< ガラテヤ人への手紙 3 >

1 第一項 律法にて詛はれ、信仰にて祝福を得。 愚かなる哉ガラチア人よ、十字架に釘けられ給ひしイエズス、キリスト、汝等の目前に書かれ給ひたるに、誰か汝等を蕩して眞理に背かしめしぞ、
Imi vaGaratia vokusafunga! Ndianiko akakuroyai? Jesu akaratidzwa pachena akarovererwa pamuchinjikwa pamberi penyu chaipo.
2 我は唯此事を聞かんと欲す、汝等が聖霊を蒙りしは律法の業によるか、信仰に從ひしによるか。
Ndinoda kuziva chinhu chimwe chete kubva kwamuri kuti: Makagamuchira Mweya nokuda kwokuchengeta murayiro here, kana nokuda kwokutenda zvamakanzwa?
3 汝等聖霊を以て始りしものを、今は肉を以て終る迄に愚なるか。
Muri vokusafunga zvakadai seiko? Mushure mokunge mambotanga muMweya, zvino moda kuedza kupedzisa chinangwa chenyu nesimba ravanhu here?
4 夥しく苦しみしは無益とならんか、否無益に非ざれかし。
Makatambudzika zvakadai pasina here, kana zvechokwadi zvakanga zviri pasina?
5 然れば汝等に[聖]霊を賜ひて、汝等の中に奇蹟を行ひ給へる者の斯く為し給ふは律法の業によるか、信仰に從ひしによるか、
Ko, Mwari anokupai Mweya wake uye achiita zvishamiso pakati penyu nokuda kwokuti munochengeta murayiro here, kana kuti nokuda kwokutenda zvamakanzwa?
6 録して、「アブラハム神を信ぜり、而して此事義として之に歸せられたり」とあるが如し。
Fungai Abhurahama kuti, “Akatenda Mwari, uye zvikanzi kwaari ndiko kururama.”
7 故に信仰に由る人々は、是アブラハムの子等なりと知れ。
Nzwisisai zvino, kuti avo vanotenda ndivo vana vaAbhurahama.
8 斯て聖書は、神が信仰に由りて異邦人を義とし給ふ事を豫め知りて、曾てアブラハムに福音を告げて曰く、「萬民汝に於て祝せられん」と。
Rugwaro rwakaona zviri mberi kuti Mwari aizoruramisa veDzimwe Ndudzi nokutenda, uye rukazivisa zvevhangeri kare kuna Abhurahama kuti, “Ndudzi dzose dzicharopafadzwa kubudikidza newe.”
9 然れば信仰に由る人々は、忠實なるアブラハムと共に祝せらるべきなり。
Saka avo vanokutenda ndivo vakaropafadzwa pamwe chete naAbhurahama, murume wokutenda.
10 凡律法の業に由る人々は詛の下に在り、其は録して、「総て律法の書に録されたる事を悉く守らんとして、之に止らざる人は詛はるべし」、とあればなり。
Vose vanovimba nokuchengeta murayiro vakatukwa, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vasingarambiri pakuita zvinhu zvose zvakanyorwa muBhuku roMurayiro.”
11 抑人が律法によりて神の御前に義とせられざる事は、「義人は信仰によりて活く」、とあるを以て明なり。
Zviri pachena kuti hapana munhu anoruramisirwa nomurayiro pamberi paMwari, nokuti, “Vakarurama vachararama nokutenda.”
12 律法は信仰によるに非ずして、「掟を行ふ人は之によりて活きん」、とあり。
Murayiro hauna kuvakwa pakutenda; asi hazvo, “Munhu anoita zvinhu izvi achararama nazvo.”
13 録して、「総て木に吊さるる人は詛はれたるなり」、とあれば、キリストは我等の為に詛はれたる者となりて、律法の詛より我等を贖ひ給ひしなり。
Kristu akatidzikinura kubva pakutukwa kwomurayiro paakava chakatukwa iye nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti.”
14 是アブラハムの祝福がキリスト、イエズスによりて異邦人に及ぼされ、約束せられ給ひし聖霊を信仰によりて我等が受けん為なり。
Akatidzikinura kuitira kuti kuropafadzwa kwakapiwa Abhurahama kugosvika kune veDzimwe Ndudzi kubudikidza naKristu Jesu, kuitira kuti nokutenda tigogamuchira chipikirwa choMweya.
