< コリント人への手紙第一 10 >

1 兄弟等よ我汝等の之を知らざるを好まず、即ち我等の祖先は皆曾て雲の下に在り、皆海を過り、
Nokuti hama dzangu, handidi kuti murege kuziva kuti madzibaba edu ose akanga ari pasi pegore uye kuti vose vakayambuka gungwa.
2 皆モイゼに属きて雲と海とを以て洗せられ、
Vose vakabhabhatidzwa muna Mozisi mugore nomugungwa.
3 皆同じ霊的食物を食し、
Vose vakadya zvokudya zvimwe chete zvoMweya
4 皆同じ霊的飲料を飲めり。蓋彼等に随ひつつありし霊的盤石より飲み居りしが、其盤石は即ちキリストなりき。
uye vose vakanwa zvokunwa zvimwe chete zvomweya; nokuti vakanwa kubva padombo romweya rakafamba navo, uye dombo iri raiva Kristu.
5 然れども彼等の多くは神の御旨に適はず、荒野にて斃れたり。
Kunyange zvakadaro, Mwari haana kufadzwa navazhinji vavo; mitumbi yavo yakaparadzirwa murenje.
6 是等の事は我等に於る前兆にして、彼等が貪りし如く我等が惡事を貪らざらん為なり。
Zvino, zvinhu izvi zvakanga zviri semienzaniso kwatiri, kuti tirege kuisa mwoyo yedu pazvinhu zvakaipa sezvavakaita.
7 汝等は又、彼等の中なる或人々の如く偶像崇拝者となる事勿れ、録して、「民は坐して飲食し、立ちて樂しめり」、とあるが如し。
Musanamata zvifananidzo, sezvakaita vamwe vavo; sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Vanhu vakagara pasi vakadya, vakanwa, uye vakasimuka kuti vatambe.”
8 又彼等の中に私通する人々ありて、死する者一日に二萬三千人に及びしが、我等は彼等の如く私通すべからず。
Hatifaniri kuita upombwe, sezvakaita vamwe vavo, uye vakafa zviuru makumi maviri nezvitatu muzuva rimwe chete.
9 又彼等の中にキリストを試むる人々ありて、蛇に亡ぼされしが、我等は彼等の如くキリストを試むべからず。
Hatifaniri kuedza Ishe, sezvakaita vamwe vavo, uye vakaurayiwa nenyoka.
10 又彼等の中に呟く人々ありて、亡ぼす者に亡ぼされしが、汝等は彼等の如く呟くべからず。
Uye murege kugununʼuna sezvakaita vamwe vavo, uye vakazourayiwa nomutumwa wokuparadza.
11 是等の事は皆前兆として彼等に起りつつありしが、其録されたるは、世の末が身に及べる我等の誡とならん為なり。 (aiōn g165)
Zvinhu izvi zvakaitika kwavari semienzaniso kwatiri uye zvikanyorwa kuti zvive yambiro kwatiri, iyesu takasvikirwa nokuzadziswa kwokuguma kwenyika. (aiōn g165)
12 然れば自ら立てりと思ふ人は倒れじと注意すべし。
Saka, kana uchifunga kuti wakamira zvakasimba, chenjera kuti urege kuwa!
13 汝等に係る試みは人の常なるもの耳、神は眞實にて在せば、汝等の力以上に試みらるる事を許し給はず、却て堪ふることを得させん為に、試と共に勝つべき方法をも賜ふべし。
Hakuna muedzo wakakuwirai imi, kunze kwaiwo unowira munhu wose. Uye Mwari akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo. Asi kana muchiedzwa, iye achakupai nzira yokubuda nayo kuti mugone kutsunga pairi.
14 第七項 再び供物の問題を説く 然れば我至愛なる者よ、偶像崇拝を避けよ。
Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodikanwa, tizai kunamata zvifananidzo.
15 我は智者に對する心にて語れば、汝等自ら我が言ふ所を判断せよ。
Ndiri kutaura kuvanhu vakachenjera; zvitongerei pachenyu pane zvandinotaura.
16 我等が祝する祝聖の杯は、キリストの御血を相共に授かるの義に非ずや。又我等が擘く所の麪は、相共に主の御體に與るの義に非ずや。
Ko, mukombe wokuvonga watinovonga, hakuzi kusangana neropa raKristu here? Uye chingwa chatinomedura, hakuzi kusangana nomuviri waKristu here?
