< 士師記 2 >

1 主の使がギルガルからボキムに上って言った、「わたしはあなたがたをエジプトから上らせて、あなたがたの先祖に誓った地に連れてきて、言った、『わたしはあなたと結んだ契約を決して破ることはない。
Mutumwa waJehovha akakwidza achibva kuGirigari akaenda kuBhokimi akati, “Ndakakubudisai kubva muIjipiti uye ndikakutungamirirai munyika yandakapikira madzitateguru enyu. Ndakati, ‘Handichazomboputsi sungano yangu nemi,
2 あなたがたはこの国の住民と契約を結んではならない。彼らの祭壇をこぼたなければならない』と。しかし、あなたがたはわたしの命令に従わなかった。あなたがたは、なんということをしたのか。
uye imi musazoita sungano navanhu venyika ino, asi munofanira kuputsa aritari dzavo.’ Asi hamuna kunditeerera. Makaitireiko izvozvo?
3 それでわたしは言う、『わたしはあなたがたの前から彼らを追い払わないであろう。彼らはかえってあなたがたの敵となり、彼らの神々はあなたがたのわなとなるであろう』と」。
Naizvozvo zvino ndinokuudzai kuti handichazovadzingi pamberi penyu, vachava minzwa kumativi enyu uye vamwe vavo vachava musungo kwamuri.”
4 主の使がこれらの言葉をイスラエルのすべての人々に告げたので、民は声をあげて泣いた。
Mutumwa waJehovha akati ataura zvinhu izvi kuvaIsraeri vose, vanhu vakachema kwazvo,
5 それでその所の名をボキムと呼んだ。そして彼らはその所で主に犠牲をささげた。
uye vakatumidza nzvimbo iyo kuti Bhokimi. Ipapo, vakabayira zvipiriso kuna Jehovha.
6 ヨシュアが民を去らせたので、イスラエルの人々はおのおのその領地へ行って土地を獲た。
Shure kwokunge Joshua ati vaIsraeri vaende, vakaenda vakandotora nyika, mumwe nomumwe kunhaka yake.
7 民はヨシュアの在世中も、またヨシュアのあとに生き残った長老たち、すなわち主がかつてイスラエルのために行われたすべての大いなるわざを見た人々の在世中も主に仕えた。
Vanhu vakashumira mazuva ose okurarama kwaJoshua uye napamazuva avakuru vakasara vari vapenyu uye vakanga vaona zvinhu zvikuru zvose zvakanga zvaitirwa Israeri naJehovha.
8 こうして主のしもべヌンの子ヨシュアは百十歳で死んだ。
Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, akafa ava namakore zana negumi rimwe chete.
9 人々は彼をエフライムの山地のガアシ山の北のテムナテ・ヘレスにある彼の領地内に葬った。
Uye vakamuviga munyika yenhaka yake, paTiminati Heresi munyika yezvikomo yeEfuremu, kumusoro kweGomo reGaashi.
10 そしてその時代の者もまたことごとくその先祖たちのもとにあつめられた。その後ほかの時代が起ったが、これは主を知らず、また主がイスラエルのために行われたわざをも知らなかった。
Mushure mokunge chizvarwa chake chose chasanganiswa namadzibaba acho, chimwe chizvarwa chakanga chisingazivi Jehovha kana zvaakanga aitira Israeri chakamuka.
11 イスラエルの人々は主の前に悪を行い、もろもろのバアルに仕え、
Ipapo vaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha uye vakashumira vanaBhaari.
12 かつてエジプトの地から彼らを導き出された先祖たちの神、主を捨てて、ほかの神々すなわち周囲にある国民の神々に従い、それにひざまずいて、主の怒りをひき起した。
Vakarasa Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, akanga avabudisa kubva muIjipiti. Vakatevera uye vakanamata vamwari vakasiyana-siyana vendudzi dzakanga dzakavapoteredza. Vakatsamwisa Jehovha,
13 すなわち彼らは主を捨てて、バアルとアシタロテに仕えたので、
nokuti vakamurasa uye vakashumira Bhaari navaAshitoreti.
