< 詩篇 103 >

1 ダビデの歌 わがたましいよ、主をほめよ。わがうちなるすべてのものよ、その聖なるみ名をほめよ。
Pisarema raDhavhidhi. Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu; zvose zviri mukati mangu, ngazvirumbidze zita rake dzvene.
2 わがたましいよ、主をほめよ。そのすべてのめぐみを心にとめよ。
Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu, uye urege kukanganwa mikomborero yake yose,
3 主はあなたのすべての不義をゆるし、あなたのすべての病をいやし、
iye anokanganwira zvivi zvako zvose, uye anoporesa kurwara kwako kwose,
4 あなたのいのちを墓からあがないいだし、いつくしみと、あわれみとをあなたにこうむらせ、
anodzikinura upenyu hwako kubva pagomba, uye anokushongedza korona yorudo netsitsi,
5 あなたの生きながらえるかぎり、良き物をもってあなたを飽き足らせられる。こうしてあなたは若返って、わしのように新たになる。
anogutsa zvido zvako nezvinhu zvakanaka, kuti uduku hwako huvandudzwe sohwegondo.
6 主はすべてしえたげられる者のために正義と公正とを行われる。
Jehovha anoita zvakarurama, uye anoruramisira vose vakadzvinyirirwa.
7 主はおのれの道をモーセに知らせ、おのれのしわざをイスラエルの人々に知らせられた。
Akazivisa nzira dzake kuna Mozisi, namabasa ake kuvanhu veIsraeri:
8 主はあわれみに富み、めぐみふかく、怒ること遅く、いつくしみ豊かでいらせられる。
Jehovha ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo.
9 主は常に責めることをせず、また、とこしえに怒りをいだかれない。
Haangarambi achipomera mhosva, uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi;
10 主はわれらの罪にしたがってわれらをあしらわず、われらの不義にしたがって報いられない。
haatiitiri sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu.
11 天が地よりも高いように、主がおのれを恐れる者に賜わるいつくしみは大きい、
Nokuti sokukwirira kwaakaita kudenga kumusoro kwenyika, ndizvo zvakaita kukura kworudo rwake kuna vanomutya;
12 東が西から遠いように、主はわれらのとがをわれらから遠ざけられる。
sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwatiri.
13 父がその子供をあわれむように、主はおのれを恐れる者をあわれまれる。
Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo, saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya;
14 主はわれらの造られたさまを知り、われらのちりであることを覚えていられるからである。
nokuti anoziva kuti takaumbwa sei, anorangarira kuti tiri guruva.
15 人は、そのよわいは草のごとく、その栄えは野の花にひとしい。
Kana ari munhu zvake, mazuva ake akaita souswa, anokura seruva resango;
16 風がその上を過ぎると、うせて跡なく、その場所にきいても、もはやそれを知らない。
mhepo inorova napamusoro paro onei raenda, uye nzvimbo yaranga riri haicharirangaririzve.
17 しかし主のいつくしみは、とこしえからとこしえまで、主を恐れる者の上にあり、その義は子らの子に及び、
Asi kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi, rudo rwaJehovha rwuri pane avo vanomutya, nokururama kwake kuvana vavana vavo,
18 その契約を守り、その命令を心にとめて行う者にまで及ぶ。
naavo vanochengeta sungano yake uye vanorangarira kuita zvaakatema.
19 主はその玉座を天に堅くすえられ、そのまつりごとはすべての物を統べ治める。
Jehovha akasimbisa chigaro chake choushe kudenga, uye ushe hwake hunotonga zvinhu zvose.
20 主の使たちよ、そのみ言葉の声を聞いて、これを行う勇士たちよ、主をほめまつれ。
Rumbidzai Jehovha, imi vatumwa vake, nemi vane simba vanoita zvaakarayira, vanoteerera shoko rake.
21 そのすべての万軍よ、そのみこころを行うしもべたちよ、主をほめよ。
Rumbidzai Jehovha, imi hondo dzose dzokudenga, imi varanda vake vanoita kuda kwake.
22 主が造られたすべての物よ、そのまつりごとの下にあるすべての所で、主をほめよ。わがたましいよ、主をほめよ。
Rumbidzai Jehovha, imi mabasa ake ose kwose kwose kuno umambo hwake. Rumbidza Jehovha, mweya wangu.

< 詩篇 103 >