17 蓋総て一の麪を授かる我等は、多人數なりと雖も、一の麪一の體なり。
Nokuti pane chingwa chimwe chete, isu vazhinji tiri muviri mumwe, nokuti tinogovana tose pachingwa chimwe.
18 肉に由れるイスラエル人を看よ、犠牲を食する人々は、祭壇の分配に與るに非ずや。
Cherechedzai vanhu veIsraeri: Ko, avo vanodya zvibayiro havagovani nearitari here?
19 然らば何事ぞ、偶像に献げられし犠牲は何物かなり、偶像は何物かなり、と我は言へるか、(然らず)。
Ko, ndinoreva kuti chibayiro chinobayirwa chifananidzo chinhu here, kana kuti chifananidzo chinhu here?
20 然れども異邦人の献ぐる犠牲は、神に献ぐるに非ずして惡鬼に献ぐるなり、我汝等が惡鬼の友となる事を禁ず。汝等主の杯と惡鬼の杯とを飲む事能はず、
Kwete, asi zvibayiro zvavahedheni zvinopiwa kumadhimoni kwete kuna Mwari, uye ini handidi kuti mugovane namadhimoni.
21 主の祭壇と惡鬼の祭壇とに與る事能はざるなり。
Hamunganwi mukombe waShe uye nomukombe wamadhimoniwo; hamungavi nomugove patafura yaShe uye napatafura yamadhimoni.
22 我等は主の妬を惹起こさんとするか、主よりも強き者なるか。何事も我に可なりと雖も、皆益あるには非ず、
Tiri kuedza kumutsa godo raShe here? Takasimba kupfuura iye here?
23 何事も我に可なりと雖も、皆徳を立つるには非ず、
Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinobatsira. Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinovaka.
24 誰も己が為に謀らずして人の為を求むべし。
Munhu ngaarege kutsvaka zvakamunakira iye, asi zvakanakira vamwe.
25 凡肉屋にて売る物は、良心の為に何事をも問はずして食せよ、
Idyai zvose zvinotengeswa pamusika wenyama musingabvunzi chinhu nokuda kwehana,
26 蓋地及び之に満てる物は主の物なり。
nokuti, “Nyika ndeyaShe, nokuzara kwayo.”
27 汝等若不信者の中より招かれ、諾して趣く事あらば、供せらるる一切の物を、良心の為に何事をも問はずして食せよ。
Kana mumwe asingatendi akakukoka kuzodya, uye kana uchida kuenda, udye zvose zvinenge zvaiswa pamberi pako usingabvunzi mubvunzo nokuda kwehana.
28 人ありて是偶像に献げられたる物なりと云はば、汝等之を告げたる人に對し、また良心に對して之を食する勿れ。
Asi kana mumwe akati kwauri, “Ichi chipiriso chakabayirwa,” rega kudya, nokuda kwaiye akuratidza, uye nokuda kwehana,
29 我が所謂る良心は汝のには非ずして其人の良心なり。蓋何為ぞ人の良心に由りて我自由を是非せらるるや。
ndinoreva hana yomumwe, kwete yako. Nokuti kusununguka kwangu kungatongerweiko nehana yomumwe?
30 若我感謝して食せば、何為ぞ我が感謝する所の物に就きて罵らるるや。
Kana ini ndichidya ndavonga, ndingagotukirweiko nokuda kwechinhu chandavonga Mwari pamusoro pacho?
31 然れば汝等食ふも飲むも又何事を為すも、総て神の光榮の為にせよ。
Naizvozvo, kunyange muchidya kana kunwa, chinhu chipi nechipi chamungaita, itai zvose kuti Mwari agokudzwa.
32 汝等ユデア人にも、異邦人にも、神の教會にも、躓かするものとなる事勿れ。
Musagumbusa munhu upi noupi zvake, angava muJudha, kana muGiriki kana kereke yaMwari,
33 猶我が己の利益となる事を求めず、多數の人の救はれん為に其有益なる事を求めて、萬事に其心を得んとするが如くせよ。
kunyange sezvandinoedzawo kufadza munhu wose pazvinhu zvose. Nokuti handitsvaki zvakandinakira ini asi zvakanakira vazhinji, kuitira kuti vagoponeswa.

< コリント人への手紙第一 10 >