< एज्रा 1 >

1 फारस के राजा कुस्रू के राज्य के पहले वर्ष में यहोवा ने फारस के राजा कुस्रू का मन उभारा कि यहोवा का जो वचन यिर्मयाह के मुँह से निकला था वह पूरा हो जाए, इसलिए उसने अपने समस्त राज्य में यह प्रचार करवाया और लिखवा भी दिया:
Mugore rokutanga raSirasi mambo wePezhia, kuti shoko raJehovha rakataurwa nomuromo waJeremia rizadziswe, Jehovha akamutsa mwoyo waSirasi mambo wePezhia, kuti aite chiziviso munyika yake yose uye akaita kuti chinyorwe chichiti:
2 “फारस का राजा कुस्रू यह कहता है: स्वर्ग के परमेश्वर यहोवा ने पृथ्वी भर का राज्य मुझे दिया है, और उसने मुझे आज्ञा दी, कि यहूदा के यरूशलेम में मेरा एक भवन बनवा।
Zvanzi naSirasi mambo wePezhia: Jehovha, Mwari wokudenga akandipa ushe hwose hwapanyika uye akandigadza kuti ndimuvakire temberi paJerusarema muJudha.
3 उसकी समस्त प्रजा के लोगों में से तुम्हारे मध्य जो कोई हो, उसका परमेश्वर उसके साथ रहे, और वह यहूदा के यरूशलेम को जाकर इस्राएल के परमेश्वर यहोवा का भवन बनाए - जो यरूशलेम में है वही परमेश्वर है।
Ani naani wavanhu vake ari pakati penyu, Mwari wake ngaave naye, uye regai aende zvake kuJerusarema kuJudha andovaka temberi yaJehovha, Mwari waIsraeri, iye Mwari anogara muJerusarema.
4 और जो कोई किसी स्थान में रह गया हो, जहाँ वह रहता हो, उस स्थान के मनुष्य चाँदी, सोना, धन और पशु देकर उसकी सहायता करें और इससे अधिक यरूशलेम स्थित परमेश्वर के भवन के लिये अपनी-अपनी इच्छा से भी भेंट चढ़ाएँ।”
Zvino vanhu vagere panzvimbo ipi neipi zvayo pagere vakasara, vanofanira kumupa sirivha negoridhe, nenhumbi nezvipfuwo, uye vagomupa zvipo zvokupa nokuzvisarudzira zvetemberi yaMwari muJerusarema.
5 तब यहूदा और बिन्यामीन के जितने पितरों के घरानों के मुख्य पुरुषों और याजकों और लेवियों का मन परमेश्वर ने उभारा था कि जाकर यरूशलेम में यहोवा के भवन को बनाएँ, वे सब उठ खड़े हुए;
Ipapo vakuru vedzimba veJudha neveBhenjamini, navaprista uye navaRevhi, vose avo vakanga vamutswa mwoyo naMwari, vakagadzirira kuenda kundovaka imba yaJehovha muJerusarema.
6 और उनके आस-पास सब रहनेवालों ने चाँदी के पात्र, सोना, धन, पशु और अनमोल वस्तुएँ देकर, उनकी सहायता की; यह उन सबसे अधिक था, जो लोगों ने अपनी-अपनी इच्छा से दिया।
Vavakidzani vavo vose vakavabatsira nemidziyo yesirivha negoridhe, nenhumbi nezvipfuwo, uye nezvipo zvinokosha, kuwedzera pamusoro pezvipo zvokuzvisarudzira.
7 फिर यहोवा के भवन के जो पात्र नबूकदनेस्सर ने यरूशलेम से निकालकर अपने देवता के भवन में रखे थे,
Pamusoro pezvo, Mambo Sirasi akaburitsa midziyo yomutemberi yaJehovha, iyo yakanga yatorwa kubva kuJerusarema naNebhukadhinezari uye akanga aiisa mutemberi yamwari wake.
8 उनको कुस्रू राजा ने, मिथ्रदात खजांची से निकलवाकर, यहूदियों के शेशबस्सर नामक प्रधान को गिनकर सौंप दिया।
Sirasi mambo wePezhia akarayira kuti ibudiswe naMitiredhati muchengeti wepfuma, uyo akaiverenga achiipa kuna Sheshibhazari muchinda weJudha.
9 उनकी गिनती यह थी, अर्थात् सोने के तीस और चाँदी के एक हजार परात और उनतीस छुरी,
Uku ndiko kuwanda kwayakanga yakaita: ndiro dzegoridhe dzaiva makumi matatu; ndiro dzesirivha dzaiva chiuru;
10 १० सोने के तीस कटोरे और मध्यम प्रकार की चाँदी के चार सौ दस कटोरे तथा अन्य प्रकार के पात्र एक हजार।
pani dzesirivha dzaiva makumi maviri namapfumbamwe; mbiya dzegoridhe dzaiva makumi matatu; mbiya dzesirivha dzakafanana-fanana dzaiva mazana mana negumi; uye mimwewo midziyo yaiva chiuru.
11 ११ सोने चाँदी के पात्र सब मिलाकर पाँच हजार चार सौ थे। इन सभी को शेशबस्सर उस समय ले आया जब बन्धुए बाबेल से यरूशलेम को आए।
Yose pamwe chete, midziyo yegoridhe neyesirivha yaiva zviuru zvishanu namazana mana. Sheshibhazari akaendesa izvi zvose panguva iyo vatapwa vakabva kuBhabhironi vachienda kuJerusarema.

< एज्रा 1 >