< コリント人への手紙第一 1 >

1 神の思召に由りてイエズス、キリストの使徒と召されたるパウロ、並に兄弟ソステネス、
Pauro, akadanwa nokuda kwaMwari, kuti ave mupostori waKristu Jesu, naSositeni hama yedu,
2 コリントに在る神の教會、即ちキリスト、イエズスに於て聖とせられ聖徒と召されたる人々、及び彼等の處我等の處何れの處にも在りて、我主イエズス、キリストの御名を呼べる人々一同に[書簡を贈る]。
kukereke yaMwari iri muKorinde, kuna vaya vakaitwa vatsvene muna Kristu Jesu uye vakadanwa kuti vave vatsvene pamwe chete navose vari kwose kwose vanodana kuzita raIshe wedu Jesu Kristu, Ishe wavo nowedu:
3 願はくは我父にて在す神及び主イエズス、キリストより恩寵と平安とを汝等に賜はらんことを。
Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna Mwari Baba vedu naShe Jesu Kristu.
4 キリスト、イエズスに於て汝等に賜はりたる神の恩寵に就きて、我絶えず汝等の為に我神に感謝し奉る。
Ndinogara ndichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyasha dzake pamusoro penyu muna Kristu Jesu.
5 其は汝等彼に於て、凡ての教、凡ての智識、何物にも富める者となりたればなり。
Nokuti maari makapfumiswa pazvinhu zvose, mukutaura kwenyu kwose uye nomuruzivo rwenyu rwose,
6 蓋キリストの證明汝等の中に堅くせられたれば、
nokuti uchapupu hwedu pamusoro paKristu hwakasimbiswa mamuri.
7 汝等如何なる恩寵にも缼くる所なくして、我主イエズス、キリストの顕れ給ふを待てるなり。
Naizvozvo hapana kana chipo chomweya chamunoshayiwa pamunomirira nomwoyo wose kuratidzwa kwaIshe wedu Jesu Kristu.
8 神は汝等を終まで堅固ならしめ、無罪にして我主イエズス、キリストの降臨の日に至らしめ給ふべし。
Achakusimbisai kusvikira kumagumo, kuti murege kuva nechamungapomerwa pazuva raIshe wedu Jesu Kristu.
9 其は其御子にて在す我主イエズス、キリストに與すべく、汝等を召し給へる神は、眞實にて在せばなり。
Mwari, iye akakudanai kuti muwadzane noMwanakomana wake Jesu Kristu Ishe wedu, akatendeka.
10 第一項 分裂の第一原因即ち此世の智恵 第一編 コリント信者間の分裂を咎む 兄弟等よ、我主イエズス、キリストの御名によりて我汝等に勧告す、汝等皆言ふ所を同うして、其間に分裂ある事なく、同意同説に全く相一致せんことを。
Ndinokukumbirai zvikuru, hama, muzita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu parege kuva nokupesana uye kuti mubatanidzwe zvakanaka pamurangariro mumwe nomukufunga.
11 蓋我兄弟等よ、クロエの家の人々より報じ來りし所に據れば、汝等の間に[種々の]争論ある由。
Hama dzangu, vamwe venyu vokwaKirowe vakandiudza kuti pane gakava pakati penyu.
12 我之を云はんに、汝等各、我はパウロのもの、我はアポルロのもの我はケファのもの、我はキリストのものなりと云ふ。
Zvandinoreva ndezvokuti: Mumwe wenyu anoti, “Ini ndiri waPauro,” mumwe oti, “Ini ndiri waAporosi,” mumwewo oti, “Ini ndiri waKefasi,” mumwe zvakare oti, “Ini ndiri waKristu.”
13 キリスト豈分割せられ給ひし者ならんや、パウロは汝等の為に十字架に釘けられしか、或は汝等はパウロの名に由りて洗せられしか。
Kristu akaparadzaniswa here? Pauro akarovererwa pamuchinjikwa nokuda kwenyu here? Makabhabhatidzwa muzita raPauro here?
14 我は汝等の中、クリスポとカヨとの外、誰をも洗せざりし事を神に感謝す、
Ndinovonga Mwari kuti handina kubhabhatidza kana mumwe wenyu, kunze kwaKrispo naGayo,
15 然れば一人も我名によりて洗せられたりと云ふ者はあらじ。
kuti kurege kuva nomumwe wenyu anoti akabhabhatidzwa muzita rangu.
