、と。
uye nokuda kwenyu, ndinofara nokuti ndakanga ndisiko, kuitira kuti imi mugotenda. Asi ngatichiendai kwaari.”
16 然ればチヂモと呼ばれたるトマ、其相弟子に謂ひけるは、将ざ我等も往きて彼と共に死なん、と。
Ipapo Tomasi Dhidhimo akati kuvadzidzi vose, “Ngatiendei, kuti tinofawo naye.”
17 斯てイエズス至りて見給ひしに、ラザルは墓に在る事既に四日なりき。
Jesu paakasvika akawana Razaro anguva ava muguva kwamazuva mana.
18 然るにベタニアはエルザレムに近くして、廿五町許を隔てたれば、
Bhetani yaiva makiromita angangosvika matatu kubva muJerusarema,
19 數多のユデア人、マルタとマリアとを其兄弟の事に就きて弔はん為に來りてありき。
uye vaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Marita naMaria kuti vazovanyaradza pakurasikirwa kwavo nehanzvadzi yavo.
20 マルタはイエズス來り給ふと聞くや、即ち出迎へしが、マリアは家の内に坐し居たり。
Marita akati anzwa kuti Jesu auya, akabuda kundomuchingamidza, asi Maria akasara mumba.
21 マルタイエズスに云ひけるは、主よ、若此處に在ししならば、我兄弟は死なざりしものを、
Marita akati kuna Jesu, “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.
22 然れど神に何事を求め給ふとも神之を汝に賜ふべしとは、今も我が知れる所なり、と。
Asi ndinoziva kuti kunyange izvozvi Mwari achakupai zvose zvamuchakumbira.”
23 イエズス、汝の兄弟は復活すべし、と曰ひしかば、
Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.”
24 マルタ云ひけるは、我は彼が終の日、復活の時に復活すべきことを知れり、と。
Marita akati, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka kwezuva rokupedzisira.”
25 イエズス、我は復活なり、生命なり、我を信ずる人は死すとも活くべし、
Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa;
26 又活きて我を信ずる人は、凡て永遠に死する事なし、汝之を信ずるか、と曰ひしに、 (aiōn g165)
uye ani naani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi. Unotenda here izvi?” (aiōn g165)
27 マルタ云ひけるは、主よ、然り、我は汝が活ける神の御子キリストの此世の來り給ひたる者なるを信ず、と。
Iye akati, “Hongu, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo akanzi achauya panyika.”
28 斯く云ひて後、往きて其姉妹マリアを呼び咡きて、師茲に在して汝を召し給ふ、と云ひしに、
Akati ataura izvozvo, akadzokera akandodana parutivi mununʼuna wake Maria. Akati, “Mudzidzisi ari pano, uye ari kukubvunza.”
29 彼之を聞くや、直に立ちてイエズスの許に至れり、
Maria akati anzwa izvozvo, akasimuka nokukurumidza akaenda kwaari.
30 即ちイエズス未だ里に入り給はずして、尚マルタが出迎へし處に居給ひしなり。
Zvino Jesu akanga asati apinda mumusha, asi akanga achiri panzvimbo paya paakanga asangana naMarita.
31 然ればマリアと共に家に在りて之を弔ひ居たりしユデア人、彼が速に立ちて出しを見、彼は泣かんとて墓に往くぞ、と云ひつつ後に随ひしが、
VaJudha vakanga vari mumba naMaria, vachimunyaradza, vakati vachiona kuti akurumidza sei kusimuka achibuda kunze, vakamutevera, vachifunga kuti zvimwe akanga oenda kuguva kuti andochema ikoko.
32 マリアはイエズスの居給ふ處に至り、之を見るや御足下に平伏して、主よ、若此處に在ししならば、我兄弟は死なざりしものを、と云ひければ、
Maria akati asvika panzvimbo pakanga pana Jesu uye akamuona, akawira patsoka dzake akati, “Ishe, dai manga muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.”
33 イエズス彼が泣き居り、伴ひ來れるユデア人も泣き居れるを見、胸中感激して御心を騒がしめ給ひ、
Jesu akati achimuona achichema, uye vaJudha vakanga vauya naye vachichemawo, akabatwa neshungu kwazvo mumweya make uye akatambudzika.
34 汝等何處に彼を置きたるぞ、と曰ひしに、彼等は、主よ、來り見給へ、と云ひければ、
Akavabvunza akati, “Mamuradzika kupiko?” Vakati kwaari, “Uyai muone, Ishe.”
35 イエズス涙を流し給へり。
Jesu akachema.
36 然ればユデア人、看よ彼を愛し給ひし事の如何許なるを、と云ひしが、
Ipapo vaJudha vakati, “Onai kuti aimuda sei!”
37 又其中に或人々、彼は生れながらなる瞽者の目を明けしに、此人を死せざらしむるを得ざりしか、と云ひければ、
Asi vamwe vavo vakati, “Ko, uyu akasvinudza bofu akanga asingagoni here kuita kuti munhu uyu arege kufa?”
38 イエズス復心中感激しつつ墓に至り給へり。墓は洞にして、之に石を覆ひてありしが、
Jesu, akabatwa neshungu kwazvo, akasvika paguva. Rakanga riri bako rine dombo rakanga rakaradzikwa rakachinjika mukova waro.
39 イエズス、石を取除けよ、と曰へば死人の姉妹マルタ云ひけるは、主よ、最早四日目なれば彼は既に臭きなり、と。
Akati, “Bvisai ibwe.” Marita, hanzvadzi yomurume akanga afa akati, “Asika, Ishe, pari zvino ava kunhuhwa, nokuti atova mazuva mana arimo.”
