< ヘブル人への手紙 8 >

1 第二款 キリストは其司祭職の執行を以て舊約の司祭に優り給ふ 今言ふ所の要點は是なり、即ち我等の有する大司祭は天に於て至大[なる稜威]の玉座の右に坐し給ひ、
Shoko guru pane izvozvi zvatiri kutaura ndiro iri rokuti: Tino muprista mukuru akadai, akagara kurudyi rwechigaro chaIshe kudenga,
2 聖所の役者にして、人の立てしにはあらで主の立て給ひし、眞の幕屋の役者にて在す。
uye anoshumira muimba tsvene, iyo tabhenakeri chaiyo yakamiswa naIshe, kwete nomunhu.
3 夫総て大司祭の立てらるるは、供物と犠牲とを献げん為なれば、彼も亦必ず献ぐべき何者かを有し給はざるべからず。
Muprista mukuru, mumwe nomumwe, akagadzwa kuti ape zvipo nezvibayiro kuna Mwari, naizvozvo zvakanga zvakafanira kuti uyu ave nechokubayirawo.
4 若地上に居給はば司祭と成り給はざるべし、其は律法に從ひて供物を献ぐる人々既にあればなり。
Dai akanga ari panyika, angadai asina kuva muprista, nokuti vaprista vakanga varipo kare vaibayira zvipo sezvakarehwa nomurayiro.
5 此人々は、在天の事物の模、及び影に奉事するのみ、恰もモイゼが幕屋を造らんとせし時に告げられしが如し、曰く、「看よ、何事も山に於て汝に示されし模型に從ひて之を為せ」と。
Vaishumira panzvimbo tsvene inova mufananidzo nomumvuri wezviri kudenga. Nokuda kweizvi Mozisi akayambirwa paakanga ava kuvaka tabhenakeri: “Uve nechokwadi kuti waita zvose maererano nomufananidzo wawakaratidzwa mugomo.”
6 然れど我等の大司祭が現に尚善き聖役を得給ひしは、尚善き約束を以て保證せられたる、尚善き契約の仲介者たるに應じてなり。
Asi ushumiri hwakapiwa Jesu hwakapfuura hwavo pakunaka sezvo ari murevereri wesungano inopfuura nokunaka pane sungano yakare, uye yakasimbiswa nezvipikirwa zviri nani.
7 蓋彼第一の契約に缺點なかりせば、第二のものを立つる餘地なかるべしと雖も、
Nokuti dai pakanga pasina chakaipa nesungano yokutanga pangadai pasina kuwanikwa mukana weimwe sungano.
8 [神]人々を咎めて曰ひけるは、「主曰く、看よ、日來らんとす、而して我イスラエルの家の上、又ユダの家の上に新約を全うすべし、
Asi Mwari akaona kukanganisa kwavanhu ava akati: “Nguva inouya, ndizvo zvinotaura Ishe, yandichaita sungano itsva neimba yaIsraeri, uye neimba yaJudha,
9 是我が彼等の先祖をエジプトの地より救出さんとて其手を取りし時、之に為しし約の如きものに非ず、蓋彼等は我約に止らざりしかば、我も亦彼等を顧みざりき、と主曰へり。
Haichazovi sesungano yandakaita namadzitateguru avo, pandakavabata noruoko kuti ndivabudise kubva muIjipiti, nokuti havana kuramba vakatendeka kusungano yangu, neniwo ndakavasiya, ndizvo zvinotaura Ishe.
10 即ち主曰はく、彼日の後、イスラエルの家に我が立てんとする約は斯なり、我律法を其精神に置き、之を其心に書記さん、而して我は彼等に神と成り、彼等は我に民と成るべし。
Iyi ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri, mushure menguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Ishe. Ndichaisa mirayiro yangu mundangariro dzavo, uye ndichainyora pamwoyo yavo. Ndichava Mwari wavo, uye vachava vanhu vangu.
11 又各其近き者、其兄弟に教へて、主を知れと言ふ事あらじ、其は小き者より大いなる者に至るまで悉く我を知るべければなり。
Hakuna munhu achazodzidzisa muvakidzani wake, kana munhu kudzidzisa hama yake, achiti, ‘Ziva Ishe,’ nokuti vose vachandiziva, kubva kumuduku kusvikira kumukuru pakati pavo.
12 蓋我彼等の不義を憫み、曾て其罪を記憶せざるべし」と。
Nokuti ndichavaregerera zvakaipa zvavo uye handizorangaririzve zvivi zvavo.”
13 然て新と曰へば、前のものを舊とし給ひしなり、舊にして老衰せるものは亡に近し。
Nokuti akati sungano iyi “itsva,” ipapo akashayisa basa yokutanga; zvino chinhu chisisina basa uye chava chekare chichaparara nokukurumidza.

< ヘブル人への手紙 8 >