< 使徒の働き 22 >

1 兄弟にして父たる人々よ、我が汝等に述べんとする事由を聞け、と。
“Hama nemi madzibaba, teererai kuzvidavirira kwangu zvino.”
2 人々彼がヘブレオ語にて語るを聞きて一層沈黙せり。
Pavakanzwa achitaura kwavari nechiHebheru, vakanyanya kunyarara. Ipapo Pauro akati,
3 斯てパウロ言ひけるは、我はユデア人にして、シリシアのタルソに生れ、此市中に育てられ、先祖の律法の眞理に從ひてガマリエルの足下に教へられ、律法の為に奮励せしは、恰も今日汝等一同の為せる如くなりき。
“Ini ndiri muJudha, akaberekerwa kuTasasi yeSirisia, asi ndakarerwa muguta rino. Pasi paGamarieri ndakanyatsodzidziswa mutemo wamadzibaba edu uye ndakanga ndichishingairira Mwari sezvamunoita imi nhasi.
4 我が男女を縛り且拘留して、死に至らしむるまで此道を迫害せしは、
Ndakatambudza vateveri veNzira iyi kusvikira pakufa kwavo, ndichisunga zvose varume navakadzi ndichivaisa mutorongo,
5 司祭長及び長老會が我に就きて證明せるが如し。我又彼等より兄弟等に宛てたる書簡を受け、人々を縛りてエルザレムに牽き、刑を受けしめんとてダマスコへ往きつつありしに、
sezvandingapupurirwawo nomuprista mukuru namakurukota ose. Ndakapiwa matsamba aibva kwavari okuenda nawo kuhama dzavo dzaiva muDhamasiko, ndikaenda ikoko kuti ndinouya navanhu ava kuJerusarema savasungwa kuti vazorangwa.
6 ダマスコに近づかんとする途中、日中に忽ち大いなる光ありて我を圍照せり。
“Nenguva dzinenge dzamasikati pandakanga ndoswedera pedyo neDhamasiko, pakarepo chiedza chakabva kudenga chikandipenyera kumativi ose.
7 然て地に倒れて、サウロよ、サウロよ、何故に我を迫害するぞ、と我に謂へる聲を聞き、
Ndakawira pasi ndikanzwa inzwi richiti kwandiri, ‘Sauro! Sauro! Unonditambudzireiko?’
8 主よ、汝は誰ぞ、と答へしに、我は汝が迫害せるナザレトのイエズスなり、と謂はれたり。
“Ndakati, ‘Ndimi aniko, Ishe?’ “Iye akati, ‘Ndini Jesu weNazareta, wauri kutambudza.’
9 伴侶なる人々は光を見たれど、我に語れる者の聲をば聞分けざりき。
Shamwari dzangu dzakaona chiedza, asi hadzina kunzwa inzwi raiye akanga achitaura neni.
10 然て我、主よ、何を為すべきぞ、と云ひたるに主曰はく、立ちてダマスコに往け、総て汝の為に定りたる事は其處にて言はるべし、と。
“Ndakabvunza ndikati, ‘Munoda kuti ndiiteiko Ishe?’ “Ishe akati, ‘Simuka, upinde muDhamasiko. Imomo ndimo mauchandoudzwa zvose zvawakatarirwa kuti uite.’
11 斯て我は彼光の輝の為に目見えざれば、伴侶の人に手を引かれてダマスコに至れり。
Shamwari dzangu dzakandisesedza pakupinda kwangu muDhamasiko, nokuti kuvaima kwechiedza kwakanga kwandipofumadza.
12 然るにアナニアとて、律法を遵奉し敬虔にして、當地に住めるユデア人一般に好評ある人、
“Murume ainzi Ananiasi akauya kuzondiona. Akanga akazvipira pakunamata Mwari nokucherechedza murayiro uye aikudzwa zvikuru navaJudha vose vaigaramo.
13 我許に來り側に立ちて、兄弟サウロ、見よ、と言ひしかば我即時に之を見たり。
Akamira neni akati, ‘Hama Pauro, chiona!’ uye nenguva yakare iyoyo ndakakwanisa kumuona.
14 彼又言ひけるは、我等の先祖の神は、汝をして御旨を知り、義なる者を見、其口づから聲を聞かしめん事を豫定し給へり。
“Ipapo akati, ‘Mwari wamadzibaba edu akusarudza iwe kuti uzive kuda kwake uone Iye Akarurama uye unzwe mashoko anobva mumuromo make.
15 其は汝見聞せし事に就きて、萬民に彼が證人たるべければなり。
Uchava chapupu chake kuvanhu vose, chezvawakaona nezvawakanzwa.
16 今は何をか躊躇ふぞや、立ちて洗せられよ、御名を頼みて汝の罪を滌去れ、と。
Saka zvino wakamirireiko? Simuka ubhabhatidzwe usukwe zvivi zvako, udane kuzita rake.’
