< 歴代誌Ⅰ 2 >

1 イスラエルの子らは次のとおりである。ルベン、シメオン、レビ、ユダ、イッサカル、ゼブルン、
Ava ndivo vaiva vanakomana vaIsraeri: Rubheni, Simeoni, Revhi, Judha, Isakari, Zebhuruni,
2 ダン、ヨセフ、ベニヤミン、ナフタリ、ガド、アセル。
Dhani, Josefa, Bhenjamini, Nafutari, Gadhi naAsheri.
3 ユダの子らはエル、オナン、シラである。この三人はカナンの女バテシュアがユダによって産んだ者である。ユダの長子エルは主の前に悪を行ったので、主は彼を殺された。
Vanakomana vaJudha vaiva: Eri, Onani naShera. Vatatu ava akavaberekerwa nomudzimai wechiKenani, mwanasikana waShua. Eri dangwe raJudha, akanga akaipa pamberi paJehovha. Saka Jehovha akamuuraya.
4 ユダの嫁タマルはユダによってペレヅとゼラを産んだ。ユダの子らは合わせて五人である。
Tamari muroora waJudha akamuberekera Perezi naZera. Judha aiva navanakomana vashanu vose pamwe chete.
5 ペレヅの子らはヘヅロンとハムル。
Vanakomana vaPerezi vaiva: Hezironi naHamuri.
6 ゼラの子らはジムリ、エタン、ヘマン、カルコル、ダラで、合わせて五人である。
Vanakomana vaZera vaiva: Zimuri, Etani, Hemani, Karikori naDharidha; vose vaiva vashanu.
7 カルミの子はアカル。アカルは奉納物について罪を犯し、イスラエルを悩ました者である。
Mwanakomana waKarimi aiva: Akari, uyo akauyisa matambudziko pamusoro peIsraeri nokutyora murayiro wokusatora zvinhu zvakaereswa.
8 エタンの子はアザリヤである。
Mwanakomana waEtani ainzi Azaria.
9 ヘヅロンに生れた子らはエラメル、ラム、ケルバイである。
Vanakomana vaHezironi vaiva: Jerameeri, Rami naKarebhu.
10 ラムはアミナダブを生み、アミナダブはユダの子孫のつかさナションを生んだ。
Rami aiva baba vaAminadhabhi, uye Aminadhabhi aiva baba vaNahashoni mutungamiri wavanhu veJudha.
11 ナションはサルマを生み、サルマはボアズを生み、
Nahashoni aiva baba vaSarimoni, Sarimoni ari baba vaBhoazi,
12 ボアズはオベデを生み、オベデはエッサイを生んだ。
Bhoazi aiva baba vaObhedhi uye Obhedhi aiva baba vaJese.
13 エッサイは長子エリアブ、次にアビナダブ、第三にシメア、
Jese aiva baba vaEriabhi dangwe rake; mwanakomana wake wechipiri ainzi Abhinadhabhi, wechitatu ainzi Shimea,
14 第四にネタンエル、第五にラダイ、
wechina ainzi Netaneri, wechishanu ainzi Radhai,
15 第六にオゼム、第七にダビデを生んだ。
wechitanhatu ainzi Ozemi uye wechinomwe ainzi Dhavhidhi.
16 彼らの姉妹はゼルヤとアビガイルである。ゼルヤの産んだ子はアビシャイ、ヨアブ、アサヘルの三人である。
Hanzvadzi dzavo dzaiva Zeruya naAbhigairi. Vanakomana vatatu vaZeruya vaiva Abhishai, Joabhu naAsaheri.
17 アビガイルはアマサを産んだ。アマサの父はイシマエルびとエテルである。
Abhigairi aiva amai vaAmasa, baba vaAmasa vainzi Jeteri muIshumaeri.
18 ヘヅロンの子カレブはその妻アズバおよびエリオテによって子をもうけた。その子らはエシル、ショバブ、アルドンである。
Karebhu mwanakomana waHezironi akabereka vana nomudzimai wake Azubha (uye naJerioti). Ava ndivo vaiva vanakomana vake: Jesheri Shobhabhi naAridhoni.
19 カレブはアズバが死んだのでエフラタをめとった。エフラタはカレブによってホルを産んだ。
Azubha paakafa Karebhu akaroora Efurati uyo akamuberekera Huri.