16 尚ステファナの一家をも洗したれど、其外には我人を洗したるを知らざるなり。
Hongu, ndakabhabhatidzawo veimba yaStefanasi; kunze kwaivavo, handirangariri kana ndakabhabhatidzazve mumwe munhu.
17 蓋我がキリストより遣はされしは、洗する為に非ずして福音を傳へん為なり。而も言の智恵を以てすべきに非ず、是キリストの十字架の空しくならざらん為なり。
Nokuti Kristu haana kundituma kuti ndinobhabhatidza asi kuti ndinoparidza vhangeri, kwete namashoko ouchenjeri hwavanhu, kuti muchinjikwa waKristu urege kupedzwa simba rawo.
18 蓋十字架の言は亡ぶる人には愚なる事なれども、救はるる者即ち我等には神の大能なり。
Nokuti shoko romuchinjikwa upenzi kuna vari kuparara, asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari.
19 録して、「我は智者の智恵を亡ぼし、賢者の賢さを傷はん」、とあればなり。
Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Ndichaparadza uchenjeri hwavakachenjera; ndichakonesa kuziva kwavanoziva.”
20 此世の智者何處にか在る、律法學者何處にか在る、論者何處にか在る。神は此世の智を愚ならしめ給ひしに非ずや。 (aiōn g165)
Akachenjera aripiko? Akadzidza aripiko? Muiti wenharo wenguva ino aripiko? Ko, Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here? (aiōn g165)
21 蓋世[の人]は其智恵を以て、神の全智[の業]に於て神を認めざりしかば、神は宣教の愚を以て信者を救ふを善しとし給へり。
Nokuti muuchenjeri hwaMwari, nyika kubudikidza nouchenjeri hwayo, haina kumuziva, Mwari akafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese kubudikidza noupenzi hwezvakaparidzwa.
22 即ちユデア人は徴を求め、ギリシア人は智恵を探ぬるに、
VaJudha vanoda zviratidzo uye vaGiriki vanotsvaka uchenjeri,
23 我等は十字架に釘けられ給へるキリストを宣傳ふるなり。是ユデア人に取りては躓くもの、ギリシア人に取りては愚なる事なれども、
asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha noupenzi kune veDzimwe Ndudzi.
24 召されしユデア人及びギリシア人に取りては神の大能、神の智恵たるキリストなり。
Asi kuna avo vakadanwa naMwari, zvose vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari nouchenjeri hwaMwari.
25 其は神の愚なる所は人よりも敏く、神の弱き所は人よりも強ければなり。
Nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura uchenjeri hwomunhu, uye utera hwaMwari hwakasimba kupfuura simba romunhu.
26 兄弟等よ、汝等の召されし者を看よ、肉に由れる智者は多からず、有力者は多からず、尊き者は多からず、
Hama dzangu, rangarirai zvamakanga muri pamakadanwa. Havazi vazhinji venyu vaiva namasimba; havasi vazhinji vaikudzwa pakuzvarwa kwavo.
27 却て智者を辱めんとて、神は世の愚なる所を召し給ひ、強き所を辱めんとて、神は世の弱き所を召し給ひ、
Asi Mwari akasarudza zvinhu zvoupenzi zvenyika ino kuti anyadzise vakachenjera; Mwari akasarudza zvisina simba zvenyika ino kuti anyadzise vane simba.
28 現に在る所を亡ぼさんとて、神は世の卑しき所、蔑にせらるる所、無き所をば召し給ひしなり。
Akasarudza zvinhu zvepasi pasi zvenyika ino uye zvakazvidzwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashayise simba zvinhu zviripo,
29 是何人も御前に於て驕らざらん為なり。
kuti kurege kuva nomunhu angazvikudza pamberi pake.
30 汝等は神に由りてこそ、我等の智恵と義と成聖と贖とに成り給ひしキリスト、イエズスに在るなれ。
Nokuda kwake, imi muri muna Kristu Jesu, uyo akava kwatiri uchenjeri hunobva kuna Mwari, iko kururama, noutsvene uye norudzikinuro rwedu.
31 是録されたる如く、「誇る者は主に於て誇らん」為なり。
Naizvozvo, sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Anozvikudza ngaazvikudze muna She.”

< コリント人への手紙第一 1 >