< イザヤ書 45 >

1 わたしはわが受膏者クロスの右の手をとって、もろもろの国をその前に従わせ、もろもろの王の腰を解き、とびらをその前に開かせて、門を閉じさせない、と言われる主はその受膏者クロスにこう言われる、
“Zvanzi naJehovha kumuzodziwa wake, kuna Sirasi, ane ruoko rworudyi rwandakabata kuti akunde ndudzi pamberi pake, uye kuti atorere madzimambo zvombo zvavo, kuti ndizarure mikova pamberi pake, masuo agorega kupfigwa:
2 「わたしはあなたの前に行って、もろもろの山を平らにし、青銅のとびらをこわし、鉄の貫の木を断ち切り、
Ndichaenda mberi kwako uye ndichaenzanisa makomo; ndichaputsa masuo endarira uye ndichacheka ndigopinda napamazariro esimbi.
3 あなたに、暗い所にある財宝と、ひそかな所に隠した宝物とを与えて、わたしは主、あなたの名を呼んだイスラエルの神であることをあなたに知らせよう。
Ndichakupa pfuma yerima, upfumi hwakavigwa panzvimbo dzakavanda, kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari waIsraeri, anokudana nezita rako.
4 わがしもべヤコブのために、わたしの選んだイスラエルのために、わたしはあなたの名を呼んだ。あなたがわたしを知らなくても、わたしはあなたに名を与えた。
Nokuda kwaJakobho muranda wangu, nokwaIsraeri musanangurwa wangu, ndinokudana nezita rako, uye ndinoisa pamusoro pako zita rokukudzwa, kunyange iwe usingandizivi.
5 わたしは主である。わたしのほかに神はない、ひとりもない。あなたがわたしを知らなくても、わたしはあなたを強くする。
Ndini Jehovha, uye hakuna mumwe; kunze kwangu ini hakuna Mwari. Ndichakusimbisa, kunyange usina kundiziva,
6 これは日の出る方から、また西の方から、人々がわたしのほかに神のないことを知るようになるためである。わたしは主である、わたしのほかに神はない。
kuti kubva kumabudazuva kusvikira kwarinovirira, vanhu vazive kuti hakuna mumwe kunze kwangu. Ndini Jehovha uye hakuna mumwe.
7 わたしは光をつくり、また暗きを創造し、繁栄をつくり、またわざわいを創造する。わたしは主である、すべてこれらの事をなす者である。
Ndinoumba chiedza uye ndinosika rima, ndinoita rugare uye ndinosika njodzi; ini Jehovha, ndini ndinoita zvinhu izvi zvose.
8 天よ、上より水を注げ、雲は義を降らせよ。地は開けて救を生じ、また義をも、生えさせよ。主なるわたしはこれを創造した。
“Imi matenga kumusoro, nayisai kururama; makore ngaakudonhedze pasi. Nyika ngaizaruke kwazvo, ruponeso ngarutubuke, kururama ngakukure pamwe chete narwo; ini Jehovha, ndini ndakazvisika.
9 陶器が陶器師と争うように、おのれを造った者と争う者はわざわいだ。粘土は陶器師にむかって『あなたは何を造るか』と言い、あるいは『あなたの造った物には手がない』と言うだろうか。
“Ane nhamo uyo anokakavadzana noMuiti wake, iye anongova chaenga pakati pezvaenga pamusoro pevhu. Ko, ivhu ringati kumuumbi, ‘Uri kugadzirei?’ Ko, basa rako rinoti here, ‘Uyu haana maoko?’
10 父にむかって『あなたは、なぜ子をもうけるのか』と言い、あるいは女にむかって『あなたは、なぜ産みの苦しみをするのか』と言う者はわざわいだ」。
Ane nhamo uyo anoti kuna baba vake, ‘Chiiko chamakabereka?’ kana kuna mai vake, ‘Chiiko chamakazvara?’
11 イスラエルの聖者、イスラエルを造られた主はこう言われる、「あなたがたは、わが子らについてわたしに問い、またわが手のわざについてわたしに命ずるのか。
“Zvanzi naJehovha, iye Mutsvene waIsraeri, noMuiti wake: Pamusoro pezvinhu zvichauya, unondibvunza here pamusoro pavana vangu, kana kundirayira pamusoro pebasa ramaoko angu?
12 わたしは地を造って、その上に人を創造した。わたしは手をもって天をのべ、その万軍を指揮した。
Ndini ndakaita nyika uye ndikasika vanhu vendudzi dzose pamusoro payo. Maoko angu pachangu akatatamura matenga; ndakarayira hondo dzawo dzose dzenyeredzi.
13 わたしは義をもってクロスを起した。わたしは彼のすべての道をまっすぐにしよう。彼はわが町を建て、わが捕囚を価のためでなく、また報いのためでもなく解き放つ」と万軍の主は言われる。
Ndichamutsa Sirasi mukururama kwangu: ndichaita kuti nzira dzake dzose dzirurame. Achavakazve guta rangu, uye achasunungura vatapwa vangu, asi pasina muripo kana mubayiro, ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.”