20 ホルはウリを生み、ウリはベザレルを生んだ。
Huri aiva baba vaUri uye Uri aiva baba vaBhezareri.
21 そののちヘヅロンはギレアデの父マキルの娘の所にはいった。彼が彼女をめとったときは六十歳であった。彼女はヘヅロンによってセグブを産んだ。
Shure kwaizvozvo, Hezironi akavata nomwanasikana waMakiri baba vaGireadhi; akanga amuwana paakanga ava namakore makumi matanhatu; akamuberekera Segubhi.
22 セグブはヤイルを生んだ。ヤイルはギレアデの地に二十三の町をもっていた。
Segubhi aiva baba vaJairi, uyo aitonga maguta makumi maviri namatatu muGireadhi.
23 しかしゲシュルとアラムは彼らからハボテ・ヤイルおよびケナテとその村里など合わせて六十の町を取った。これらはみなギレアデの父マキルの子孫であった。
(Asi Geshuri naAramu vakatapa Habhoti Jairi pamwe chete neKenati namaguta akaripoteredza, maguta makumi matanhatu.) Ava vose vaiva vorudzi rwaMakiri baba vaGireadhi.
24 ヘヅロンが死んだのち、カレブは父ヘヅロンの妻エフラタの所にはいった。彼女は彼にテコアの父アシュルを産んだ。
Mushure mokunge Hezironi afira muKarebhu Efurata, Abhija mudzimai waHezironi akamuberekera Ashuri baba vaTekoa.
25 ヘヅロンの長子エラメルの子らは長子ラム、次はブナ、オレン、オゼム、アヒヤである。
Vanakomana vaJerameeri dangwe raHezironi vaiva: Rami dangwe rake, Bhuna, Oreni, Ozemi naAhija.
26 エラメルはまたほかの妻をもっていた。名をアタラといって、オナムの母である。
Jerameeri akanga ane mumwe mukadzi, zita rake rainzi Atara. Akanga ari amai vaOnami.
27 エラメルの長子ラムの子らはマアツ、ヤミン、エケルである。
Vanakomana vaRamu dangwe raJerameeri vaiva: Maazi, Jamini naEkeri.
28 オナムの子らはシャンマイとヤダである。シャンマイの子らはナダブとアビシュルである。
Vanakomana vaOnami vaiva: Shamai naJadha. Vanakomana vaShamai vaiva: Nadhabhi naAbhishuri.
29 アビシュルの妻の名はアビハイルといって、アバンとモリデを産んだ。
Mukadzi waAbhishuri ainzi Abhihairi akamuberekera Abhani naMoridhi.
30 ナダブの子らはセレデとアッパイムである。セレデは子をもたずに死んだ。
Vanakomana vaNadhabhi vaiva: Seredhi naApaimi. Seredhi akafa asina vana.
31 アッパイムの子はイシ、イシの子はセシャン、セシャンの子はアヘライである。
Mwanakomana waApaimi ainzi Ishi uyo aiva baba vaSheshani. Sheshani aiva baba vaArai.
32 シャンマイの兄弟ヤダの子らはエテルとヨナタンである。エテルは子をもたずに死んだ。
Vanakomana vaJadha, mununʼuna waShamai vaiva: Jeteri naJonatani. Jeteri akafa asina vana.
33 ヨナタンの子らはペレテとザザである。以上はエラメルの子孫である。
Vanakomana vaJonatani vaiva: Pereti naZaza. Ava ndivo vaiva zvizvarwa zvaJerameeri.
34 セシャンには男の子はなく、ただ女の子のみであったが、彼はヤルハと呼ぶエジプトびとの奴隷をもっていたので、
Sheshani aiva asina vanakomana, aiva navanasikana chete. Aiva nomuranda wechiIjipita ainzi Jara.
35 セシャンは娘を奴隷ヤルハに与えてその妻とさせた。彼女はヤルハによってアッタイを産んだ。
Sheshani akapa mwanasikana wake kuti ave mukadzi womuranda wake. Jara akamuberekera Atai.
