< マタイの福音書 10 >

1 かくてイエスその十二 弟子を召し、穢れし靈を制する權威をあたへて、之を逐ひ出し、もろもろの病、もろもろの疾患を醫すことを得しめ給ふ。
Zvino wakadanira kwaari vadzidzi vake gumi nevaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina, kuti vaibudise nekuporesa denda rese neurwere hwese.
2 十二 使徒の名は左のごとし。先づペテロといふシモン及びその兄弟アンデレ、ゼベダイの子ヤコブ及びその兄弟ヨハネ、
Zvino mazita evaapositori gumi nevaviri ndiwawa: Wekutanga, Simoni, anonzi Petro, naAndiriya munin'ina wake; Jakobho waZebhedhi, naJohwani munin'ina wake;
3 ピリポ及びバルトロマイ、トマス及び取税人マタイ、アルパヨの子ヤコブ及びタダイ、
Firipi, naBhatoromeo; Tomasi, naMatewu muteresi; Jakobho waArifiyo, naRebheu wainziwo Tadhiyo;
4 熱心 黨のシモン及びイスカリオテのユダ、このユダはイエスを賣りし者なり。
Simoni muKenani, naJudhasi Isikariyoti iyewo wakamutengesa.
5 イエスこの十二 人を遣さんとて、命じて言ひたまふ。『異邦人の途にゆくな、又サマリヤ人の町に入るな。
Ava gumi nevaviri Jesu akavatuma, akavaraira, achiti: Musaenda munzira yevahedheni, musapinda muguta reVaSamaria;
6 むしろイスラエルの家の失せたる羊にゆけ。
asi zvikuru muende kumakwai akarasika eimba yaIsraeri.
7 往きて宣べつたへ「天國は近づけり」と言へ。
Zvino pakufamba, muparidze muchiti: Ushe hwekumatenga hwaswedera.
8 病める者をいやし、死にたる者を甦へらせ、癩病人をきよめ、惡鬼を逐ひいだせ。價なしに受けたれば價なしに與へよ。
Poresai vanorwara, natsai vane maperembudzi, mutsai vakafa, budisai madhimoni. Makagamuchira pachena, ipai pachena.
9 帶のなかに金・銀または錢をもつな。
Musawana goridhe, kana sirivheri, kana ndarira mumabhanhire enyu,
10 旅の嚢も、二 枚の下衣も、鞋も、杖ももつな。勞動人の、その食物を得るは相應しきなり。
kana homwe yerwendo, kana nguvo refu mbiri, kana manyatera, kana tsvimbo; nokuti mushandi wakafanira kudya kwake.
11 いづれの町いづれの村に入るとも、その中にて相應しき者を尋ねいだして、立ち去るまでは其處に留れ。
Muguta ripi neripi kana mumusha wamunopinda, bvunzai kuti ndiani mauri wakafanira, mugarepo, kusvikira muchibva.
12 人の家に入らば平安を祈れ。
Zvino kana muchipinda muimba, muikwazise.
13 その家もし之に相應しくば、汝らの祈る平安はその上に臨まん。もし相應しからずば、その平安はなんぢらに歸らん。
Uye kana imba yakafanira, rugare rwenyu ngaruuye pamusoro payo; asi kana isingafaniri, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri.
14 人もし汝らを受けず、汝らの言を聽かずば、その家その町を立ち去るとき、足の塵をはらへ。
Uye ani nani usingakugamuchiriyi, kana kuteerera mashoko enyu, kana muchibuda paimba iyo kana paguta iro, zuzai guruva retsoka dzenyu.
15 まことに汝らに告ぐ、審判の日には、その町よりもソドム、ゴモラの地のかた耐へ易からん。
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvichava nani kunyika yeSodhoma neyeGomora nezuva rekutongwa kupfuura guta iro.
16 視よ、我なんぢらを遣すは、羊を豺狼のなかに入るるが如し。この故に蛇のごとく慧く、鴿のごとく素直なれ。
Tarirai, ini ndinokutumai semakwai pakati pemapumhi; naizvozvo chenjerai senyoka, mururame senjiva.
17 人々に心せよ、それは汝らを衆議所に付し、會堂にて鞭うたん。
Asi svinurirai vanhu; nokuti vachakukumikidzai kumatare emakurukota, uye vachakurovai netyava mumasinagoge avo;
18 また汝 等わが故によりて、司たち王たちの前に曳かれん。これは彼らと異邦人とに證をなさん爲なり。
zvino muchauiswawo pamberi pevatungamiriri nemadzimambo nekuda kwangu, huve uchapupu kwavari nekuvahedheni.
19 かれら汝らを付さば、如何に何を言はんと思ひ煩ふな、言ふべき事は、その時さづけらるべし。
Asi kana vachikukumikidzai, musafunganya kuti muchataura sei kana chii; nokuti muchapiwa nenguva iyo chamuchataura.
20 これ言ふものは汝 等にあらず、其の中にありて言ひたまふ汝らの父の靈なり。
Nokuti hamusi imwi munotaura, asi Mweya waBaba venyu anotaura mamuri.
21 兄弟は兄弟を、父は子を死に付し、子どもは親に逆ひて之を死なしめん。
Mwanakomana wamai achakumikidza mwanakomana wamai kurufu, nababa mwana; uye vana vachamukira vabereki nekuvauraya.
