< תהילים 71 >

בך-יהוה חסיתי אל-אבושה לעולם 1
Ndinovanda mamuri, imi Jehovha; ngandirege kutongonyadziswa.
בצדקתך תצילני ותפלטני הטה-אלי אזנך והושיעני 2
Ndinunurei uye mundirwire mukururama kwenyu; rerekerai nzeve yenyu kwandiri uye mundiponese.
היה לי לצור מעון לבוא-- תמיד צוית להושיעני כי-סלעי ומצודתי אתה 3
Ivai bako rangu rokuvanda kwandingaramba ndichienda; rayirai kuti ndiponeswe, nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu.
אלהי--פלטני מיד רשע מכף מעול וחומץ 4
Haiwa Mwari wangu, ndirwirei, paruoko rwowakaipa, pakubatwa navanhu vakaipa uye vane utsinye.
כי-אתה תקותי אדני יהוה מבטחי מנעורי 5
Nokuti muri tariro yangu, imi Ishe Jehovha, ndakavimba nemi kubva pauduku hwangu.
עליך נסמכתי מבטן--ממעי אמי אתה גוזי בך תהלתי תמיד 6
Ndakazendamira pamuri kubva pakuberekwa kwangu; ndimi makandibudisa mudumbu ramai vangu. Ndicharamba ndichikurumbidzai.
כמופת הייתי לרבים ואתה מחסי-עז 7
Ndava sechishamiso kuvazhinji, asi imi muri utiziro hwangu hwakasimba.
ימלא פי תהלתך כל-היום תפארתך 8
Muromo wangu uzere nerumbidzo yenyu, ndinoparidza kubwinya kwenyu zuva rose.
אל-תשליכני לעת זקנה ככלות כחי אל-תעזבני 9
Regai kundirasa pandinenge ndakwegura; musandisiya kana simba rangu rapera.
כי-אמרו אויבי לי ושמרי נפשי נועצו יחדו 10
Nokuti vavengi vangu vanotaura zvakaipa pamusoro pangu; avo vakamirira kundiuraya vanorangana pamwe chete.
לאמר אלהים עזבו רדפו ותפשוהו כי-אין מציל 11
Vanoti, “Mwari amusiya; muteverei mumubate, nokuti hakuna achamununura.”
אלהים אל-תרחק ממני אלהי לעזרתי חישה (חושה) 12
Regai kuva kure neni, imi Mwari; uyai nokukurumidza, imi Mwari wangu, mundibatsire.
יבשו יכלו שטני נפשי יעטו חרפה וכלמה--מבקשי רעתי 13
Vapomeri vangu ngavaparare vanyadziswe; vaya vanoda kundikuvadza ngavafukidzwe nokusekwa nokunyadziswa.
ואני תמיד איחל והוספתי על-כל-תהלתך 14
Asi kana ndirini, ndichagara ndine tariro; ndicharamba ndichikurumbidzai zvakanyanya.
פי יספר צדקתך--כל-היום תשועתך כי לא ידעתי ספרות 15
Muromo wangu uchareva zvokururama kwenyu, nezvoruponeso rwenyu zuva rose, kunyange ndisingazivi chiyero charwo.
אבוא--בגברות אדני יהוה אזכיר צדקתך לבדך 16
Ndichauya ndichiparidza mabasa enyu makuru, imi Ishe Jehovha; ndichaparidza kururama kwenyu, iyemi moga.
אלהים למדתני מנעורי ועד-הנה אגיד נפלאותיך 17
Kubva pauduku hwangu, imi Mwari, makandidzidzisa, nanhasi uno ndinoparidza mabasa enyu anoshamisa.
וגם עד-זקנה ושיבה-- אלהים אל-תעזבני עד-אגיד זרועך לדור לכל-יבוא גבורתך 18
Kunyange pandinenge ndakwegura uye bvudzi rachena, musandisiya, imi Mwari, kusvikira ndaparidza simba renyu kurudzi runotevera, nesimba renyu kuna vose vari kuzouya.
וצדקתך אלהים עד-מרום אשר-עשית גדלות אלהים מי כמוך 19
Kururama kwenyu kunosvika kudenga kumusoro, imi Mwari, iyemi makaita zvinhu zvikuru. Haiwa Mwari, ndiani akafanana nemi?
אשר הראיתנו (הראיתני) צרות רבות-- ורעות תשוב תחינו (תחיני) ומתהמות הארץ תשוב תעלני 20
Kunyange imi makandiratidza matambudziko mazhinji uye anorwadza, muchadzosa upenyu hwangu zvakare; kubva kwakadzika kwepasi muchandibudisazve.
תרב גדלתי ותסב תנחמני 21
Muchawedzera kukudzwa kwangu, uye muchandinyaradzazve.
גם-אני אודך בכלי-נבל-- אמתך אלהי אזמרה לך בכנור-- קדוש ישראל 22
Ndichakurumbidzai nembira nokuda kwokutendeka kwenyu, imi Mwari wangu; ndichakurumbidzai nenziyo nomutengeranwa, imi Mutsvene woga waIsraeri.
תרננה שפתי כי אזמרה-לך ונפשי אשר פדית 23
Miromo yangu ichadanidzira nomufaro pandinokurumbidzai nenziyo, iyeni, wamakadzikinura.
גם-לשוני-- כל-היום תהגה צדקתך כי-בשו כי-חפרו מבקשי רעתי 24
Rurimi rwangu ruchataura nezvamabasa enyu akarurama zuva rose, nokuti avo vaida kundikuvadza vanyadziswa uye vakanganiswa.

< תהילים 71 >