< テモテへの手紙第一 1 >

1 我救主にて在す神及び我等が希望にて在すキリスト、イエズスの命によりてキリスト、イエズスの使徒たるパウロ、信仰上の實子チモテオに[書簡を贈る]。
Pauro, mupostori waKristu Jesu nokurayira kwaMwari Muponesi wedu, naKristu Jesu, tariro yedu,
2 願はくは父にて在す神及び我主キリスト、イエズスより恩寵と慈悲と平安とを賜はらん事を。
kuna Timoti mwanakomana wangu chaiye pakutenda: Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Ishe wedu.
3 第一項 教會の為に善く戰ふべし 第一編 教會の為に要求する所 我曾てマケドニアに往きし時汝に願ひし如く、汝はエフェゾに留り、或人々に命じて異なる事を教へざらしめ、
Sezvandakakumbira zvikuru kwauri pandakaenda kuMasedhonia, gara paEfeso kuitira kuti ugorayira vamwe varume kuti varege kudzidzisa dzidziso dzenhema,
4 且信仰に基ける神の道を立つるにはあらで却て様々の議論を起さする寓言と、究極なき系圖とに從事する事なからしめよ。
kana kuzvipira kungano nokunhoroondo dzamazita amadzitateguru dzisingaperi. Izvi zvinongomutsa nharo panzvimbo yebasa raMwari rinoitwa nokutenda.
5 抑此命令の目的は、潔き心と善き良心と偽なき信仰とに出づる愛なり。
Chinovavarirwa nomurayiro uyu ndirwo rudo runobva pamwoyo wakachena, hana yakanaka nokutenda kwechokwadi.
6 然れども彼人々は、是等の事に外れて無益なる談話に移り、
Vamwe vakarasika kubva pazvinhu izvi uye vakatsaukira mukutaura kusina maturo.
7 自ら律法の教師たらんと欲して、其言ふ所をも断言する所をも覚らざるなり。
Vanoda kuva vadzidzisi vomurayiro, asi havazivi zvavari kutaura pamusoro pazvo kana izvo zvavari kushingira kusimbisa.
8 然れども我等、律法は人正しく之を用ふれば善きものなることを知れり。
Tinoziva kuti murayiro wakanaka kana munhu achiushandisa zvakanaka.
9 律法の設けられしは義人の為に非ずして、不法人、反抗者、不敬者、罪人、無宗教者、卑俗者、父を殺す者、母を殺す者、殺人者、
Tinozivawo kuti murayiro hauna kuitirwa vakarurama asi vanodarika murayiro navanomukira, vasina umwari navatadzi, vasiri vatsvene navasina chinamato; vaya vanouraya vanababa vavo kana vanamai vavo, vanouraya vanhu,
10 私通者、男色者、誘拐者、虚言者、偽證者、及び健全なる教に反する他の一切の事の為なりと知るべきなり、
mhombwe navanopomba navamwe varume, navanotengesa vanhu kuti vave varanda, varevi venhema, navanopika nhema, uye kana chimwe chipi zvacho chinopesana nedzidziso yechokwadi
11 我に委られたる至福に在す神の光榮の福音に在るが如し。
inosimbisa vhangeri rokubwinya, raMwari akaropafadzwa, iro raakapa kwandiri.
12 我を堅固ならしめ給ひし我主キリスト、イエズスに感謝し奉る。其は我を聖役に任じて忠信なる者とし給ひたればなり。
Ndinovonga Kristu Jesu Ishe wedu, akandipa simba, akati ndakatendeka, akandiisa pabasa rake.
13 即ち我曩には冒涜者、迫害者、侮辱者たりしかど、信ぜざる時知らずして為ししが故に、慈悲を蒙りて、
Kunyange zvazvo ndaimbomhura Mwari ndiri mutambudzi nomunhu wokumanikidza, ndakaitirwa ngoni nokuti ndakazviita mukusaziva uye nomukusatenda.
14 キリスト、イエズスに於る信仰及び愛と共に、我主の恩寵身に餘れり。
Nyasha zhinji dzaIshe wedu dzakadururwa pamusoro pangu, pamwe chete nokutenda norudo zviri muna Kristu Jesu.
15 眞實にして全く信ずべき談なる哉、キリスト、イエズスの世に來り給ひしは罪人を救はん為なる事。我は其罪人の第一なり。
Herino shoko rezvokwadi rinofanira kutendwa kwazvo: Kristu Jesu akauya munyika kuti aponese vatadzi, ini ndiri mukuru wavo.
16 然るに慈悲を蒙りしはキリスト、イエズス其諸の堪忍を我に於て第一に顕し給ひ、永遠の生命を得んとて将に信ぜんとする人々に例を示し給はん為なり。 (aiōnios g166)
Asi nokuda kwechikonzero ichochi ndakaitirwa ngoni kuitira kuti mandiri ini mutadzi mukuru, Kristu Jesu aratidze mwoyo murefu wake usingaperi kuti ndive muenzaniso kuna avo vachatenda kwaari uye vagowana upenyu husingaperi. (aiōnios g166)
17 願はくは萬世の王に在し不朽にして見え給はざる唯一の神に、世々尊崇と光榮と在らん事を、アメン。 (aiōn g165)
Zvino iye Ishe asingaperi, asingafi, asingaonekwi, iye Mwari oga, ngaave nokukudzwa nokubwinya nokusingaperi-peri. (aiōn g165)
18 我子チモテオよ、汝に関はれる豫ての預言に從ひ、此命令を汝に寄す、之に應じて善き戰を戰ひ、
Timoti, mwanakomana wangu, ndinokupa murayiro uyu maererano nezvakaprofitwa kare pamusoro pako, kuti kana ukautevera ucharwa kurwa kwakanaka,
19 信仰と善き良心とを保て。或人々は之を棄て、信仰に就きて破船せしが、
wakabata kutenda uye nehana yakanaka. Vamwe vakaramba mirayiro iyi vakarasikirwa nokutenda kwavo.
20 其中にヒメネオとアレキサンデルと在りしを、冒涜せざる事を學ばしめんとて我之をサタンに付せり。
Vamwe vavo ndiHimenio naArekizanda, avo vandakaisa kuna Satani kuti vadzidziswe kuti varege kumhura Mwari.

< テモテへの手紙第一 1 >