< ヨブ 記 14 >

1 女から生れる人は日が短く、悩みに満ちている。
“Munhu akazvarwa nomukadzi ane mazuva mashoma azere nokutambudzika.
2 彼は花のように咲き出て枯れ、影のように飛び去って、とどまらない。
Anobuda seruva agosvava; anotiza somumvuri, haagari.
3 あなたはこのような者にさえ目を開き、あなたの前に引き出して、さばかれるであろうか。
Ko, munotarisisa munhu akadai here? Ko, muchamuuyisa kuzotongwa pamberi penyu here?
4 だれが汚れたもののうちから清いものを出すことができようか、ひとりもない。
Ndianiko angabudisa chinhu chakachena kubva pane chine tsvina? Hakuna!
5 その日は定められ、その月の数もあなたと共にあり、あなたがその限りを定めて、越えることのできないようにされたのだから、
Mazuva omunhu akatarwa; makatema kuwanda kwemwedzi yake, mukamutarira miganhu yaasingagoni kudarika.
6 彼から目をはなし、手をひいてください。そうすれば彼は雇人のように、その日を楽しむことができるでしょう。
Naizvozvo regai kumutarisa uye mumusiye ari oga, kusvikira apedza nguva yake somunhu anoshanda.
7 木には望みがある。たとい切られてもまた芽をだし、その若枝は絶えることがない。
“Asi kumuti kune tariro: Kana ukatemwa, unobukirazve, uye mabukira awo matsva haasvavi.
8 たといその根が地の中に老い、その幹が土の中に枯れても、
Midzi yawo ingava yakwegura hayo muvhu uye hunde yawo ichifa muvhu,
9 なお水の潤いにあえば芽をふき、若木のように枝を出す。
asi uchabukira pakunhuhwira kwemvura ugomera somuti uchangotanga kumera.
10 しかし人は死ねば消えうせる。息が絶えれば、どこにおるか。
Asi munhu anofa agoradzikwa pasi; anofema kokupedzisira uye haazovapozve.
11 水が湖から消え、川がかれて、かわくように、
Sokupera kunoita mvura mugungwa, kana kupwa nokuoma kworwizi,
12 人は伏して寝、また起きず、天のつきるまで、目ざめず、その眠りからさまされない。
saizvozvo munhu anovata pasi asingazomuki; kusvikira matenga asisiko, vanhu havazomukizve kana kumutswa pakuvata kwavo.
13 どうぞ、わたしを陰府にかくし、あなたの怒りのやむまで、潜ませ、わたしのために時を定めて、わたしを覚えてください。 (Sheol h7585)
“Haiwa, dai mandiviga henyu muguva chete, uye mandiviga kusvikira kutsamwa kwenyu kwapfuura! Dai chete manditarira nguva, uye ipapo mugondirangarira! (Sheol h7585)
14 人がもし死ねば、また生きるでしょうか。わたしはわが服役の諸日の間、わが解放の来るまで待つでしょう。
Kana munhu akafa, angazoraramazve here? Mazuva ose okushanda kwangu kwakaoma, ndicharindira kusvikira kuvandudzwa kwangu kwasvika.
15 あなたがお呼びになるとき、わたしは答えるでしょう。あなたはみ手のわざを顧みられるでしょう。
Muchadana uye ini ndichakupindurai; muchashuva chisikwa chamakaita namaoko enyu.
16 その時あなたはわたしの歩みを数え、わたしの罪を見のがされるでしょう。
Zvirokwazvo muchaverenga nhambwe dzangu ipapo, asi musingarondi chivi changu.
17 わたしのとがは袋の中に封じられ、あなたはわたしの罪を塗りかくされるでしょう。
Kudarika kwangu kuchasungirwa musaga; muchafukidzira chivi changu.
18 しかし山は倒れてくずれ、岩もその所から移される。
“Asi sokupfupfunyuka kunoita gomo rigoondomoka, uye sokubviswa kwedombo panzvimbo yaro,
19 水は石をうがち、大水は地のちりを洗い去る。このようにあなたは人の望みを断たれる。
semvura inochera mabwe, uye sokuyerera kwemvura zhinji inokukura ivhu, saizvozvo munoparadza tariro yomunhu.
20 あなたはながく彼に勝って、彼を去り行かせ、彼の顔かたちを変らせて追いやられる。
Munomukunda kamwe chete zvachose, uye akasazovapo; munoshandura chiso chake mobva mamudzinga.
21 彼の子らは尊くなっても、彼はそれを知らない、卑しくなっても、それを悟らない。
Kana vanakomana vake vachikudzwa, iye haazvizivi; kana vakadzikisirwa pasi, iye haazvioni.
22 ただおのが身に痛みを覚え、おのれのために嘆くのみである」。
Anongonzwa kurwadza kwomuviri wake chete, agozvichema iye pachake bedzi.”

< ヨブ 記 14 >