< コリント人への手紙第一 16 >

1 聖徒等の為にする據金に就きては、我がガラチアの諸教會に命ぜし如く、汝等も亦然せよ。
Zvino pamusoro pezvipo zvakaunganidzirwa vanhu vaMwari: Itaiwo sezvandakarayira kereke dzavaGaratia kuti dziite.
2 我が汝等の許に至りて後據金せざらん為に、一週間の初の日毎に、汝等各成功に應じて自宅に貯金すべし。
Nomusi wokutanga wevhiki roga roga, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure mari kubva pamari yake zvichienderana napaanowana napo, muiunganidze pamwe chete, kuitira kuti pandinouya kurege kuzounganidzwa zvipo.
3 斯て我汝等の許に至りなば、添書して汝等の選まん人々を遣はし、汝等の恵をエルザレムに齎さしめん。
Zvino, kana ndasvika, ndichazopa matsamba okuzivisa kuvarume vamunenge masarudza uye ndichavatuma nechipo chenyu kuJerusarema.
4 若我も行くべき價値あらば、彼等は我と共に行くべきなり。
Kana zvakafanira kuti ndiendewo, vachaenda neni.
5 我はマケドニアを通らんとする故に、マケドニアを通りて汝等の許に至り、
Mushure mokupfuura nokuMasedhonia, ndichauya kwamuri, nokuti ndichapfuura nokuMasedhonia.
6 多くは汝等と共に留り、或は冬を過す事もあらん。是何處に行くも汝等より送られん為なり。
Zvimwe ndichagara nemi kwechinguva, kana kutopedza nguva yechando, kuitira kuti mugondibatsirawo parwendo rwangu, kwose kwandinoenda.
7 其は我路の次に汝等を見る事を好まず、主の許し給はば暫く汝等の中に留らん事を希望すればなり。
Nokuti handidi kukuonai zvino nokukushanyirai ndichingopfuura bedzi; ndine tariro yokuva nemi kwechinguvana, kana Ishe akatendera.
8 ペンテコステまではエフェゾに留らんとす、
Asi ndichati garei paEfeso kusvikira paPendekosti,
9 其は広くして且貢献あるべき門、我前に開け、又敵對する者多ければなり。
nokuti ndazarurirwa musuo mukuru wokuita basa guru, uyewo kune vazhinji vanondipikisa.
10 チモテオ汝等の許に至らば、注意して懼るる所なからしめよ。彼は我と齊しく主の業を行へる者なればなり。
Kana Timoti akauya, chenjerai kuti agare nemi asina chaangatya ari pakati penyu nokuti anobata basa raShe, sezvandinoita neniwo.
11 故に誰も彼を蔑にせず、途中を安らかに送りて我方に來る事を得しめよ、蓋我は彼と兄弟等とを待てるなり。
Naizvozvo, ngakurege kuva nomumwe anoramba kumugamuchira. Muperekedzei parwendo rwake norugare kuti akwanise kuuya kwandiri. Ndiri kumutarisira pamwe chete nehama.
12 兄弟アポルロの事を告げんに、我篤く彼が兄弟等と共に汝等の許に至らん事を願ひたれど、彼今は行く事を肯ぜず、機よき時を以て行くならん。
Zvino pamusoro pehama yedu Aporosi: Ndakamukurudzira kwazvo kuti auye kwamuri pamwe chete nedzimwe hama. Akanga asingadi kuuya iye zvino, asi achauya kana awana mukana.
13 汝等警戒して固く信仰に立ち、雄々しく挙動ひ、且堅固なれ。
Rindai; mirai nesimba mukutenda; ivai varume vakashinga; ivai nesimba.
14 汝等の業悉く愛を以て行はれよかし。
Itai zvinhu zvose murudo.
15 兄弟等よ、我汝等に希ふ、ステファナの家はアカヤ州の初穂にして、聖徒等の世話に身を委ねたるは汝等の知る所なれば、
Munoziva kuti mhuri yaStefanasi ndivo vakava vatendi vokutanga muAkaya, uye vakazvipira kushumira vatsvene. Ndinokukurudzirai hama,
16 汝等も斯の如き人々及び総て協力して働ける人々に服せよ。
kuti muzviise pasi pevakadai seava nepasi pavose vanobatana nesu pabasa, uye nevanoshingaira pariri.
17 我ステファナ、フォルツナト、及びアカイコの此處に居るを喜ぶ、其は汝等の不在を補ひ、
Ndakafara pakasvika Stefanasi, naFochunatusi naAkayikasi, nokuti vakandiitira zvamakanga musingagoni kundiitira imi.
18 即ち我と汝等との精神を安んぜしめたればなり。然れば汝等斯の如き人物を重んぜよ。
Nokuti vakazorodza mweya wangu neyenyuwo. Varume vakadai vanofanira kukudzwa.
19 [小]アジアの諸教會汝等に宜しくと言へり。アクィラとプリシルラ及び其家の教會は、主に於て懇に宜しくと言へり、(我彼等の家に宿る)。
Kereke dziri mudunhu reEzhia dzinokukwazisai. Akwira naPirisira vanokukwazisai zvikuru muna She, uyewo nekereke inoungana mumba mavo.
20 凡ての兄弟汝等に宜しくと云へり。聖なる接吻を以て互に宜しく傳へよ。
Hama dzose dziri kuno dzinokukwazisai. Kwazisanai nokutsvoda kutsvene.
21 我パウロ自筆を以て宜しく言ふ。
Ini Pauro, ndanyora kwaziso iyi noruoko rwangu.
22 人若我主イエズス、キリストを愛せずば排斥せられよ。我主來り給ふ。
Kana mumwe munhu asingadi Ishe, kutukwa ngakuve pamusoro pake. Uyai, imi Ishe!
23 願はくは我主イエズス、キリストの恩寵汝等と共に在らん事を。
Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive nemi.
24 我愛はキリスト、イエズスに於て汝等一同と共に在るなり、アメン。
Rudo rwangu ngaruve nemi mose muna Kristu Jesu. Ameni.

< コリント人への手紙第一 16 >