14 主の怒りがイスラエルに対して燃え、かすめ奪う者の手にわたして、かすめ奪わせ、かつ周囲のもろもろの敵の手に売られたので、彼らは再びその敵に立ち向かうことができなかった。
Mukutsamwira kwake vaIsraeri, Jehovha akavaisa mumaoko avapambi avo vakazovapamba. Akavatengesa kuvavengi vavo vakanga vakavapoteredza, avo vavakanga vasisagoni kudzivisa.
15 彼らがどこへ行っても、主の手は彼らに災をした。これは主がかつて言われ、また主が彼らに誓われたとおりで、彼らはひどく悩んだ。
Pose paienda Israeri kundorwa, ruoko rwaJehovha rwairwa navo kuti ruvakunde, sezvaakanga apika kwavari. Vakanga vari munhamo huru.
16 その時、主はさばきづかさを起して、彼らをかすめ奪う者の手から救い出された。
Ipapo Jehovha akavamutsira vatongi vakavaponesa kubva mumaoko avapambi ava.
17 しかし彼らはそのさばきづかさにも従わず、かえってほかの神々を慕ってそれと姦淫を行い、それにひざまずき、先祖たちが主の命令に従って歩んだ道を、いちはやく離れ去って、そのようには行わなかった。
Kunyange zvakadaro havana kuzoteerera kuvatongi vavo asi vakaita ufeve navamwe vamwari uye vakavanamata. Havana kuita samadzibaba avo, nokuti vakakurumidza kutsauka munzira yaifamba madzibaba avo, nzira yokuteerera kumirayiro yaJehovha.
18 主が彼らのためにさばきづかさを起されたとき、そのさばきづかさの在世中、主はさばきづかさと共におられて、彼らを敵の手から救い出された。これは彼らが自分をしえたげ悩ました者のゆえに、うめき悲しんだので、主が彼らをあわれまれたからである。
Pose pavaimutsirwa mutongi naJehovha, iye aiva nomutongi uyo, uye aivaponesa kubva mumaoko avavengi vavo, mutongi paainge achiri mupenyu; nokuti Jehovha ainge avanzwira ngoni pavaigomera vari pasi pavaya vaivadzvinyirira uye vachivarwadzisa.
19 しかしさばきづかさが死ぬと、彼らはそむいて、先祖たちにまさって悪を行い、ほかの神々に従ってそれに仕え、それにひざまずいてそのおこないをやめず、かたくなな道を離れなかった。
Asi mutongi paainge afa, vanhu vaidzokera kunzira dzakaipisisa kupinda dziya dzamadzibaba avo, vachitevera vamwe vamwari, vachivashandira uye vachivanamata. Vakaramba kusiya mabasa avo akaipa nokusindimara kwemwoyo yavo.
20 それで主はイスラエルに対し激しく怒って言われた、「この民はわたしがかつて先祖たちに命じた契約を犯し、わたしの命令に従わないゆえ、
Naizvozvo Jehovha akavatsamwira zvikuru akati, “Nemhaka yokuti rudzi urwu rwakaputsa sungano yangu yandakaita namadzitateguru avo uye vakasanditeerera,
21 わたしもまたヨシュアが死んだときに残しておいた国民を、この後、彼らの前から追い払わないであろう。
handichadzingizve pamberi pavo rudzi rupi zvarwo rwedzimwe ndudzi dzakasiyiwa naJoshua pakufa kwake.
22 これはイスラエルが、先祖たちの守ったように主の道を守ってそれに歩むかどうかをわたしが試みるためである」。
Ndichavashandisa kuti vaedze vaIsraeri, kuti ndione kuti vachachengeta here nzira yaJehovha vagofamba mairi sezvakaitwa namadzitateguru avo.”
23 それゆえ主はこれらの国民を急いで追い払わずに残しておいて、ヨシュアの手にわたされなかったのである。
Jehovha akatendera ndudzi idzo kuti dzisare; haana kudzidzinga pakarepo uye haana kudziisa mumaoko aJoshua.

< 士師記 2 >