40 イエズス曰ひけるは、汝若信ぜば神の光榮を見るべし、と我汝に告げしに非ずや、と。
Ipapo Jesu akati, “Ko, handina kukuudza here kuti kana ukatenda, uchaona kubwinya kwaMwari?”
41 斯て石を取除けしに、イエズス目を翹げて曰ひけるは、父よ、我に聴き給ひしことを謝し奉る。
Saka vakabvisa ibwe. Ipapo Jesu akatarisa kudenga akati, “Baba, ndinokuvongai nokuti mandinzwa.
42 何時も我に聴き給ふ事は、我素より之を知れども、汝の我を遣はし給ひし事を彼等に信ぜしめんとて、立會へる人々の為に之を言へるなり、と。
Ndinozviziva kuti munogara muchindinzwa, asi ndareva izvi nokuda kwavanhu vamire pano, kuti vatende kuti imi makandituma.”
43 斯く曰ひ終りて聲高く、ラザル出來れ、と呼はり給ひしに、
Akati areva izvozvo, Jesu akadanidzira nenzwi guru akati, “Razaro, buda!”
44 死したりし者、忽ち手足を布に巻かれたる儘に出來り、其顔は尚汗拭に包まれたれば、イエズス人々に、之を解きて往かしめよ、と曰へり。
Murume akanga afa uya akabuda, maoko ake namakumbo zvakapombwa nemicheka, uye chiso chake chakafukidzwa nomucheka. Jesu akati kwavari, “Mubvisei nguo dzomuguva mumurege aende.”
45 然ればマリアとマルタとの許に來合せて、イエズスの為し給ひし事を見しユデア人の中には、之を信じたる者多かりしが、
Naizvozvo vazhinji vavaJudha vakanga vauya kuzoshanyira Maria, uye vaona zvakanga zvaitwa naJesu, vakatenda kwaari.
46 中にはファリザイ人の許に至りて、イエズスの為し給ひし事を告ぐる者ありしかば、
Asi vamwe vavo vakaenda kuvaFarisi vakavaudza zvakanga zvaitwa naJesu.
47 司祭長、ファリザイ人等、議會を召集して、斯人數多の奇蹟を為すを、我等は如何にすべきぞ、
Ipapo vaprista vakuru navaFarisi vakadana musangano weDare Guru ravaJudha. Vakati, “Tiri kuiteiko? Hounoka murume ari kuita zviratidzo zvesimba zvizhinji.
48 若其儘に恕し置かば、皆彼を信仰すべく、又ロマ人來りて我等の土地と國民とを亡ぼすべし、と云ひたるに、
Kana tikamurega achienderera mberi saizvozvi, munhu wose achatenda kwaari, uye vaRoma vachauya vakatitorera zvose nzvimbo yedu nenyika yedu.”
49 其中の一人カイファと呼ばるる者、其年の大司祭なりけるが、彼等に謂ひけるは、汝等は事を解せず、
Ipapo mumwe wavo ainzi Kayafasi, akanga ari muprista mukuru wegore iroro akataura achiti, “Hamuna zvamunoziva imi!
50 又一人人民の為に死して全國民の亡びざるは汝等に利ある事を思はざるなり、と。
Hamuzivi here kuti zviri nani kwamuri kuti munhu mumwe afire vanhu pano kuti rudzi rwose ruparare.”
51 彼は己より之を言ひしに非ず、其年の大司祭なれば、イエズスが國民の為に死し給ふべき事を預言したるなり、
Haana kungotaura izvi pachake, asi sezvaakanga ari muprista mukuru wegore iroro, akaprofita kuti Jesu aizofira rudzi rwavaJudha,
52 即ち啻に此國民の為のみならず、散亂れたる神の子等を一に集めんが為なりき。
uye rusati rwuri rudzi irworwo bedzi asiwo vana vaMwari vakapararira, kuti avaunganidze agovaita vamwe.
53 然れば此日より、彼等イエズスを殺さんと謀りしかば、
Saka kubva pazuva iroro zvichienda mberi, vakarangana kumuuraya.
54 イエズス最早陽にユデア人の中を歩み給はず、荒野に接ける地方に往き、エフレムと云へる町に至りて、弟子等と共に其處に留り居給へり。
Naizvozvo Jesu haana kuzofamba pachena pakati pavaJudha. Asi akabva akaenda kudunhu raiva pedyo nerenje, kumusha wainzi Efuremu, kwaakandogara navadzidzi vake.
55 斯てユデア人の過越祭近づきければ、之に先ちて身を潔めん為に、地方よりエルザレムに上れる人多かりしが、
Pasika yavaJudha yakati yoswedera, vazhinji vaibva munyika iyo vakakwidza kuJerusarema kuti vandozvinatsa Pasika isati yasvika.
56 彼等イエズスを探しつつ[神]殿に立ちて、汝等如何に思ふぞ、彼は此祭に來らざるか、と語合へり。
Vakaramba vachitsvaka Jesu, uye pavakanga vamire mutemberi, vakabvunzana vakati, “Munofungeiko? Haasi kuzouya kumutambo here?”
57 司祭長ファリザイ人等は、イエズスを捕ふべきにより、之が在所を知れる人あらば申出づべし、と豫て命令を出したりしなり。
Asi vaprista vakuru navaFarisi vakanga varayira kuti kana paine anenge aziva kuna Jesu, aifanira kuvazivisa kuitira kuti vagomusunga.

< ヨハネの福音書 11 >