22 又なんぢら我が名のために凡ての人に憎まれん。されど終まで耐へ忍ぶものは救はるべし。
Uye muchavengwa nevese nekuda kwezita rangu; asi anotsungirira kusvika pakuguma, ndiye achaponeswa.
23 この町にて責めらるる時は、かの町に逃れよ。誠に汝らに告ぐ、なんぢらイスラエルの町々を巡り盡さぬうちに人の子は來るべし。
Asi kana vachikushushai muguta iri, tizirai kune rimwe; nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hamungatongopedzi maguta aIsraeri, kusvikira Mwanakomana wemunhu asvika.
24 弟子はその師にまさらず、僕はその主にまさらず、
Mudzidzi haasi pamusoro pemudzidzisi, kana muranda pamusoro paishe wake.
25 弟子はその師のごとく、僕はその主の如くならば足れり。もし家主をベルゼブルと呼びたらんには、ましてその家の者をや。
Zvakaringanira mudzidzi kuti ave semudzidzisi wake, nemuranda saishe wake. Kana vaidza Ishe weimba kuti Bheerizebhuri, vachadaro zvikuru sei veimba yake!
26 この故に、彼らを懼るな。蔽はれたるものに露れぬはなく、隱れたるものに知られぬは無ければなり。
Naizvozvo musavatya; nokuti hakuna chakafukidzwa chisingazobvundunurwi, kana chakavanzika chisingazozikanwi.
27 暗黒にて我が告ぐることを光明にて言へ。耳をあてて聽くことを屋の上にて宣べよ。
Zvandinokuudzai murima, taurai pachiedza, nezvamunonzwa munzeve, paridzirai pamusoro pematenga edzimba.
28 身を殺して靈魂をころし得ぬ者どもを懼るな、身と靈魂とをゲヘナにて滅し得る者をおそれよ。 (Geenna g1067)
Uye musatya vanouraya muviri, asi havagoni kuuraya mweya; asi mutye zvikuru uyo anogona kuparadza zvese mweya nemuviri mugehena. (Geenna g1067)
29 二 羽の雀は一錢にて賣るにあらずや、然るに、汝らの父の許なくば、その一 羽も地に落つること無からん。
Ko tushiri tuviri hatutengeswi nekobiri here? Asi kamwe kadzo hakangawiri pasi kunze kwekuda kwaBaba venyu.
30 汝らの頭の髮までも皆かぞへらる。
Asi nevhudzi remusoro wenyu rakaverengwa rese.
31 この故におそるな、汝らは多くの雀よりも優るるなり。
Naizvozvo musatya, imwi munopfuura tushiri tuzhinji.
32 されど凡そ人の前にて我を言ひあらはす者を、我もまた天にいます我が父の前にて言ひ顯さん。
Naizvozvo umwe neumwe achandibvuma pamberi pevanhu, ini ndichamubvumawo pamberi paBaba vangu vari kumatenga.
33 されど人の前にて我を否む者を、我もまた天にいます我が父の前にて否まん。
Asi ani nani anondiramba pamberi pevanhu, neni ndichamuramba pamberi paBaba vangu vari kumatenga.
34 われ地に平和を投ぜんために來れりと思ふな。平和にあらず、反つて劍を投ぜん爲に來れり。
Musafunga kuti ndakauya kuzoisa rugare panyika; handina kuuya kuzoisa rugare, asi munondo.
35 それ我が來れるは、人をその父より、娘をその母より、嫁をその姑嫜より分たん爲なり。
Nokuti ndakauya kuzopesanisa munhu nababa vake, nemukunda namai vake, nemuroora navamwene vake;
36 人の仇はその家の者なるべし。
nevavengi vemunhu ndeveimba yake.
37 我よりも父または母を愛する者は、我に相應しからず。我よりも息子または娘を愛する者は、我に相應しからず。
Anoda baba kana mai kupfuura ini haana kufanira ini; neanoda mwanakomana kana mukunda kupfuura ini haana kufanira ini;
38 又おのが十字架をとりて我に從はぬ者は、我に相應しからず。
uye asingatori muchinjikwa wake akanditevera, haana kufanira ini.
39 生命を得る者はこれを失ひ、我がために生命を失ふ者はこれを得べし。
Anowana mweya wake acharasikirwa nawo; asi anorasikirwa nemweya wake nekuda kwangu achauwana.
40 汝らを受くる者は、我を受くるなり。我をうくる者は、我を遣し給ひし者を受くるなり。
Uyo anogamuchira imwi anogamuchira ini; neanogamuchira ini anogamuchira iye wakandituma.
41 預言者たる名の故に預言者をうくる者は、預言者の報をうけ、義人たる名のゆゑに義人をうくる者は、義人の報を受くべし。
Anogamuchira muporofita muzita remuporofita achawana mubairo wemuporofita; neanogamuchira wakarurama muzita rewakarurama achawana mubairo wewakarurama.
42 凡そわが弟子たる名の故に、この小き者の一人に冷かなる水 一杯にても與ふる者は、まことに汝らに告ぐ、必ずその報を失はざるべし』
Uye ani nani anonwisa umwe wevadiki ava mukombe chete wemvura inotonhorera muzita remudzidzi, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Haangatongorasikirwi nemubairo wake.

< マタイの福音書 10 >