< 箴言 知恵の泉 29 >

1 しばしば責られてもなほ強項なる者は救はるることなくして猝然に滅されん
Munhu anoramba akaomesa mutsipa wake mushure mokutsiurwa kazhinji achaparadzwa nokukurumidza, kusina chingamubatsira.
2 義者ませば民よろこび 惡きもの權を掌らば民かなしむ
Kana vakarurama vachiwanda, vanhu vanofara; asi kana vakaipa vachitonga, vanhu vanogomera.
3 智慧を愛する人はその父を悦ばせ 妓婦に交る者はその財產を費す
Munhu anoda uchenjeri anouyisa mufaro kuna baba vake, asi anoshamwaridzana nechifeve anoparadza pfuma yake.
4 王は公義をもて國を堅うす されど租税を征取る者はこれを滅す
Nokururamisira mambo anosimbisa nyika, asi uyo anokara fufuro anoiparadza.
5 その鄰に諂ふ者はかれの脚の前に羅を張る
Ani naani anonyengera muvakidzani wake anodzikira tsoka dzake mumbure.
6 惡人の罪の中には罟あり 然ど義者は歓び樂しむ
Munhu akaipa anoteyiwa nezvivi zvake, asi munhu akarurama anogona kuimba uye agofara.
7 義きものは貧きものの訟をかへりみる 然ど惡人は之を知ることを願はず
Vakarurama vane hanya nokururamisirwa kwavarombo, asi vakaipa havana hanya naizvozvo.
8 嘲笑人は城邑を擾し 智慧ある者は怒をしづむ
Vatuki vanomutsa bope muguta, asi vanhu vakachenjera vanodzora kutsamwa.
9 智慧ある人おろかなる人と爭へば或は怒り或は笑ひて休むことなし
Kana munhu akachenjera akaenda kumatare nebenzi, benzi rinotsamwa uye rigotuka, zvokuti hapangavi norugare.
10 血をながす人は直き人を惡む されど義き者はその生命を救はんことを求む
Vanhu vanofarira kudeura ropa vanovenga munhu akarurama, uye vanotsvaka kuuraya vakarurama.
11 愚なる者はその怒をことごとく露はし 智慧ある者は之を心に蔵む
Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose, asi munhu akachenjera anozvibata.
12 君王もし虚偽の言を聽かばその臣みな惡し
Kana mutongi akateerera nhema machinda ake ose achava akaipa.
13 貧者と苛酷者と偕に世にをる ヱホバは彼等の目に光をあたへ給ふ
Murombo nomunhu anomanikidza vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye anoita kuti meso avo vose aone.
14 眞實をもて弱者を審判する王はその位つねに堅く立つべし
Kana mambo akatonga varombo nokururamisira, chigaro chake choushe chinogara chakachengetedzeka nguva dzose.
15 鞭と譴責とは智慧をあたふ 任意になしおかれたる子はその母を辱しむ
Shamhu yokuranga inopa uchenjeri, asi mwana anosiyiwa akadaro achanyadzisa mai vake.
16 惡きもの多ければ罪も亦おほし 義者は彼等の傾覆をみん
Kana vakaipa vachiwanda, nezvivi zvinowandawo, asi vakarurama vachaona kuwa kwavo.
17 なんぢの子を懲せ さらば彼なんぢを安からしめ 又なんぢの心に喜樂を與へん
Ranga mwanakomana wako, ipapo achakupa rugare; achauyisa mufaro kumweya wako.
18 默示なければ民は放肆にす 律法を守るものは福ひなり
Pasina chizaruro, vanhu vanoramba kuzvidzora; asi akaropafadzwa uyo anochengeta murayiro.
19 僕は言をもて譴むるとも改めず 彼は知れども從はざればなり
Muranda haarayirwi namashoko zvawo chete, nokuti kunyange achinzwisisa, haangadaviri.
20 なんぢ言を謹まざる人を見しや 彼よりは却て愚なる者に望あり
Unoona here munhu anotaura achikurumidza? Benzi rine tariro zhinji kupfuura iye.
21 僕をその幼なき時より柔かに育てなば終には子の如くならしめん
Kana munhu akaregerera muranda wake kubva paudiki, achazotarisira kodzero dzomwanakomana pakupedzisira.
22 怒る人は爭端を起し憤る人は罪おほし
Munhu akashatirwa anomutsa kupesana, uye munhu ane hasha anoita zvivi zvizhinji.
23 人の傲慢はおのれを卑くし 心に謙だる者は榮譽を得
Kuzvikudza kwomunhu kunomudzikisira pasi, asi munhu ane mweya wokuzvininipisa achawana kukudzwa.
24 盗人に黨する者はおのれの霊魂を惡むなり 彼は誓を聽けども説述べず
Anoshamwaridzana nembavha anozvivenga iye pachake; anoiswa pasi pemhiko, asi haangakwanisi kupa uchapupu.
25 人を畏るれば罟におちいる ヱホバをたのむ者は護られん
Kutya munhu kuchava musungo, asi ani naani anovimba naJehovha achagara akachengetedzeka.
26 君の慈悲を求むる者はおほし 然れど人の事を定むるはヱホバによる
Vazhinji vanotsvaka nyasha kumutongi, asi kururamisirwa kwomunhu kunobva kuna Jehovha.
27 不義をなす人は義者の惡むところ 義くあゆむ人は惡者の惡むところなり
Vakarurama vanovenga vasina kutendeka; vakaipa vanovenga vakarurama.

< 箴言 知恵の泉 29 >