< テモテへの手紙第一 3 >

1 第三項 聖職者の選抜 人ありて監督の務を欲するは善き業を欲するなりとは眞の談なり、
Herino shoko rechokwadi: kana munhu achitsvaka basa romutariri, anoda basa rinokudzika.
2 然れば監督は、咎むべき所なく、唯一婦の夫たり、謹慎、怜悧、端正、貞潔にして旅人を接待し、善く教を施し、
Zvino mutariri anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, anozvidzora, anokudzwa, anoitira vaeni rudo, anoziva kudzidzisa,
3 酒を嗜まず、人を打たず、柔和にして争はず、利を貪らず、
asingadhakwi, asingarwi uye ano unyoro, asina gakava, asingakariri mari.
4 善く其家を治め、其子女の謹みて之に服從する人たらざるべからず。
Anofanira kubata imba yake zvakanaka nokuona kuti vana vake vanomuteerera uye vachimukudza zvakanaka.
5 人若己が家を治むるを知らずば、如何にしてか神の教會に奮励せん。
(Kana munhu asingazivi kubata imba yake zvakanaka, angachengeta seiko kereke yaMwari?)
6 監督は新信徒たるべからず、恐くは驕りて惡魔に等しき審判に陥らん。
Asava mutendi mutsva, nokuti angazozvikudza akazotongwa zvimwe chetezvo sadhiabhori.
7 又外の人々に好評ある人たるべし、是耻辱と惡魔の罠とに陥らざらん為なり。
Anofanirawo kupupurirwa zvakanaka navari kunze, kuitira kuti arege kuzvidzwa, uye agowira mumusungo wadhiabhori.
8 執事等も斯の如く、尊くして兩舌ならず、酒を嗜まず、耻づべき利を貪らず、
Saizvozvowo, madhikoni ngavave vanhu vanokudzwa, vanorevesa, vasinganwi waini zhinji, uye vasingatsvaki pfuma yakaipa.
9 潔き良心を以て信仰の奥義を保てる者たるべし。
Vanofanira kuchengetedza zvakadzikadzika zvokutenda nehana yakanaka.
10 彼等も先試を受けて、咎むべき所なくば務むべきなり。
Vanofanira kutanga vaedzwa, uye kana pasina chavangapomerwa, ngavashumire samadhikoni.
11 婦人等も斯の如く、尊くして譏らず、節制して萬事に忠實なる者たるべし。
Nenzira imwe cheteyo, vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe asi vanozvidzora, vakatendeka pazvinhu zvose.
12 執事等は、一婦の夫にして善く其子女と家とを治むる者たるべし、
Mudhikoni anofanira kuva murume ano mukadzi mumwe chete uye anofanira kugona kubata vana vake nemba yake zvakanaka.
13 其は善く務めたる者は善き階級を得て、キリスト、イエズスに於る信仰に就きて大いなる勇氣を得べければなり。
Vaya vakashumira zvakanaka vanozviwanira zita rakanaka uye nokusimbiswa kukuru pakutenda kwavo muna Kristu Jesu.
14 我早く汝に至らん事を望みつつ是等の事を書遣るは、
Kunyange zvazvo ndine tariro yokuuya kwauri nokukurumidza, ndinokunyorera dzidziso idzi kuitira kuti,
15 若遅からん時、汝をして神の家に於て如何に行ふべきかを知らしめん為なり、神の家とは活き給へる神の教會なり、眞理の柱にして且基なり。
kana ndikanonoka, uchaziva kuti vanhu vanofanira kuzvibata sei mumba maMwari, inova kereke yaMwari mupenyu, mbiru nenheyo yechokwadi.
16 實にも大いなる哉敬虔の奥義、即ち[キリストは]肉に於て顕はされ、霊によりて證せられ、天使等に顕れ、異邦人に傳へられ、世に信ぜられ、光榮に上げられ給ひしなり。
Pasina kana mubvunzo, chakavanzika choumwari chikuru kwazvo: Iye akaratidzwa panyama, akaruramiswa noMweya, akaonekwa navatumwa, akaparidzwa pakati pendudzi panyika vakatenda kwaari, akakwidzwa mukubwinya.

< テモテへの手紙第一 3 >