15 第二項 律法の下に在りては未丁年者なるに、信仰及びキリスト教の下に在りては、丁年者となる 兄弟等よ、我人の言ふが如くに言へば、人の公正なる遺書は廃する人なく書加ふる人なし。
Hama dzangu, regai ndipe muenzaniso woupenyu hwamazuva ose. Sezvo pasina munhu angakonesa kana kuwedzera kusungano yakaitwa navanhu kana yakatosimbiswa, zvakadarowo pane izvozvi.
16 アブラハムと其裔とに約束せられし時、多くの人を斥すが如く裔[等]とは曰はずして、一人を斥して汝の裔と曰へり、これ即ちキリストなり。
Zvipikirwa zvakataurwa kuna Abhurahama uye nokumwana wake. Rugwaro harutauri ruchiti “uye kuvana,” zvichireva vanhu vazhinji, asi “uye kumwana wako,” kureva munhu mumwe, anova ndiye Kristu.
17 然て我は言はん、神の既に固め給ひし契約をば、其より四百三十年の後に與へられし律法が、約束を空しからしめんとて廃したるに非ず。
Zvandinoreva ndezvizvi: Murayiro, wakaziviswa mushure mamakore mazana mana ana makumi matatu, haungakonesi sungano yakasimbiswa kare naMwari uye nokudaro uchibvisa chipikirwa.
18 蓋世継若律法に由らば、是既に約束に由らざるなり。然れど神は約束を以て、之をアブラハムに賜ひたるなり。
Nokuti kana nhaka ichiwanikwa nokuda kwomurayiro, naizvozvo haichawanikwi nokuda kwechipikirwa; asi Mwari nenyasha dzake akaipa kuna Abhurahama kubudikidza nechipikirwa.
19 然らば律法は何ぞや、是約束せられし裔の來る迄の間、犯則の為に置かれしものにして、仲裁者の手を経て天使等によりて布告せられたるものなり。
Zvino, chinangwa chomurayiro chakanga chiri cheiko? Wakawedzerwa nokuda kwokudarika kusvikira Mwana akanga achirehwa nechivimbiso asvika. Murayiro wakashanda kubudikidza navatumwa uye nomurevereri.
20 然て仲裁者は一方のものに非ざるに、神は唯一にて在す。
Kunyange zvakadaro hazvo, murevereri, haamiririri munhu mumwe chete; asi Mwari ndomumwe.
21 然れば律法は神の約束に反するか、否々、蓋若人を能く活かすべき律法を與へられたらんには、義は實に律法により出づべし
Naizvozvo, murayiro unopikisana nechipikirwa chaMwari here? Kwete napaduku! Nokuti kana murayiro wakapiwa wakanga uchigona kupa upenyu, ipapo zvirokwazvo kururama kwaizouyawo nomurayiro.
22 と雖も、聖書は萬物を罪の下に閉籠たり。是約束はイエズス、キリストに於る信仰に由りて、信ずる人に與へられん為なり。
Asi Rugwaro runotaura kuti nyika yose yakapfigirwa nechivi, kuitira kuti chiya chakavimbiswa, chiri chakapiwa kubudikidza nokutenda kuna Jesu Kristu, chipiwe kuna avo vanotenda.
23 信仰の來る前には、我等は律法の下に閉籠められて、顕れんとする信仰の來るまで衛られつつありき。
Kutenda uku kusati kwasvika, takanga tiri vasungwa vomurayiro, takapfigirwa kusvikira kutenda kuchizoratidzwa.
24 然れば我等が信仰に由りて義とせられん為に、律法は我等をキリストに導く指導者となれり。
Saka murayiro wakaiswa kuti utitungamirire kuna Kristu kuitira kuti tigoruramisirwa nokutenda.
25 然れど信仰既に來りては、我等は最早指導者の下に在らず、
Zvino kutenda zvakwasvika, hatichisiri pasi pomurayiro.
26 其は汝等、キリスト、イエズスに於る信仰に由りて、皆神の子等なればなり。
Imi mose muri vanakomana vaMwari kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu,
27 即ちキリストに由りて洗せられたる汝等は、悉くキリストを着せるなり。
nokuti imi mose makabhabhatidzwa muna Kristu makapfeka Kristu.
28 斯てユデア人もなくギリシア人もなく、奴隷も自由の身もなく、男も女もなし、其は汝等キリスト、イエズスに於て皆一人なればなり。
Hakuchina muJudha kana muGiriki, mutapwa kana akasununguka, murume kana mukadzi, nokuti imi mose muri vamwe muna Kristu Jesu.
29 汝等若キリストのものならば、是アブラハムの裔なり、約束の儘なる世嗣なり。
Kana muri vaKristu, ipapo muri vana vaAbhurahama, uye vadyi venhaka maererano nechipikirwa.

< ガラテヤ人への手紙 3 >