< ヤコブの手紙 2 >

1 我兄弟等よ、汝等光榮なる我主イエズス、キリストに於る信仰を保ちて、人に依怙ある事勿れ。
Hama dzangu, savatendi muna Ishe wedu wokubwinya iye Jesu Kristu, musava vatsauri vavanhu.
2 蓋汝等の集に美服して金の指環を嵌めたる人入來り、又粗服したる貧しき人入來らんに、
Kana mumwe munhu akauya akapinda mumusangano wenyu akapfeka mhete yegoridhe nenguo dzakaisvonaka, uye murombo akapfeka mamvemve akapindawo,
3 汝等美服したる人を顧みて、宜しく此處に坐せよと言ひ、貧しき人には、其處に立て或は我が足台の下に坐せよ、と言はば、
kana mukaremekedza munhu akapfeka nguo dzakaisvonaka muchiti, “Hechi chigaro chenyu chakanaka,” asi kumurombo mukati, “Iwe mira apo,” kana kuti “Gara pasi, patsoka dzangu,”
4 是心の中に隔して料簡正しからざる審判者と成るに非ずや。
hamuna kutsaura here pakati penyu uye mukava vatongi vane ndangariro dzakaipa?
5 我至愛なる兄弟等よ、聞け、神は此世に於る貧者を選みて信仰に富める者と成らしめ、神が己を愛し奉る人々に約し給ひし國の世嗣たらしめ給ひしに非ずや。
Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko, Mwari haana kusarudza varombo venyika ino kuti vave vapfumi mukutenda uye kuti vagare nhaka youmambo hwaakavimbisa avo vanomuda here?
6 然るに汝等は貧者を卑しめたり。富者は勢力を以て汝等を壓し、且自ら法廷に牽くに非ずや、
Asi imi makazvidza varombo. Ko, havasi vapfumi vanokubirai here? Havazi ivo vanokuendesai kumatare edzimhosva here?
7 汝等の上に稱へられたる善き名を穢すに非ずや。
Havazi ivo vanomhura zita rinokudzwa raiye wamuri vake here?
8 但し汝等もし聖書に從ひて、「汝己が近き者を己の如く愛せよ」との王的律法を守らば、其為す所や宜し。
Kana muchichengeta muchokwadi murayiro woushe unowanikwa muRugwaro, unoti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozvida iwe,” munoita zvakanaka.
9 然れど若人に對して依怙あらば、是罪を犯して、犯人として律法に咎めらるるなり。
Asi kana muchitsaura vanhu, muri kutadza uye munotongwa nomurayiro savadariki vomurayiro.
10 其は誰にもあれ、律法を悉く守るも、一點の犯す所あらば、一切に對して有罪となればなり。
Nokuti ani naani anochengeta murayiro wose asi achigumburwa pachinhu chimwe chete ane mhosva yokuputsa murayiro wose.
11 蓋、「汝姦淫する勿れ」と曰ひし者は又、「殺す勿れ」と曰ひしが故に、假令姦淫せざるも殺す事あらば、是律法の違反者たるなり。
Nokuti iye akati, “Usaita upombwe,” ndiyewo akati, “Usauraya.” Kana usingaiti upombwe asi uchiuraya, wava mudariki womurayiro.
12 然れば汝等語るにも行ふにも、恰も自由の律法を以て審判せらるべき者の如くにせよ。
Taurai uye muchiita saavo vachazotongwa nomurayiro unopa rusununguko,
13 蓋審判は慈悲を為さざる人に慈悲なき者にして、慈悲は審判に勝つものなり。
nokuti kutonga kusinganzwiri ngoni kucharatidzwa kumunhu upi zvake akanga asinganzwiri ngoni. Ngoni dzinokunda kutonga!
14 我兄弟等よ、假令人自ら信仰ありと謂ふとも、行なくば何の益かあらん、信仰豈之を救ふを得んや。
Zvinobatsirei, hama dzangu, kana munhu achiti ano kutenda asi asina mabasa? Kutenda kwakadaro kungamuponesa here?
15 若兄弟姉妹の赤裸にして日々の食物に乏しからんに、
Kana hama kana hanzvadzi ikashayiwa zvokufuka nezvokudya zvezuva rimwe nerimwe,
16 汝等の中彼等に對ひて、心安く往きて身を暖め、飽くまで食せよ、と言ふ人ありとも、身に要する物を與へずば何の益かあらん。
uye mumwe wenyu akati, “Endai henyu, mufambe zvakanaka; mudziyirwe uye mugute,” asi asina chinhu chaamuitira chinodikanwa nomuviri wake, zvakanaka here izvozvo?
17 信仰も亦斯くの如し、行なくば死したるものなり。
Saizvozvowo, kutenda kwoga, kana kusina basa, kwakafa.
18 然るに人或は言はん、汝は信仰あり我は行あり、行なき汝の信仰を我に示せ、然らば我も亦行によりて我が信仰を汝に示さん、
Asi mumwe achati, “Iwe une kutenda; ini ndine mabasa.” Ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, uye ini ndichakuratidza kutenda kwangu nezvandinoita.
19 汝は神の唯一にて在す事を信ず、其為す所や宜し、惡魔も信じて戰慄くなりと。
Iwe unotenda kuti kuna Mwari mumwe. Zvakanaka! Kunyange madhimoni anotenda izvozvo, uye achidedera.
20 空なる人よ、行なき信仰の死したるものなるを知らん事を欲するか、
Iwe benzi, unoda kuona kuti kutenda kusina mabasa hakuna maturo here?
21 我父アブラハムは、祭壇の上に其子イザアクを献げて、行によりて義とせられしに非ずや。
Tateguru wedu Abhurahama haana kunzi akarurama here nokuda kwezvaakaita paakapa mwanakomana wake Isaka paaritari?
22 信仰が彼の行と共に働きし事と、行によりて信仰の全うせられし事とは汝の見る所なり。
Unoona kuti kutenda kwake uye namabasa ake zvaibata pamwe chete, uye kutenda kwake kukazadziswa nezvaakaita.
23 而して聖書に、「アブラハム神を信じたり、斯て此事義として彼に歸せられたり」と在ること成就し、彼は神の愛人とせられたり。
Uye Rugwaro rwakazadziswa runoti, “Abhurahama akatenda Mwari zvikaverengerwa kwaari kuti ndiko kururama,” uye akanzi shamwari yaMwari.
24 人の義とせらるるは、唯信仰のみに由らずして行に由るを見ずや。
Unoona kuti munhu anoruramisirwa nokuda kwezvaanoita, kwete nokutenda bedzi.
25 是と等しく娼婦ラハブも、使等を承けて外の道より去らしめ、行によりて義とせられしに非ずや。
Saizvozvowo, Rahabhi chifeve haana kunzi akarurama nokuda kwezvaakaita paakapa vasori imba uye akazovaendesa neimwe nzira here?
26 蓋霊なき肉體の死せるが如く、行なき信仰も亦死せるなり。
Sezvo muviri usina mweya wakafa, saizvozvo kutenda kusina mabasa kwakafa.

< ヤコブの手紙 2 >