< マラキ書 1 >

1 マラキによってイスラエルに臨んだ主の言葉の託宣。
Chirevo: Shoko raJehovha kuna Israeri kubudikidza naMaraki.
2 主は言われる、「わたしはあなたがたを愛した」と。ところがあなたがたは言う、「あなたはどんなふうに、われわれを愛されたか」。主は言われる、「エサウはヤコブの兄ではないか。しかしわたしはヤコブを愛し、
Jehovha anoti, “Ndakakudai.” Asi imi munobvunza muchiti, “Makatida seiko?” Jehovha anoti, “Ko, Esau akanga asiri mukoma waJakobho here?
3 エサウを憎んだ。かつ、わたしは彼の山地を荒し、その嗣業を荒野の山犬に与えた」。
Asi Esau ndakamuvenga, uye ndakashandura makomo ake akava matongo ndikapa nhaka yake kumakava murenje.”
4 もしエドムが「われわれは滅ぼされたけれども、荒れた所を再び建てる」と言うならば、万軍の主は「彼らは建てるかもしれない。しかしわたしはそれを倒す。人々は、彼らを悪しき国ととなえ、とこしえに主の怒りをうける民ととなえる」と言われる。
Edhomu angati, “Kunyange takaparadzwa hedu, tichavakazve matongo.” Asi zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Vangavaka havo, asi ndichakoromora. Vachanzi Nyika Yakaipa, vanhu vachagara vakatsamwirwa naJehovha.
5 あなたがたの目はこれを見て、「主はイスラエルの境を越えて大いなる神である」と言うであろう。
Muchazvionera nameso enyu mugoti, ‘Jehovha mukuru zvokutopfuura miganhu yeIsraeri!’”
6 「子はその父を敬い、しもべはその主人を敬う。それでわたしがもし父であるならば、あなたがたのわたしを敬う事実が、どこにあるか。わたしがもし主人であるならば、わたしを恐れる事実が、どこにあるか。わたしの名を侮る祭司たちよ、と万軍の主はあなたがたに言われる。ところがあなたがたは『われわれはどんなふうにあなたの名を侮ったか』と言い、
Jehovha Wamasimba Ose anoti, “Mwanakomana anokudza baba vake, uye muranda anokudza tenzi wake. Kana ndiri baba, kukudzwa kwangu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kuremekedzwa kwangu kuripiko? Ndimi, iyemi vaprista, munozvidza zita rangu. “Asi munobvunza muchiti, ‘Takazvidza zita renyu seiko?’”
7 汚れた食物をわたしの祭壇の上にささげる。またあなたがたは、主の台は卑しむべき物であると考えて、『われわれはどんなふうに、それを汚したか』と言う。
“Munondivigira zvokudya zvakasvibiswa paaritari yangu. “Asi imi munobvunza muchiti, ‘Takakusvibisai neiko?’” Jehovha Wamasimba Ose anoti, “Pakutaura kwenyu muchiti tafura yaJehovha inozvidzika.
8 あなたがたが盲目の獣を、犠牲にささげるのは悪い事ではないか。また足のなえたもの、病めるものをささげるのは悪い事ではないか。今これをあなたのつかさにささげてみよ。彼はあなたを喜び、あなたを受けいれるであろうかと、万軍の主は言われる。
Pamunouya nezvipfuwo zvakapofumara kuti zvibayirwe, hazvina kuipa here? Pamunobayira zvipfuwo zvakaremara kana zvinorwara, hazvina kuipa here? Chimboedzai kuzvivigira mubati wenyu! Angafadzwa nemi here? Angakugamuchirai here?”
9 あなたがたは、神がわれわれをあわれまれるように、神の恵みを求めてみよ。このようなあなたがたの手のささげ物をもって、彼はあなたがたを受けいれられるであろうかと、万軍の主は言われる。
Jehovha Wamasimba Ose anoti, “Zvino kumbirai Mwari kuti atiitire nyasha. Nezvipo zvakadai zvinobva mumaoko enyu, angakugamuchirai here?”
10 あなたがたがわが祭壇の上にいたずらに、火をたくことのないように戸を閉じる者があなたがたのうちに、ひとりあったらいいのだが。わたしはあなたがたを喜ばない、またあなたがたの手からささげ物を受けないと、万軍の主は言われる。
“Haiwa, dai mumwe wenyu aipfiga mikova yetemberi, kuitira kuti murege kubatidza moto isina maturo paaritari yangu! Handifadzwi nemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “uye handingagamuchiri zvipiriso zvinobva mumaoko enyu.
11 日の出る所から没する所まで、国々のうちにわが名はあがめられている。また、どこでも香と清いささげ物が、わが名のためにささげられる。これはわが名が国々のうちにあがめられているからであると、万軍の主は言われる。
Zita rangu richava guru pakati pendudzi, kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira. Zvinonhuhwira nezvipiriso zvitsvene zvichauyiswa kuzita rangu munzvimbo dzose, nokuti zita rangu richava guru pakati pendudzi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
12 ところがあなたがたは、主の台は汚れている、またこの食物は卑しむべき物であると言って、これを汚した。
“Asi munoizvidza pamunoti, ‘Tafura yaJehovha yakasvibiswa, uye zvokudya zvayo zvakashoreka.’
13 あなたがたはまた『これはなんと煩わしい事か』と言って、わたしを鼻であしらうと、万軍の主は言われる。あなたがたはまた奪った物、足なえのもの、病めるものを、ささげ物として携えて来る。わたしはそれを、あなたがたの手から、受けるであろうかと主は言われる。
Uye munoti, ‘Zvinorema sei!’ uye munoifembedza muchiizvidza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Pamunouyisa zvipfuwo zvakakuvara, zvakaremara kana zvinorwara kuzozvipa sezvibayiro, ndingazvigamuchira kubva pamaoko enyu here?” ndizvo zvinotaura Jehovha.
14 群れのうちに雄の獣があり、それをささげると誓いを立てているのに、傷のあるものを、主にささげる偽り者はのろわれる。わたしは大いなる王で、わが名は国々のうちに恐れられるべきであると、万軍の主は言われる。
“Ngaatukwe munyengeri ane gondobwe rakanaka pakati pamakwai ake, anopika kuti acharipa, asi agobayira chipfuwo chine chakaipa pachiri kuna Ishe. Nokuti ndiri mambo mukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “uye zita rangu rinofanira kutyiwa pakati pendudzi.

< マラキ書 1 >