14 主はこう言われる、「エジプトの富と、エチオピヤの商品と、たけの高いセバびととはあなたに来て、あなたのものとなり、あなたに従い、彼らは鎖につながれて来て、あなたの前にひれ伏し、あなたに願って言う、『神はただあなたと共にいまし、このほかに神はなく、ひとりもない』」。
Zvanzi naJehovha: “Zvibereko zveIjipiti nezvinoshambadzirwa zveEtiopia, navaSabhea varefu, vachauya kwauri uye vachava vako; vachatevera mushure mako, vachiuya kwauri vakasungwa nengetani. Vachapfugama pamberi pako uye vachakunyengetedza, vachiti, ‘Zvirokwazvo Mwari anewe, uye hakunazve mumwe; hakuna mumwe mwari.’”
15 イスラエルの神、救主よ、まことに、あなたはご自分を隠しておられる神である。
Zvechokwadi muri Mwari anozvivanza, imi Mwari noMuponesi waIsraeri.
16 偶像を造る者は皆恥を負い、はずかしめを受け、ともに、あわてふためいて退く。
Vose vanoita zvifananidzo vachava nenyadzi uye vachanyadziswa, vachasvika pakunyadziswa pamwe chete.
17 しかし、イスラエルは主に救われて、とこしえの救を得る。あなたがたは世々かぎりなく、恥を負わず、はずかしめを受けない。
Asi Israeri achaponeswa naJehovha noruponeso rusingaperi; hamuchazombonyadziswi kana kuva nenyadzi, kusvikira kumakore asingaperi.
18 天を創造された主、すなわち神であってまた地をも造り成し、これを堅くし、いたずらにこれを創造されず、これを人のすみかに造られた主はこう言われる、「わたしは主である、わたしのほかに神はない。
Nokuti zvanzi naJehovha, iye akasika matenga, ndiye Mwari; iye akaumba uye akaita nyika, ndiye akaisimbisa; haana kuisikira kuti igare isina chinhu, asi akaiumba kuti igarwe, anoti: “Ndini Jehovha, uye hakuna mumwe.
19 わたしは隠れたところ、地の暗い所で語らず、ヤコブの子孫に『わたしを尋ねるのはむだだ』と言わなかった。主なるわたしは正しい事を語り、まっすぐな事を告げる。
Handina kutaura ndiri pakavanda, ndichibva kumwe kunyika yerima; handina kuti kuvana vaJakobho, ‘Nditsvakei pasina.’ Ini, Jehovha ndinotaura chokwadi; ndinoparidza zvakarurama.
20 もろもろの国からのがれてきた者よ、集まってきて、共に近寄れ。木像をにない、救うことのできない神に祈る者は無知である。
“Unganai pamwe chete muuye; unganai, imi vatizi vanobva kune dzimwe ndudzi. Vose vanotakura mifananidzo yamatanda havazivi, vanonyengetera kuna vamwari vasingagoni kuponesa.
21 あなたがたの言い分を持ってきて述べよ。また共に相談せよ。この事をだれがいにしえから示したか。だれが昔から告げたか。わたし、すなわち主ではなかったか。わたしのほかに神はない。わたしは義なる神、救主であって、わたしのほかに神はない。
Paridzai zvichauya, muzvibudise pachena: ngavarangane pamwe chete. Ndianiko akazvitaura kare, ndiani akazvireva kubva kare nakare? Handizini Jehovha here? Uye kunze kwangu ini hakuna Mwari, Mwari akarurama noMuponesi; hakuna mumwe asi ini.
22 地の果なるもろもろの人よ、わたしを仰ぎのぞめ、そうすれば救われる。わたしは神であって、ほかに神はないからだ。
“Dzokerai kwandiri mugoponeswa, imi mose migumo yenyika; nokuti ndini Mwari, uye hakuna mumwe.
23 わたしは自分をさして誓った、わたしの口から出た正しい言葉は帰ることがない、『すべてのひざはわが前にかがみ、すべての舌は誓いをたてる』。
Ndakapika neni pachangu, muromo wangu wakataura nokururama kwose shoko risingazoshandurwi: Mabvi ose achapfugama pamberi pangu; ndimi dzose dzichapika neni.
24 人はわたしについて言う、『正義と力とは主にのみある』と。人々は主にきたり、主にむかって怒る者は皆恥を受ける。
Vachati pamusoro pangu, ‘Muna Jehovha chete ndimo muno kururama nesimba.’” Vose vakamutsamwira vachauya kwaari uye vachanyadziswa.
25 しかしイスラエルの子孫は皆主によって勝ち誇ることができる」。
Asi rudzi rwose rwaIsraeri ruchawanikwa rwakarurama muna Jehovha uye ruchafara.

< イザヤ書 45 >