17 斯て我エルザレムに返り、神殿にて祈れる折、氣を奪はるる如くになりて、
“Pandakadzokera kuJerusarema, uye ndichinyengetera ndiri mutemberi, ndakabatwa nomweya
18 主を見奉りしが、主我に向ひて、急げ、早くエルザレムを出でよ、其は人々我に関する汝の證明を承容れざるべければなり、と曰へり。
ndikaona Ishe achitaura kwandiri achiti, ‘Kurumidza kubva muJerusarema izvozvi, nokuti vanhu havangagamuchiri uchapupu hwako.’
19 其時我、主よ、我が曾て主を信ずる人々を監獄に閉籠め、之を諸會堂にて鞭ちし事、
“Ndakapindura ndikati, ‘Ishe, vanhu ava vanoziva kuti ndakanga ndichienda musinagoge rimwe nerimwe kuti ndinosunga uye ndirove vaya vaitenda kwamuri.
20 又主の證人ステファノの血の流されし時に立會ひ、且賛成して之を殺す人々の上衣を守りたりし事は、彼等の知る所なり、と言ひたるに、
Uye pavakateura ropa raSitefani chapupu chenyu, ndakanga ndimirepo ndichitenderana nazvo uye ndakachengeta nhumbi dzaivo vaimuuraya.’
21 主我に曰ひけるは、往け、汝を遠く異邦人に遣はすべし、と。
“Ipapo Ishe akati kwandiri, ‘Enda, nokuti ndichakutuma kure kune veDzimwe Ndudzi.’”
22 人々此言まで聴きけるが、是に至りて聲張揚げ、斯る者を地上より取除けよ、活くるに足らず、と謂ひて、
Vanhu vakamuteerera kusvikira ataura izvi. Ipapo vakadanidzira vachiti, “Mubvisei panyika! Haafaniri kurarama!”
23 叫びつつ衣服を脱棄て、且空中に塵を投飛しければ、
Pavakanga vachiita mheremhere vachikanda nguo dzavo pasi, uye vachikushira ivhu mudenga,
24 千夫長命じてパウロを兵営に牽入れしめ、又人々が彼に對して斯くまでに叫ぶことの何故なるかを知らんとて、鞭たしめ拷問せしめんとせり。
mukuru wavarwi akarayira kuti Pauro aendeswe kudzimba dzavarwi. Akarayira kuti arohwe uye abvunzwe kuitira kuti vazive kuti nemhaka yei vanhu vakanga vachimupopotera kudai.
25 然れば人々革紐を以て縛りたるに、パウロ側に立てる百夫長に謂ひけるは、ロマ人にして而も宣告せられざる者を汝等が鞭つこと可きか、と。
Pavakamusunga kuti vamurove, Pauro akati kumukuru wezana akanga amirepo, “Munotenderwa here nomutemo kuti murove muRoma, asina kana kutombowanikwa ane mhosva?”
26 百夫長之を聞きて千夫長に近づき、告げて、汝如何にせんとするぞ、此人はロマの公民なる者を、と云ひしかば、
Mukuru wezana akati anzwa izvi, akaenda kumukuru wavarwi akandomuzivisa izvozvo, akati, “Muchaita seiko zvino? Munhu uyu muRoma.”
27 千夫長近づきてパウロに謂ひけるは、我に告げよ、汝はロマ人なりや、と。パウロ、然り、と云ひしに、
Mukuru wavarwi akaenda kuna Pauro akati, “Nditaurire, uri muRoma here iwe?” Akapindura akati, “Hongu, ndiri muRoma.”
28 千夫長、我は大金を以て此公民権を得たり、と答へしかばパウロ、我は尚生れながらにして然り、と云へり。
Mukuru wehondo akati, “Ini ndakaita zvokutenga nomutengo mukuru kuti ndive muRoma.” Pauro akati, “Ini ndakaberekwa ndiri muRoma.”
29 是に於て拷問せんとせし人々忽ち立去り、千夫長も亦、其ロマ公民たる事を知りて後は、之を縛りたるが為に懼れたり。
Vaya vakanga voda kumubvunza vakabva varega pakarepo. Mukuru wamauto pachake akatya paakaona kuti akanga asunga Pauro, muRoma, nengetani.
30 第六項 パウロ衆議所に出頭しカイザリアへ護送せらる 翌日パウロがユデア人に訴へらるる所以を尚詳しく知らんとて、千夫長は其縲絏を釈き、命じて司祭等と全議會とを招集し、パウロを牽出して其前に立たしめたり。
Zuva rakatevera, sezvo mukuru wavarwi aida kuziva chaizvoizvo kuti sei Pauro akanga achipomerwa mhosva navaJudha, akamusunungura akarayira kuti vaprista vakuru neDare Guru ravaJudha vaungane. Ipapo akatora Pauro akamumisa pamberi pavo.

< 使徒の働き 22 >