36 アッタイはナタンを生み、ナタンはザバデを生み、
Atai aiva baba vaNatani, Natani aiva baba vaZabhadhi,
37 ザバデはエフラルを生み、エフラルはオベデを生み、
Zabhadhi baba vaEfirari, Efirari baba vaObedhi,
38 オベデはエヒウを生み、エヒウはアザリヤを生み、
Obhedhi baba vaJehu, Jehu baba vaAzaria,
39 アザリヤはヘレヅを生み、ヘレヅはエレアサを生み、
Azaria baba vaHerezi, Herezi baba vaEreasa,
40 エレアサはシスマイを生み、シスマイはシャルムを生み、
Ereasa baba vaSisimai, Sisimai baba vaSharumi,
41 シャルムはエカミヤを生み、エカミヤはエリシャマを生んだ。
Sharumi baba vaJekamia, uye Jekamia aiva baba vaErishama.
42 エラメルの兄弟であるカレブの子らは長子をマレシャといってジフの父である。マレシャの子はヘブロン。
Vanakomana vaKarebhu mununʼuna waJerameeri vaiva: Mesha dangwe rake, uyo aiva baba vaZifi uye nomwanakomana wake Maresha, uyo aiva baba vaHebhuroni.
43 ヘブロンの子らはコラ、タップア、レケム、シマである。
Vanakomana vaHebhuroni vaiva: Kora, Tapuwa, Rekemu naShema.
44 シマはラハムを生んだ。ラハムはヨルカムの父である。またレケムはシャンマイを生んだ。
Shema aiva baba vaRahamu, uye Rahamu baba vaJorikeami. Rekemu aiva baba vaShamai.
45 シャンマイの子はマオン。マオンはベテヅルの父である。
Mwanakomana waShamai ainzi Maoni, uye Maoni aiva baba vaBheti Zuri.
46 カレブのそばめエパはハラン、モザ、ガゼズを産んだ。ハランはガゼズを生んだ。
Mumwe murongo waKarebhu ainzi Efa ndiye aiva amai vaHarani, Moza naGazezi. Harani aiva baba vaGazezi.
47 エダイの子らはレゲム、ヨタム、ゲシャン、ペレテ、エパ、シャフである。
Vanakomana vaJadhai vaiva: Regemu, Jotamu, Geshani, Pereti, Efa naShaafi.
48 カレブのそばめマアカはシベルとテルハナを産み、
Mumwe murongo waKarebhu ainzi Maaka ndiye aiva amai vaShebheri naTirana.
49 またマデマンナの父シャフおよびマクベナとギベアの父シワを産んだ。カレブの娘はアクサである。
Akaberekawo Shaafi baba vaMadhimana naShevha baba vaMakibhena naGibhea. Mwanasikana waKarebhu ainzi Akisa.
50 これらはカレブの子孫であった。エフラタの長子ホルの子らはキリアテ・ヤリムの父ショバル、
Izvi ndizvo zvizvarwa zvaKarebhu. Vanakomana vaHuri dangwe raEfurata: Shobhari baba vaKiriati Jearimi,
51 ベツレヘムの父サルマおよびベテガデルの父ハレフである。
Sarima baba vaBheterehema, naHarefi baba vaBheti Gadheri.
52 キリアテ・ヤリムの父ショバル子らはハロエとメヌコテびとの半ばである。
Zvizvarwa zvaShobhari baba vaKiriati Jearimi zvaiva: Haroe, hafu yavaManahati,
53 キリアテ・ヤリムの氏族はイテルびと、プテびと、シュマびと、ミシラびとであって、これらからザレアびとおよびエシタオルびとが出た。
uye dzimba dzaKiriati Jearimi dzaiva: vaItiri, vaPuti, vaShumati navaMishirai. Kuna ivava kwakabva vaZorati navaEshitaori.
54 サルマの子らはベツレヘム、ネトパびと、アタロテ・ベテ・ヨアブ、マナハテびとの半ばおよびゾリびとである。
Zvizvarwa zvaSarima zvaiva: Bheterehema, vaNetofati, Atiroti Bheti Joabhu, hafu yavaManahati, vaZori,
55 またヤベヅに住んでいた書記の氏族テラテびと、シメアテびと、スカテびとである。これらはケニびとであってレカブの家の先祖ハマテから出た者である。
uye dzimba dzavanyori vaigara paJabhezi dzaiva: vaTirati, vaShimeati navaSukati. Ava ndivo vaKeni vakabva kuna Hamati baba veimba yaRekabhi.

< 歴代誌Ⅰ 2 >