< コリント人への手紙第二 9 >

1 第二項 施の性質及び好果 聖徒等の為にせらるる醵金に就きては、我汝等に書遣るに及ばず、
Handifaniri kunge ndichikunyorerai pamusoro poushumiri kuvatsvene.
2 汝等の志の趣けるを知ればなり。是によりて我、アカヤ[州]は昨年より既に準備せりとて、マケドニア人の前に汝等を以て誇と為す、斯て汝等の奮發は夥しき人々を励ましたるなり。
Nokuti ndinoziva kuda kwamunako kuti mubatsire, uye ndakanga ndichizvirumbidza nokuda kwaizvozvo kuna veMasedhonia, ndichivaudza kuti kubvira gore rakapera, imi vari muAkaya makanga matogadzirira kupa; uye kushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji vavo kuti vapewo.
3 然るを我が兄弟等を遣はしたるは、曾て汝等に就きて誇る事の此點に於て空しからず、既に言へる如く準備の成らん為なり。
Asi ndiri kutumira hama kuitira kuti kuzvirumbidza kwedu pamusoro penyu nokuda kwenyaya iyi kurege kuratidzwa pasina chinhu, asi kuti muve makagadzirira sezvandakataura kuti muite.
4 若マケドニア人我と共に至りて、汝等の準備の未成らざるを見ば、此點に於て、汝等は言ふに及ばず、恐くは我等も赤面するならん。
Nokuti zvimwe kana vamwe veMasedhonia vakauya neni uye vakakuwanai musina kugadzirira, isu tisingarevi chimwe chinhu pamusoro penyu, tichanyadziswa nokuda kwokuti takanga tichivimba nemi.
5 故に我兄弟等に請ひて、先ちて汝等に至り、既に約束せられし醵金を、吝むが如くにせず恵むが如くにして、豫め備置かしめん事を必要と思へり。
Saka ndakaona zvakafanira kuti ndikurudzire hama kuti dzikushanyirei pachine nguva uye kuti mugopedzisa kugadzirira nezvechipo chikuru chamakavimbisa. Ipapo chichava chipo chakagadzirirwa chakapiwa nomufaro, kwete sechipo chokumanikidzirwa.
6 是に於て我は言ふ、吝みて少く蒔く人は亦少く刈り、豊に蒔く人は亦豊に刈らん。
Rangarirai chinhu ichi: Ani naani anodyara zvishoma achakohwawo zvishoma, uye ani naani anodyara zvizhinji achakohwawo zvizhinji.
7 各心に決せし如く、吝まず、止むを得ざるに出でずして施すべし、神は喜びて與ふる人を嘉し給へばなり。
Munhu mumwe nomumwe ngaape sezvaakafunga mumwoyo make kuti ape, kwete kupa achitsutsumwa kana kuti achimanikidzwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa nomufaro.
8 抑神は能く凡ての恩寵を汝等の中に溢れしめ、汝等をして何時も萬事に十分ならざる所なく、凡ての善業に豊ならしむることを得給ふ、
Uye Mwari anogona kuita kuti nyasha dziwande kwamuri, kuitira kuti muzvinhu zvose, panguva dzose, muine zvose zvamunoda, muchakwanisa kuita mabasa ose akanaka.
9 録して、「[義人]蒔散らして貧人に與へたり、其義は世々に存す」、とあるが如し。 (aiōn g165)
Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Akaparadzira zvipo zvake kuvarombo; kururama kwake kunogara nokusingaperi.” (aiōn g165)
10 然て蒔く人に種を賜ふ者は食すべき麪をも賜ひ、汝等の種を殖し、且汝等の義の結ぶ果を増し給ふべし。
Zvino iye anopa mbeu kumudyari nechingwa chokudya achakupaiwo uye achakupaiwo mbeu zhinji mudura renyu uye agokupaiwo kukohwa kukuru kwokururama kwenyu.
11 斯て汝等が萬事に富み、総て快く施すを以て、人は我等に就きて神に感謝し奉るに至らん。
Muchapfumiswa pane zvose kuti mugogona kupa panguva dzose, uye kubudikidza nesu kupa kwenyu kuchaita kuti Mwari avongwe.
12 蓋此祭務を行ふは、聖徒等の缺乏を補ふ耳ならず、尚又主に對して多くの感謝を豊ならしむるなり。
Ushumiri uhu hwamunoita, hahusi hwokungopa vanhu vaMwari zvavanoshayiwa bedzi, asi kuti huri kufashukirawo mukuvonga kuzhinji kuna Mwari.
13 即ち聖徒等は此務を證據として、汝等がキリストの福音に對して顕す所の服從、及び彼等にも凡ての人にも快く施せる事に就きて、神に光榮を歸し奉らん。
Nokuda kwoushumiri uhwo hwamakazviratidza nahwo, vanhu vacharumbidza Mwari nokuda kwokuteerera kwenyu kunoenderana nokupupura kwenyu vhangeri raKristu, uye nokuda kwokugoverana kwenyu navo zvizhinji uye navamwe vose.
14 又神の汝等に賜ひし勝れたる恩寵に就き、汝等を慕ひて汝等の為に祈らん。
Uye muminyengetero yavo pamusoro penyu mwoyo yavo ichakushuvai, nokuda kwenyasha huru kwazvo dzamakapiwa naMwari.
15 言盡し難き御賜に就きて神に感謝し奉るべし。
Mwari ngaavongwe nokuda kwechipo chake chisingagoni kurondedzerwa!

< コリント人への手紙第二 9 >